bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 9
1 Samuel 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 10 →
1
Ɀino kwakaŋga kunomurume waBenjamini, wainzi Kishi, mŋanakomana waAbieri, mŋanakomana waZerori, mŋanakomana waBekorati, mŋanakomana waAfia, mŋanakomana womuBenjamini, munhu waiʋa nesimba noʋumhare.
2
Uyu munhu wakaŋga anomŋanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakaŋga kusinomumŋe munhu pakati paʋana ʋaIsraeri wakaŋga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kuȿika kumusoro wake wakaŋga akapfuʋura ʋanhu ʋose pakureɓa.
3
Ɀino mboŋgoro dzaKishi, ɓaɓa ʋaSauro, dzakaŋga dzarashika. Ipapo Kishi akati kunaSauro, mŋanakomana wake: Enda nomumŋe waʋaranda, mundotȿaka mboŋgoro.
4
Iye akapfuʋura nokunyika yamakomo yaEfraimi, akapfuʋura ʋo nokunyika yeSharisha, asi haʋana‐kudziwana; ɀino ʋakapfuʋura ɀe nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakaŋga dzisi’po; ipapo akapfuʋura nokunyika yaʋaBenjamini, asi haʋana‐kudziwana.
5
Ɀino ʋakati ʋaciȿika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakaŋga anaye: Ŋgatidzoke heɗu; ɓaɓa ʋaŋgu ɀimŋe ʋaŋgarega kufuŋga mboŋgoro, ʋakafuŋganya pamsoro peɗu.
6
Iye akati kwaari: Tarirai, muguta rino munomunhu waMŋari, munhu unokudzwa kwaɀo; ɀose ɀaanotaura ɀinoitika; hendei ɀino ikoko, ɀimŋe uŋgatiʋudza nzira yatiŋgafamba nayo.
7
Ɀino Sauro akati kumuranda wake: Asi tarira, kana tikaenda, ticandoʋigirei munhu uyo? Nokuti ɀiŋgwa ɀakaŋga ɀiri mumidziyo yeɗu ɀapera; hapanacipo catiŋgaʋigira munhu waMŋari; tineiko?
8
Ipapo muranda akapindura ɀe, akati kunaSauro: Tarirai, ndinececinna ceshekeri resirveri muruʋoko rwaŋgu; ndicacipa munhu waMŋari, atiʋudze nzira yeɗu.
9
(Kare pakati paʋaIsraeri kana munhu ondobvunza Mŋari, waiti: Hendei kumuʋoni; nokuti unonzi Muprofita ɀino wainzi Muʋoni kare.)
10
Ipapo Sauro akati kumuranda wake: Ishoko rakanaka, hendei. Naiɀoɀo ʋakaenda kuguta kwakaŋga kunomunhu waMŋari.
11
Ɀino ʋakati ʋacikwira kuguta, ʋakasoŋgana naʋasikana ʋakaŋga ʋaɓuɗa kundoteka mvura, ʋakati kwaʋari: Muʋoni uri pano here?
12
Ʋakapindura, ʋakati: Uri’po; tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu ɀino, nokuti waȿika muguta nhasi; nokuti ʋanhu ʋanoɓayira nhasi paɗunhu rakakwirira.
13
Kana maŋgoti mapinda muguta, mucamuwana pakarepo acigere kukwira kuɗunhu rakakwirira kundodya’po; nokuti ʋanhu haʋaŋgadyi, iye asati aȿika, nokuti ndiye unoropafadza ciɓayiro; pashure iʋo ʋakakokwa ʋacadya. Naiɀoɀo cikwirai ɀino, nokuti mucamuwana neŋguʋa ino.
14
Ipapo ʋakakwira kuguta. Ʋakati ʋoȿika muguta, ʋakaʋona Samueri oɓuɗa, akasoŋgana naʋo okwira kuɗunhu rakakwirira.
15
Ɀino Jehova wakaŋga aziʋisa Samueri zuʋa rakataŋgira kuȿika kwaSauro, akati:
16
Maŋgwana neŋguʋa ino ndicatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBenjamini; unofanira kumuzodza, kuti aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, aponese ʋanhu ʋaŋgu mumaʋoko aʋaFiristia; nokuti ndakatarira ʋanhu ʋaŋgu, nokuti kucema kwaʋo kwakaȿika kwandiri.
17
Ɀino Samueri wakati aciʋona Sauro, Jehova akati kwaari: Ndiye munhu wandakakuʋudza ndiciti, ndiye ucaɓata ʋanhu ʋaŋgu.
18
Ipapo Sauro akasweɗera kunaSamueri pasuʋo, akati: Ndiʋudzei ʋo kuti imba yoMuʋoni iripi?
19
Samueri akapindura Sauro, akati: Ndini Muʋoni; ndituŋgamirirei mukwire kuɗunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; maŋgwana ndicakutendera kuenda, ndigokuʋudza ʋo ɀose ɀiri pamŋoyo wako.
20
Asi kana dziri mboŋgoro dzako dzakaŋga dzarashika mazuʋa matatu, usadzifuŋga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi ɀose ɀinoɗikanwa naIsraeri haɀizi kwauri here? Haɀizi kwauri nokunaʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako here?
21
Sauro akapindura, akati: Ko handizi muBenjamini, worudzi ruɗuku kumarudzi ose aIsraeri here? Ʋuye mhuri yaŋgu haizi ɗuku kumhuri dzose dzorudzi rwaBenjamini here? Munotaurireiko kuɗaro kwandiri?
22
Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda naʋo mumba mokudyira, akaʋagarisa paʋakakudzwa kupfuʋura ʋamŋe ʋakakokwa, ʋaiʋa ʋanhu ʋaneŋge makumi matatu.
23
Ɀino Sauro akati kumuɓiki: Ʋuya nomugoʋe wandakakupa ndiciti: Ciuceŋgeta uri woga.
24
Muɓiki akatora cidɀa neɀose ɀakaŋga ɀiri paciri, akaɀigadza pamberi paSauro. Samueri akati: Tarira, ndico cakaŋga cakaceŋgetwa; uɀigadze pamberi pako, udye, nokuti ɀakakuceŋgeterwa iwe kuȿikira ŋguʋa yakafanira, nokuti ndakati: Ndakokera ʋanhu. Naiɀoɀo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
25
Ɀino ʋakati ʋaɓuruka paɗunhu rakakwirira, ʋakapinda muguta, akataurirana naSauro paɗeŋga reimba.
26
Ʋakamuka maŋgwanani, mambakwedza, Samueri akaɗana Sauro paɗeŋga reimba, akati: Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, ʋakaɓuɗa iye naSamueri ʋari ʋaʋiri.
27
Ɀino ʋakati ʋoɓuruka pamugumo weguta, Samueri akati kunaSauro: Raira muranda atuŋgamire mberi kweɗu (iye akatuŋgamira hake); asi iwe cimbomira hako, ndikuziʋise shoko raMŋari.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31