bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 20
Matthew 20
Shona 2009?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
Nokuti ushe hwokudenga hwakafana nomunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati.
2
Wakati atenderana navabati padhenari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
3
Akabuda nenguva inenge yechitatu, akavona vamwe vamire pamisika, vasina chavaiita;
4
akati kwavari: Endai imwivo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira, vakaenda.
5
Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akaita saizvozvozve.
6
Zvino nenguva inenge yegumi neimwe, akabuda, akawana vamwe vamire vasina chavaiita, akati kwavari: Makamirireiko pano zuva rose musina chamunoita?
7
Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemwivo mumunda wemizambiringa muchawana zvose zvakafanira.
8
Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kunovokupedzisira, kuswikira kunovokutanga.
9
Zvino vakati vachivuya, nenguva inenge yegumi neimwe, vakawana mumwe nomumwe dhenari*.
10
Asi vokutanga vakati vachivuya, vakafunga kuti vachapiwa zvakapfuvura; asi ivo vakapiwavo mumwe nomumwe dhenari*.
11
Vakati vagamuchira, vakagunun'unira mwene weimba,
12
vakati: Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro zuva rose tichitsva nezuva.
13
Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hatina kutenderana padhenari* here?
14
Tora zvako uende, ndichapa kune wokupedzisira sewe.
15
Ko handina kutenderwa kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
16
Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira: nokuti vazhinji vachadamwa, asi vashoma vachasarudzwa.
17
Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora vadzidzi vanegumi navaviri vari voga munzira, akati kwavari:
18
Tarirai, tinokwira Jerusarema, zvino Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa kuvaprista vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
19
Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vaseke, varove, nokurovera pamuchinjikwa, asi nezuva retatu uchamukazve.
20
Zvino kwakavuya kwaari mai vavanakomana vaZebhedhi navanakomana vavo, vakagombedzera vachikumbira chimwe chinhu kwaari.
21
Akati kwavari: Munodeiko? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.
22
Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kumwa zvomukombe wandichamwa here? Kana kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here? Vakati kwaari: Tingagona.
23
Akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo zvomukombe wangu nokubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa naBaba vangu.
24
Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo vana vaviri vomunhu mumwe.
25
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda enyika anovatsikirira, navakuru vavo vanoratidza simba pamusoro pavo.
26
Asi hazvingadaro pakati penyu; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
27
Aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
28
Sezvakaitavo Mwanakomana womunhu usina kuvuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.
29
Vakati vachibva Jeriko, chaunga chikamutevera.
30
Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere paritivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuvura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei ngoni! Haiwa Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
31
Chaunga chikaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Ishe, tinzwirei ngoni! Mwanakomana waDhavhidhi.
32
Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitireiko?
33
Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe:
34
Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso avo akasvinudzwa, akamutevera.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28