bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 25
1 Samuel 25
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 26 →
1
Ɀino Samueri wakafa; ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋuŋgana, ʋakamucema, ʋakamuʋiga mumba make paRama. Davidi akasimuka, akaɓurukira kurenje reParani.
2
Ɀino paMaoni pakaŋga panomunhu, waiʋa nefuma yake paKarmeri; munhu uyu wakaŋga ari mukuru kwaɀo, wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀitatu, nembudzi dzinecuru cimŋe; iye wakaŋga aciʋeʋura makwai ake paKarmeri.
3
Zita romunhu uyu raiʋa Nabari, ʋuye zita romukadzi wake Abigairi; mukadzi wakaŋga akaŋgwara, ʋuye wakaŋga akanaka kumeso; asi murume wakaŋga anomŋoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waiʋa weimba yaKarebi.
4
Ɀino Davidi wakanzwa kurenje kuti Nabari wakaŋga aciʋeʋura makwai ake.
5
Davidi akatuma majaya anegumi, Davidi akati kumajaya: Kwirai Karmeri, muende kunaNabari, mundomukwazisa nezita raŋgu.
6
Mugoti kunaiye ugere pakati pefuma yake: Rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe neimba yenyu, ʋuye rugare ŋgaruʋe paɀinhu ɀose ɀamunaɀo.
7
Ɀino ndakanzwa kuti munaʋaʋeʋuri; ʋafudzi ʋenyu ʋaiʋa nesu ɀino, asi hatina‐kuʋatambudza, ʋuye haʋana‐kurashikirwa necinhu ŋguʋa yose yaʋakagara paKarmeri.
8
Bvunzai majaya enyu, ʋakuʋudzei; ɀino majaya ŋgaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinoʋuya nezuʋa rakanaka; ipai henyu ʋaranda ʋenyu nomŋanakomana wenyu Davidi cinhu cipi necipi camunaco.
9
Ɀino majaya aDavidi akati aȿika, akaʋudza Nabari mashoko iwayo ose nezita raDavidi, ʋakanyarara haʋo.
10
Ipapo Nabari akapindura ʋaranda ʋaDavidi, akati: Davidi ndianiko? Mŋanakomana waJese ndianiko? Mazuʋa ano ʋaranda ʋazhinji ʋanotiza ʋatenzi ʋaʋo.
11
Ndiŋgatora ɀiŋgwa ɀaŋgu, nemvura yaŋgu, nenyama yaŋgu yandakaʋurayira ʋaʋeʋuri ʋaŋgu, ndiɀipe ʋarume ʋandisiŋgaziʋi kuti ʋanobvepiko here?
12
Naiɀoɀo majaya aDavidi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuʋudza mashoko iwayo ose.
13
Davidi akati kuʋanhu ʋake: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋge munondo wake; mumŋe nomumŋe akasuŋga munondo wake; naiye Davidi ʋo akasuŋga munondo wake; ʋarume ʋaneŋge mazana manna ʋakateʋera Davidi, ʋanamazana maʋiri ʋakasara panhumbi.
14
Asi mumŋe wamajaya wakandoʋudza Abigairi, mukadzi waNabari, akati: Tarirai, Davidi wakaŋga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi weɗu; iʋo ʋakaʋatuka kwaɀo.
15
Asi ʋarume aʋo ʋaitiitira ɀakanaka, hatina‐kutambudzwa naʋo; hatina‐kurashikirwa necinhu mazuʋa ose atakafambidzana naʋo kusaŋgo.
16
Ʋakaŋga ʋakaita so ruȿiŋgo kwatiri ʋusiku namasikati mazuʋa ose ataigara naʋo ticifudza makwai.
17
Naiɀoɀo ɀino ciziʋai mufuŋge ɀamuŋgaita, nokuti tenzi weɗu naʋose ʋeimba yake ʋagara ʋafuŋgirwa ɀakaipa; nokuti munhu wakaiȿo‐ipa wakaɗaro, kuti hakunomunhu uŋgagona kutaura naye.
18
Ipapo Abigairi akakurumidza kutora ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namatende maʋiri ewaini, namakwai mashanu akaŋga agadzirwa, neɀiyero ɀishanu ɀeɀiyo ɀakakaŋgwa, namasumbu amazambiriŋga akawoma anezana, namapundu amaʋonde anamazana maʋiri, akaɀiisa pamsoro pemboŋgoro.
19
Akati kumajaya ake: Ndituŋgamirirei, tarirai, ndinokuteʋerai. Asi haana‐kuʋudza murume wake Nabari.
