bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 12
Matthew 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
1
Nenguva iyo. Jesu wakafamba nomusi wesabata nemuzviyo; zvino vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakatanga kutanha hura vachidya.
2
Asi vaFarisi vakati vachivona; vakati, kwaari: Tarira vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nomusi wesabata.
3
Asi wakati kwavari: Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, navakanga vanaye;
4
kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvisina kutenderwa kudyiwa naye kana navaiva naye asi navaprista chete?
5
Ko hamuna kurava here pamurairo, kuti nesabata vaprista vanosvibisa sabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?
6
Asi ndinoti kwamuri: Uri pano mukuru kutembere.
7
Asi dai maiziva kuti zvinorevei \add kuti\add*: Ndinoda ngoni handidi chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasine-mhosva.
8
Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe kunyangwe wesabata.
9
Zvino wakati abvapo, akapinda musinagoge ravo.
10
Zvino tarira, kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? Kuti vamupomere mhosva.
11
Akati kwavari: Ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nezuva resabata ungarega kuribata aka\add ri\add*budisa?
12
Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata.
13
Zvino akati kumunhu: Tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe.
14
Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
15
Asi Jesu wakati achi\add zvi\add*ziva, akabvapo; chaunga chikuru chikamutevera, akavaporesa vose.
16
Akavaraira kuti varege kumuzivisa \add pachena\add*.
17
Kuti zvizadzisike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti:
18
Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikamwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga.
19
Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumisha.
20
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga mukukunda.
21
Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.
22
Zvino kwakavuyiswa kwaari mumwe akagarwa nomweya wakaipa, bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu mbeveve rakataura nokuvona.
23
Chaunga chose chikashamiswa chikati: Ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here?
24
Asi vaFarisi vakati vachi\add zvi\add*nzwa, vakati: Uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa.
25
Zvino Jesu akaziva fungwa dzavo, akati kwavari: Ushe hwumwe nohwumwe hwunozvipesanisa hwunoparadzwa, neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.
26
NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa; ushe hwake hwuchamira seiko?
27
Uye kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Nokuda kwaizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
28
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwatosvika kwamuri.
29
Munhu ungapinda seiko mumba momunhu unesimba akapamba nhumbi dzake kana asati ambosunga uyo unesimba? Ipapo uchapamba imba yake.
30
Uyo usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadzira.
31
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakangamwirwa zvivi zvose nokumhura Mwari, asi kumhura Mweya mutsvene hakungakangamwirwi munhu.
32
Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakangamwirwa. Asi ani nani unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakangamwirwi, kana panguva ino kana kune inovuya.
33
Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo, kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo, nokuti muti unozikamwa nezvibereko.
34
Vana venyoka, mungagona seiko, imwi makaipa kutaura zvinhu zvakanaka? Nokuti muromo unotaura zvizere mumoyo.
35
Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yakanaka yomoyo; nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa.
36
Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo, rinorehwa navanhu, vachazvidavirira \add pamusoro paro\add* nezuva rokutonga.
37
Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako ucharashiwa.
38
Zvino vamwe vavanyori navaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kubva kwamuri.
39
Asi wakapindura akati kwavari: Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwavari. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.
40
Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehunga mazuva matatu novusiku vutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku vutatu.
41
Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva; nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.
42
Mambokadzi wekuchamhembe uchasimuka mukutongwa norudzi urwu, ucharupa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa vuchenjeri hwaSoromoni. Zvino tarirai, mukuru kunaSoromoni pano.
43
Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unotenderera panzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo uchishaiwa.
44
Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yakarongedzwa.
45
Zvino unoenda ndokutora pamwechete naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuvura, zvino ndokupinda, ndokugaramo; \add chimiro\add* chokupedzisira chomunhu uyu chakaipa kupfuvura chokutanga. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa.
46
Wakati achataura nechaunga, tarira, mai navana vamai vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.
47
Mumwe akati kwaari: Tarirai, mai venyu navana vamai venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.
48
Asi wakapindura akati kuna iye wakamuvudza: Mai vangu ndianiko? navana vamai vangu ndivanaaniko?
49
Zvino wakatandavadzira ruvoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu navanun'una vangu.
50
Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munun'una wangu, nehanzvadzi namai.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28