bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 19
1 Samuel 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
1
Ɀino Sauro akataura naJonatani mŋanakomana wake, naʋaranda ʋake ʋose, kuti ʋaʋuraye Davidi.
2
Asi Jonatani mŋanakomana waSauro, wakaŋga acifarira Davidi kwaɀo. Naiɀoɀo Jonatani akaʋudza Davidi, akati: Sauro, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋanotȿaka kukuʋuraya; naiɀoɀo ɀino, cenjera kwaɀo maŋgwana, ugare pakaʋanda, uʋande;
3
ini ndicaɓuɗa, ndicandomira kunaɓaɓa ʋaŋgu mumunda, mauri, nditaurirane naɓaɓa ʋaŋgu pamsoro pako; kana ndiciŋge ndikaʋona cinhu, ndicakuʋudza.
4
Ipapo Jonatani akareʋerera Davidi ɀakanaka kunaSauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Mambo ŋgaarege kutadzira Davidi muranda wake, nokuti iye haana‐kukutadzirai imi, asi wakakuitirai ɀakanaka kwaɀo;
5
nokuti wakaɓata ʋupenyu bgake mumaʋoko ake, akaʋuraya muFiristia; Jehova akakundisa ʋaIsraeri nokukunda kukuru; imi makaɀiʋona, mukafara; naiɀoɀo mucatadzireiko ropa risinemhoȿa, mukaʋuraya Davidi asinemhaka hake?
6
Sauro akaterera inzwi raJonatani, Sauro akapika, akati: NaJehova mupenyu, haaŋgaʋurawi!
7
Ɀino Jonatani akaɗana Davidi, Jonatani akamuziʋisa ɀinhu iɀo ɀose. Jonatani akaenda naDavidi kunaSauro, akagara pamberi pake sapakutaŋga.
8
Ɀino kurwa kukaʋa’po ɀe, Davidi akaɓuɗa kundorwa naʋaFiristia, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru, ʋakatiza pamberi pake.
9
Mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukaʋuya pamsoro paSauro, agere mumba make anepfumo rake muruʋoko rwake; Davidi akaridza noruʋoko rwake.
10
Sauro akaidza kuɓayira Davidi pamadziro nepfumo; Davidi akatiza, akapukunyuka ʋusiku ubgo.
11
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDavidi kumurinda nokumuʋuraya maŋgwanani; Mikari mukadzi waDavidi, akamuʋudza, akati: Kana ukasaponesa ʋupenyu bgako ʋusiku bguno, ucaʋurawa maŋgwana.
12
Naiɀoɀo Mikari akaɓurusa Davidi pasi napawindi; akaenda, akatiza, akapukunyuka.
13
Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoʋo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.
14
Ɀino Sauro wakati acituma nhume kuzoɓata Davidi, iye akati: Unorwara.
15
Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Davidi, akati: Ʋuyai naye kwandiri ari panhoʋo, ndimuʋuraye.
16
Ɀino nhume dzakati dzicipinda, dzikaʋona terafimi iri panhoʋo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo.
17
Sauro akati kunaMikari: Wandinyeŋgereiko kuɗai, ukarega muʋeŋgi waŋgu acienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro, aciti: Iye wakati kwandiri: Ndirege, ndiende; ndicakuʋurayireiko?
18
Davidi akatiza, akapukunyuka, akaȿika kunaSamueri paRama, akamuʋudza ɀose ɀaakaŋga aitirwa naSauro. Iye naSamueri ʋakandogara Naioti.
19
Ɀino Sauro wakaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, Davidi uri Naioti paRama.
20
Sauro akatuma nhume kundoɓata Davidi; asi idzo dzakati dziciʋona ɓoka raʋaprofita ʋaciprofita, naSamueri amire ari mutuŋgamiriri waʋo, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaprofita ʋo.
21
Ɀino Sauro wakati aciʋudzwa iɀoɀo, akatuma ɀe dzimŋe nhume, naidzo dzikaprofita ʋo. Ipapo Sauro akatuma ɀe nhume rwecitatu, naidzo dzikaprofita ʋo.
22
Ɀino naiye akaenda ʋo Rama, akaȿika patsime guru riri paSeku, akabvunza, akati: ƲanaSamueri naDavidi ʋaripiko? Mumŋe akati: Tarirai, ʋari Naioti paRama.
23
Iye akaenda’ko Naioti paRama, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake ʋo, akafamba aciprofita kudzimana aȿika Naioti paRama.
24
Akabvisa ʋo ŋguʋo dzake, akaprofita pamberi paSamueri, akaʋata pasi, asakafuka, zuʋa iro rose noʋusiku ubgo bgose. Naiɀoɀo ʋanoti: Sauro uri pakati paʋaprofita ʋo here?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31