bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 1
1 Samuel 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
1
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weRamataimi‐zofimi, wenyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Erikana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErihu, mŋanakomana waTohu, mŋanakomana waZufi, muEfrata.
2
Iye wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Hana, ʋuye zita romumŋe rainzi Penina; Penina wakaŋga anaʋana, asi Hana wakaŋga asinaʋana.
3
Ɀino murume uyu waisikwira gore rimŋe nerimŋe acibva kuguta rake kundonamata nokuɓayira Jehova wehondo paShiro. Ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po ʋari ʋaprista ʋaJehova.
4
Ɀino zuʋa rokuɓayira kwake rakati riciȿika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, naʋanakomana ʋake ʋose naʋanasikana ʋake migoʋe yaʋo;
5
asi Hana wakamupa migoʋe miʋiri; nokuti wakaŋga aciɗa Hana, asi Jehova wakaŋga azarira ciɀaro cake.
6
Ɀino muʋeŋgi wake akamunetsa kwaɀo, kuti aɀidye mŋoyo, nokuti Jehova wakazarira ciɀaro cake.
7
Akaita saiɀoɀo gore rimŋe nerimŋe, kana acikwira kuimba yaJehova; akamunetsa saiɀoɀo, saka wakacema, akaramba kudya.
8
Ɀino murume wake Erikana akati kwaari: Hana, unocemeiko? Unorambireiko kudya? Mŋoyo wako uneshuŋgu nei? Ko ini handikupfuʋuriri ʋanakomana ʋanegumi here?
9
Saka Hana wakasimuka, ʋapedza kudya paShiro, ʋuye ʋapedza kunwa. Ɀino Eri muprista wakaŋga agere pacigaro cake pamukoʋa wetembere yaJehova.
10
Ɀino Hana wakaŋga aneshuŋgu kwaɀo, akanyeŋgetera kunaJehova, akacema kwaɀo.
11
Akapika mhiko, akati: Jehova wehondo, kana mukaʋa nehanya kwaɀo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandiraŋgarira, mukasakaŋganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mŋana womukomana, ipapo ndicamupa Jehova mazuʋa ose oʋupenyu bgake, musoro wake hauŋgaʋeʋurwi neciȿo.
12
Ɀino wakati aciramba acinyeŋgetera pamberi paJehova, Eri akacerekedza muromo wake.
13
Nokuti Hana wakaŋga acitaura necomumŋoyo make, miromo yake yoga yakaŋga icimeŋenyedzwa, asi inzwi rake rakaŋga risiŋganzwiki; saka Eri wakati waɓatwa newaini.
14
Eri akati kwaari: Ucaramba wakaɓatwa kuȿikira riniko? Rasha waini yako.
15
Hana akapindura akati: Kwete, ishe waŋgu, ndiri mukadzi uneshuŋgu pamŋeya, handinakunwa waini, kana ɀinoɓata, asi ndaɗurura mŋeya waŋgu pamberi paJehova.
16
Musati murandakadzi wenyu mŋanasikana wakaiȿo‐ipa, nokuti kuȿikira ɀino ndakaŋga ndicitaura nokuɗa kwokucema kwaŋgu kukuru nokutambudzika kwaŋgu.
17
Ipapo Eri akamupindura, akati: Enda hako norugare; Mŋari waIsraeri ŋgaakupe cawakakumbira kwaari.
18
Iye akati: Murandakadzi wenyu ŋgaanzwirwe tsitsi nemi. Naiɀoɀo mukadzi akaenda hake, akazodya, ciso cake cikashanduka.
19
Ɀino ʋakamuka maŋgwanani, ʋakanamata kunaJehova, ʋakadzokera ndokuȿika kumba kwaʋo paRama; Erikana akaziʋa mukadzi wake Hana, Jehova akamuraŋgarira.
20
Ŋguʋa yakati yapfuʋura, Hana akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, aciti: Nokuti ndakamukumbira kunaJehova.
21
Ɀino murume Erikana naʋose ʋeimba yake ʋakakwira kunaJehova kundoɓayira ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe, nokumupa seɀaakapika.
22
Asi Hana haana‐kukwira, nokuti wakati kumurume wake: Handiŋgakwiri kuȿikira mŋana arumurwa, ipapo ndicaenda naye, kuti aȿike pamberi paJehova, agare’po nokusiŋgaperi.
23
Erikana murume wake akati kwaari: Ita seɀaunofuŋga; cimbogara hako kuȿikira wamurumura; asi Jehova ŋgaasimbise shoko rake. Naiɀoɀo mukadzi akambogara hake, akamŋisa mŋanakomana wake, kuȿikira amurumura.
24
Wakati amurumura, akakwira naye anenzombe nhatu, neefa imŋe yoʋupfu, neɗende rewaini, akandomuisa mumba maJehova paShiro. Asi mŋana wakaŋga aciri muɗuku.
25
Ɀino ʋakaɓaya nzombe, ʋakaisa mŋana kunaEri.
26
Hana akati: Ishe waŋgu, nomŋeya wenyu mupenyu, ishe waŋgu, ndini mukadzi wakaɗeya kumira pano pamberi penyu, ndicinyeŋgetera kunaJehova.
27
Ndakakumbira mŋana uyu, Jehova akandipa candakakumbira kwaari;
28
saka neni ʋo ndamupa Jehova; mazuʋa ose okurarama kwake wakapiwa Jehova. Akanamata kunaJehova ipapo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31