bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 7
1 Samuel 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
1
Ipapo ʋarume ʋeKiriati‐jearimi ʋakaʋuya, ʋakatora areka yaJehova, ʋakaiisa kumba kwaAbinadabi pagomo; ʋakatsaura Ereazari mŋanakomana wake, kuti aceŋgete areka yaJehova.
2
Kubva pamusi wokuȿika kweareka paKiriati‐jearimi, yakagara’po ŋguʋa refu, nokuti akaŋga ari makore makumi maʋiri; imba yose yaIsraeri ikacema kunaJehova.
3
Samueri akataura neimba yose yaIsraeri, akati: Kana muciɗa kudzokera kunaJehova nomŋoyo wenyu wose, bvisai ʋamŋari ʋatorwa neAshtaroti pakati penyu, mugadzirire Jehova mŋoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaFiristia.
4
Ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ʋaBaari neAshtaroti, ʋakashumira Jehova oga.
5
Ɀino Samueri akati: Ʋuŋganidzai ʋaIsraeri ʋose paMizpa, ini ndikunyeŋgetererei kunaJehova.
6
Ʋakaʋuŋgana paMizpa, ʋakacera mvura, ʋakaiɗururira pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya nomusi iwoyo, ʋakati ipapo: Takatadzira Jehova. Samueri akatoŋga ʋana ʋaIsraeri paMizpa.
7
Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋacinzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMizpa, madzishe aʋaFiristia akakwira kundorwa naʋaIsraeri. Ʋana ʋaIsraeri ʋaciɀinzwa ʋakatya ʋaFiristia.
8
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaSamueri: Musarega henyu kuramba mucicema kunaJehova Mŋari weɗu nokuɗa kweɗu, kuti atirwire pamaʋoko aʋaFiristia.
9
Samueri akatora gwaiana rinomŋa, akagadzirira Jehova naro cipiriso cinopiswa cose. Samueri akacema kunaJehova nokuɗa kwaʋaIsraeri; Jehova akamunzwa.
10
Samueri wakati acapisira Jehova cipiriso cinopiswa, ʋaFiristia ʋakasweɗera kuzorwa naʋaIsraeri; asi Jehova akatinhira nokutinhira kukuru pamsoro paʋaFiristia nomusi iwoyo, akaʋavundusa, ʋakakundwa naʋaIsraeri.
11
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa Mizpa, ʋakateʋera ʋaFiristia, ʋakaʋaparadza kuȿikira panyasi peBeti‐kari.
12
Ɀino Samueri akatora ibge, akarimisa pakati peMizpa neSheni, akaritumidza zita raro Ebeni‐ezeri, aciti: Jehova wakatiɓatsira kuȿikira pano.
13
ƲaFiristia ʋakakundwa saiɀoɀo; haʋana‐kuzoʋuya ɀe munyika yaʋaIsraeri; ruʋoko rwaJehova rukarwa naʋaFiristia mazuʋa ose aSamueri.
14
Namaguta akaŋga atorerwa ʋaIsraeri naʋaFiristia akadzoserwa ɀe kuʋaIsraeri, kubva paEkroni kuȿikira paGati, nenyika yaʋo yakasunuŋgurwa naʋaIsraeri pamaʋoko aʋaFiristia; rugare rukaʋa’po pakati paʋaIsraeri naʋaAmori.
15
Samueri akatoŋga ʋaIsraeri mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
16
Waipota gore rimŋe nerimŋe napaBeti‐eri, neGirgari, neMizpa, akatoŋga ʋaIsraeri panɀimbo idzo dzose.
17
Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakaŋga agere; akatoŋga ʋaIsraeri ipapo, akaʋakira Jehova artari ipapo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31