bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 3
1 Samuel 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
1
Ɀino mŋana Samueri waiɓatira Jehova pamberi paEri. Asi shoko raJehova rakaŋga ricinzwika kashoma pamazuʋa iwayo; Jehova wakaŋga asiŋgaɀiratidzi pacena.
2
Ɀino neŋguʋa iyo Eri wakati aʋata pasi panɀimbo yake, (meso ake ɀino akaŋga oʋonera madzerere, asiŋgagoni kuʋona kwaɀo,)
3
mŋenje waMŋari usati wadzimŋa, naSamueri akaŋga aʋata pasi patembere yaJehova, pakaŋga paneareka yaMŋari;
4
Jehova akaɗana Samueri. Iye akati: Ndiri pano haŋgu.
5
Akamhanyira kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Eri akati: Handina‐kukuɗana, ciʋata hako ɀe. Iye akandoʋata ɀe.
6
Ipapo Jehova akapamha ɀe kuɗana, akati: Samueri! Samueri akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Akapindura, akati: Handina‐kukuɗana, mŋana waŋgu; ciʋata hako ɀe.
7
Asi Samueri wakaŋga acigere kuziʋa Jehova, ʋuye shoko raJehova rakaŋga ricigere kumuziʋiswa.
8
Ɀino Jehova akapamha ɀe kuɗana Samueri rwecitatu. Iye akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Ipapo Eri akaziʋa kuti ndiJehova wakaɗana mŋana.
9
Saka Eri akati kunaSamueri: Cindoʋata hako; ɀino kana iye okuɗana, uti: Taurai Jehova, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naiɀoɀo Samueri akaenda, akandoʋata panɀimbo yake.
10
Ipapo Jehova akaʋuya, akamira, akaɗana sapaŋguʋa dzimŋe dzokutaŋga, akati: Samueri, Samueri! Samueri akati: Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.
11
Jehova akati kunaSamueri: Tarira, ndicaita cinhu pakati paIsraeri, nzeʋe dzomumŋe nomumŋe unocinzwa dzicawuŋga.
12
Nomusi uyo ndicaitira Eri ɀose ɀandakataura pamsoro peimba yake, kubva pakutaŋga kuȿikira pakupedzisira.
13
Nokuti ndakamuʋudza kuti ndicatoŋgesa imba yake nokusiŋgaperi pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga aciziʋa hake; nokuti ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋaciɀigadzirira kutukwa, asi iye haana‐kuʋadziʋisa.
14
Saka ndakapika pamsoro peimba yaEri, kuti ɀakaipa ɀeimba yaEri haɀiŋgayananiswi neɀiɓayiro kana neɀipiriso nokusiŋgaperi.
15
Ɀino Samueri akaʋata kuȿikira maŋgwana, akazarura mikoʋa yeimba yaJehova. Asi Samueri wakatya kuziʋisa Eri ɀaakaŋga aratidzwa.
16
Ɀino Eri akaɗana Samueri, akati: Samueri, mŋana waŋgu. Iye akati: Ndiri pano haŋgu.
17
Akati: Cinyiko cawakaʋudzwa naJehova? Usandiʋanzira hako cinhu ico; Mŋari ŋgaakuroʋe, arambe aciɗaro, kana ukandiʋanzira cinhu cimŋe paɀinhu ɀose ɀaakakuʋudza.
18
Ipapo Samueri akamurondedzera ɀose‐ɀose, haana‐kumuʋanzira cinhu cimŋe. Eri akati: NdiJehova, ŋgaaite hake seɀaanoɗa.
19
Samueri akakura; Jehova akaʋa naye, haana‐kutendera kuti rimŋe ramashoko ake riwire pasi.
20
ƲaIsraeri ʋose, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋakaziʋa kuti Samueri wakaŋga asimbiswa kuʋa muprofita waJehova.
21
Ɀino Jehova akaɀiratidza ɀe paShiro, nokuti Jehova wakaɀiratidza kunaSamueri paShiro neshoko raJehova.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31