bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 21
1 Samuel 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
1
Ɀino Davidi akaȿika Nobi kunaAhimereki muprista; Ahimereki akasoŋgana naDavidi aciɗeɗera; akati kwaari: Uri woga neiko, usinomumŋe newe?
2
Davidi akati kunaAhimereki muprista: Mambo wakandiraira ɓasa, akati kwandiri: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoziʋa cinhu ceɓasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusoŋgana neni paneimŋe nɀimbo.
3
Naiɀoɀo ɀino, muneiko pano? Ndipei ɀiŋgwa ɀishanu muruʋoko rwaŋgu, kunyaŋge ɀipi neɀipi ɀiri’po.
4
Muprista akapindura Davidi, akati: Hapaneciŋgwa cinosidyiwa muruʋoko rwaŋgu, asi ciŋgwa citȿene ndico ciri’po; kwoga kana majaya akaɀidzora kuʋakadzi.
5
Davidi akapindura muprista, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ʋakadzi ʋakadziʋiswa kwatiri sapaŋguʋa dzose kana ndicifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakaŋga dziri tȿene, kunyaŋge rwaiʋa rwendo rwamazuʋa ose harwo, ndoɗa nhasi nhumbi dzaʋo dzicaʋa tȿene.
6
Naiɀoɀo muprista akamupa ciŋgwa citȿene, nokuti kwakaŋga kusineciŋgwa’po, asi ciŋgwa cokuratidza, cakaŋga cabviswa pamberi paJehova, kuti ciŋgwa cinopisa ciiswe’po pazuʋa rokubviswa kwaco.
7
Ɀino mumŋe muranda waSauro wakaŋga ari’po nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehova, wainzi Doegi, muEdomi, mutariri waʋafudzi ʋaSauro.
8
Davidi akati kunaAhimereki: Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina‐kuʋuya nomunondo waŋgu, kana nhumbi dzaŋgu dzokurwa nadzo, nokuti ɓasa ramambo raifanira kukurumidzirwa.
9
Muprista akati: Munondo waGoriati muFiristia, wawakaʋuraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumuceka mberi kweefodi; kana uciɗa kuutora, citora hako, nokuti hakunomumŋe asi iwoyo. Davidi akati: Hakunomumŋe wakafanana nawo, ndipe hoyo.
10
Davidi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kunaAkishi, mambo weGati.
11
Ɀino ʋaranda ʋaAkishi ʋakati kwaari: Ko uyu haazi Davidi mambo wenyika here? Haazi iye waʋakaimbira ʋacibvumirana pakutamba kwaʋo, ʋaciti: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake?
12
Davidi akaraŋgarira mashoko iwayo mumŋoyo make, akatya kwaɀo Akishi mambo weGati.
13
Akashandura mugarire wake pamberi paʋo, akaɀiita seɓenzi pakati paʋo, akakwara‐kwara pamagonhi esuʋo, akarega mate ake acisiririka pandebvu dzake.
14
Ɀino Akishi akati kuʋaranda ʋake: Tarirai, munhu uyu iɓenzi; maʋuyireiko naye ʋuno kwandiri?
15
Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, ɀamaʋuya nomunhu uyu kuzoratidza ʋupenzi bgake pamberi paŋgu? Munhu wakaɗai uŋgapinda mumba maŋgu here?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31