20
Ɀino wakati acifamba akataȿa mboŋgoro yake, akaɓurukira pamupata pagomo, Davidi naʋarume ʋake ʋakaɓurukira ʋo kwaari; iye akasoŋgana naʋo.
21
Ɀino Davidi wakaŋga ati: Ɀirokwaɀo, ndaiceŋgeta haŋgu ɀinhu ɀose ɀomunhu uyu nhandu murenje, hakunecinhu cimŋe cake cakarashika; akanditsiʋa neɀakaipa paneɀakanaka.
22
Mŋari ŋgaaroʋe ʋaʋeŋgi ʋaDavidi, arambe aciɗaro, kana ndikarega kunyaŋge mŋanakomana mumŋe cete kunaʋose ʋaanaʋo ari mupenyu kuȿikira maŋgwana.
23
Ɀino Abigairi wakati aciʋona Davidi, akakurumidza kuɓuruka pamboŋgoro yake, akawira pasi neciso cake pamberi paDavidi, akakotamira pasi.
24
Akawira patsoka dzake, akati: Mhoȿa ŋgaiʋe kwandiri, ishe waŋgu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.
25
Ndinokumbira kuti ishe waŋgu arege hake kuraŋgarira munhu uyu wakaiȿo‐ipa, iye Nabari; nokuti sezita rake ndiɀo ɀaakaita ʋo iye; zita rake ndiNabari, naiye iɓenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina‐kuʋona majaya ashe waŋgu amakatuma.
26
Naiɀoɀo ɀino, ishe waŋgu, naJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, ɀaari Jehova wakakudziʋisai kuteʋura ropa nokuɀitsiʋa noruʋoko rwenyu, naiɀoɀo ɀino ʋaʋeŋgi ʋenyu naʋanotȿaka kuitira ishe waŋgu ɀakaipa, ŋgaʋaʋe saNabari.
27
Ɀino, ishe waŋgu, cipo ici camakaʋigirwa nomurandakadzi wenyu, ŋgacipiwe haco majaya anoteʋera ishe waŋgu.
28
Kaŋganwirai henyu kuɗarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti ɀirokwaɀo Jehova ucaitira ishe waŋgu imba yakasimba, nokuti ishe waŋgu unorwa hondo dzaJehova; ɀakaipa haɀiŋgawanikwi kwamuri mazuʋa enyu ose.
29
Kunyaŋge munhu akasimuka kukudziŋgirirai, nokutȿaka kukuʋurayai, mŋeya washe waŋgu ucaramba wakasuŋgirwa pacisote caʋapenyu ʋari kunaJehova Mŋari wenyu; asi mŋeya yaʋaʋeŋgi ʋenyu ucaiposhera kure, iciita seinobva mucikanda cecifuramabge.
30
Ɀino kana Jehova azoitira ishe waŋgu ɀose ɀakanaka ɀaakaŋga ataura pamsoro penyu, akakugadzai mukaʋa mambo waIsraeri,
31
murege kuɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, ʋuye ishe waŋgu arege kuɀidya mŋoyo, nokuti makateʋura ropa risinemhoȿa, kana nokuti ishe waŋgu wakaɀitsiʋa; ɀino kana Jehova aciŋge aitira ishe waŋgu ɀakanaka, muraŋgarire ʋo murandakadzi wenyu.
32
Davidi akati kunaAbigairi: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosoŋgana neni;
33
nokuŋgwara kwako ŋgakukudzwe, newe ʋo ukudzwe, nokuti wakandidziʋirira nhasi kuti ndirege kuteʋura ropa, nokuɀitsiʋa noruʋoko rwaŋgu.
34
Ɀirokwaɀo, naJehova Mŋari waIsraeri mupenyu, iye wakandidziʋirira kuti ndirege kukuitira ɀakaipa, ɗai usina‐kukurumidza kuʋuya kuzosoŋgana neni, Nabari ɀirokwaɀo haazaisarirwa maŋgwana kana kwoedza nomŋana mumŋe womukomana.
35
Naiɀoɀo Davidi akagamucira paruʋoko rwake ɀaakaŋga amuʋigira, akati kwaari: Kwira hako norugare kumba kwako; tarira, ndaterera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.
36
Abigairi akaȿika kunaNabari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakaŋga wakafanana nomutambo wamambo; mŋoyo waNabari wakaŋga wakafara mukati make, nokuti wakaŋga aɓatwa kwaɀo; naiɀoɀo haana‐kumuʋudza cinhu, kunyaŋge ciɗuku kana cikuru, kuȿikira maŋgwana kwoedza.
37
Ɀino fume maