bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 26
1 Samuel 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 27 →
1
Ɀino ʋaZifi ʋakaʋuya kunaSauro paGibea, ʋakati: Ko Davidi haazinoʋanda pacikomo ceHakira, ciri pamberi perenje here?
2
Ipapo Sauro akasimuka, akaɓurukira kurenje reZifi, anaʋarume ʋaneɀuru ɀitatu, ʋakaŋga ʋakatsaurwa kuʋaIsraeri, kuti atȿake Davidi mureŋje reZifi.
3
Sauro akaʋaka misasa yake pacikomo ceHakira, ciri pamberi perenje, kurutiʋi rwenzira. Asi Davidi wakaŋga agere murenje, akaʋona Sauro acimuteʋera murenje.
4
Ɀino Davidi akatuma ʋashori, akanzwa kuti Sauro waȿika ɀirokwaɀo.
5
Davidi akasimuka, akaȿika pakaŋga pakaʋaka Sauro misasa yake, Davidi akaʋona pakaŋga paʋete Sauro, anaAbineri mŋanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakaŋga aʋete pakati peŋgoro dzakaŋga dzakaroŋgedzwa, asi ʋanhu ʋakaŋga ʋaʋaka misasa yaʋo ʋakamupoteredza.
6
Ɀino Davidi akapindura, akati kunaAhimereki muHeti, nokunaAbishai mŋanakomana waZeruya, munuŋuna waJoabi, akati: Ndianiko ucaɓuruka neni kunaSauro kumisasa? Abishai akati: Ini ndicaɓuruka nemi.
7
Naiɀoɀo Davidi naAbishai ʋakaȿika kuʋanhu ʋusiku, ʋakawana Sauro aʋete pakati peŋgoro dzakaŋga dzaroŋgedzwa, pfumo rake rakaɓayirwa pasi pamusoro wake; Abineri naʋamŋe ʋanhu ʋakaŋga ʋaʋete ʋakamupoteredza.
8
Ɀino Abishai akati kunaDavidi: Nhasi Mŋari wakaisa muʋeŋgi wako pamaʋoko ako; naiɀoɀo nditendere ndimuɓayire pasi nepfumo kamŋe cete, handiŋgamuɓayi rwecipiri.
9
Davidi akati kunaAbishai: Usamuʋuraya, nokuti ndianiko uŋgagona kutambanudzira ruʋoko rwake kumuzodzwa waJehova, akasaʋa nemhoȿa?
10
Davidi akati: NaJehova mupenyu, Jehova ndiye ucamuʋuraya; ɀimŋe zuʋa rake rokufa ricaȿika, ɀimŋe ucaɓurukira kundorwa akaparadzwa’po.
11
Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kutambanudzira ruʋoko rwaŋgu kumuzodzwa waJehova; asi ɀino tora hako pfumo riri pamusoro wake, neciroŋgo cemvura, tiende.
12
Naiɀoɀo Davidi akatora pfumo neciroŋgo cemvura, ɀakaŋga ɀiri pamusoro waSauro, ʋakaenda; hakunomunhu wakaɀiʋona, kana kuɀiziʋa, hakuna‐wakapepuka, nokuti ʋakaŋga ʋaʋete ʋose, nokuti ʋakaŋga ʋakaɓatwa nehope kwaɀo, dzakaŋga dzatumŋa naMŋari.
13
Ɀino Davidi akayambukira mhiri, akamira pamsoro pegomo ari kure; asi pakati paʋo pakaŋga panenhambo huru;
14
Davidi akashoʋedzera kuʋanhu nokunaAbineri mŋanakomana waNeri, akati: Nhandi Abineri, hauɗaʋiri here? Ipapo Abineri akaɗaʋira, akati: Ndiwe aniko unoshoʋedzera kunamambo.
15
Davidi akati kunaAbineri: Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuʋaIsraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumŋe munhu wakaŋga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
16
Ici cinhu cawaita hacina‐kunaka. NaJehova mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna‐kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehova. Ɀino citarira, pfumo ramambo neciroŋgo cemvura cakaŋga ciri pamusoro wake ɀiripiko?
17
Sauro akaziʋa inzwi raDavidi, akati: Ndiro inzwi rako here, mŋana waŋgu Davidi? Davidi akati: Inzwi raŋgu, ishe waŋgu, mambo.
18
Akati: Ko Ishe waŋgu unoteʋerereiko muranda wake? Nokuti ndakaiteiko? Ɀakaipa ɀiri mandiri ndeɀeiko?
19
Naiɀoɀo ɀino ishe waŋgu mambo ciɗonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehova wakakukurudzirai kurwa neni, ŋgaapiwe cipiriso; asi kana ʋari ʋana ʋaʋanhu, ŋgaʋaʋe ʋakatukwa pamberi paJehova, nokuti ʋakandidziŋga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehova, ʋaciti: Enda, undoshumira ʋamŋe ʋamŋari.
20
Naiɀoɀo ɀino ropa raŋgu ŋgarirege kuwira pasi kure naJehova, nokuti mambo waIsraeri waɓuɗa kuzotȿaka rutata rumŋe, somunhu unovima hwari mumakomo.
21
Ipapo Sauro akati: Ndatadza, dzoka hako, mŋana waŋgu Davidi, nokuti handicazokuitiri ɀakaipa, nokuti ʋupenyu bgaŋgu bgakaŋga bgucikosha pameso ako nhasi; tarira, ndaita seɓenzi, ndatadza kwaɀo.
22
Ipapo Davidi akapindura, akati: Tarirai pfumo ramambo! mumŋe wamajaya ŋgaayambukire ʋuno aritore.
23
Jehova unoripira munhu mumŋe nomumŋe kururama kwake nokutendeka kwake; nokuti Jehova wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruʋoko rwaŋgu kumuzodzwa waJehova.
24
Ɀino tarirai, ʋupenyu bgenyu seɀandakabgukudza nhasi, saiɀoɀo ʋo ʋupenyu bgaŋgu ŋgabgukudzwe naJehova, iye andirwire pakutambudzika kwaŋgu kwose.
25
Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Wakaropafadzwa iwe mŋana waŋgu Davidi; ucaʋa nesimba, ʋuye ucakunda kwaɀo. Naiɀoɀo Davidi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31