bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 12
1 Samuel 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 13 →
1
Ɀino Samueri akati kuʋaIsraeri ʋose: Tarirai, ndakaterera manzwi enyu paɀinhu ɀose ɀamakataura kwandiri, ndikakugadzirai mambo.
2
Ɀino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndacena vudzi; tarirai, ʋanakomana ʋaŋgu ʋari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva paʋuɗuku bgaŋgu kuȿikira nhasi.
3
Ndiri pano; cindipupurirai pamberi paJehova napamberi pomuzodzwa wake: Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mboŋgoro yake? Ndianiko wandakanyeŋgera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamucira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso aŋgu naɀo? Ndiziʋe, kuti ndikudzoserei iɀoɀo.
4
Iʋo ʋakati: Hamuna‐kutinyeŋgera, kana kutitambudza; hamuna‐kugamucira cinhu kumunhu upi noupi.
5
Akati kwaʋari: Jehova unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi, kuti hamuna‐kuwana mhoȿa kwandiri. Ʋakati: Ndiye capupu.
6
Ɀino Samueri akati kuʋanhu: Jehova ndiye wakaŋga agadza Mosesi naAroni, nokuɓuɗisa madziɓaɓa enyu panyika yeEgipita.
7
Naiɀoɀo ɀino cirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehova pamsoro peɀose ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova, imi namadziɓaɓa enyu.
8
Ŋguʋa yakaenda Jakobo Egipita, madziɓaɓa enyu akacema kunaJehova, Jehova akatuma Mosesi naAroni, ʋakaɓuɗisa madziɓaɓa enyu Egipita, ʋakaʋagarisa pano.
9
Asi ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo, iye akaʋateŋgesa kunaSisera, mukuru wehondo yaHazori, nokunaʋaFiristia, nokunamambo waʋaMoabi, ʋakarwa naʋo.
10
Ipapo ʋakacema kunaJehova, ʋakati: Takatadza, nokuti takasiya Jehova, tikashumira ʋaBaari neAshtaroti; asi ɀino tirwirei henyu pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, tikushumirei.
11
Ipapo Jehova akatuma Jerubaari, naBedani, naJefta, naSamueri, akakurwirai pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu kunhiʋi dzose, mukagara ɀakanaka.
12
Ɀino makati moʋona Nahashi, mambo waʋana ʋaAmoni, aciʋuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri: Kwete, tinofanira kuɓatwa nesu ʋo namambo, kunyaŋge Jehova Mŋari wenyu wakaŋga ari mambo wenyu.
13
Naiɀoɀo ɀino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehova wakakugadzirai mambo.
14
Kana mukatya Jehova, mukamushumira, mukaterera inzwi rake, mukasaramba murairo waJehova, mukateʋera Jehova Mŋari wenyu, imi naiye mambo unokuɓatai, mucafara henyu;
15
asi kana musiŋgatereri inzwi raJehova, mukaramba murairo waJehova, ruʋoko rwaJehova rucarwa nemi, seɀarwakarwa namadziɓaɓa enyu.
16
Naiɀoɀo ɀino rambai mumire, muʋone cinhu ici cikuru cicaitwa naJehova pamberi pameso enyu.
17
Hakuzi kucekwa kweɀiyo nhasi here? Ndicaɗana kunaJehova, kuti atume kutinhira nemvura, imi muziʋe muʋone kuti makatadza kwaɀo pamberi paJehova, ɀamakaɀikumbirira mambo.
18
Naiɀoɀo Samueri akaɗana kunaJehova, Jehova akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; ʋanhu ʋose ʋakatya Jehova naSamueri kwaɀo.
19
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakati kunaSamueri: nyeŋgetererai henyu ʋaranda ʋenyu kunaJehova Mŋari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera paɀiʋi ɀeɗu ɀose cinhu ici cakaipa, kuti takaɀikumbirira mambo.
20
Samueri akati kuʋanhu: Musatya henyu; makaita henyu ɀakaipa iɀi ɀose, asi regai kutsauka pakuteʋera Jehova, asi shumirai Jehova nemŋoyo yenyu yose;
21
musatsauka, nokuti kana mukaɗaro, mucateʋera ɀinhu ɀisinamaturo, ɀisiŋgaɓatsiri kana kurwira, nokuti haɀinamaturo.
22
Nokuti Jehova haaŋgasiyi ʋanhu ʋake nokuɗa kwezita rake guru, nokuti Jehova wakafara naɀo kukuitai imi ʋanhu ʋake.
23
Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi, asi ndicakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
24
Asi ityai Jehova, mumushumire neɀokwaɗi nemŋoyo yenyu yose, nokuti raŋgarirai ɀinhu ɀikuru ɀaakakuitirai.
25
Asi kana mukaramba muciita ɀakaipa, mucaparadzwa, imi namambo wenyu.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31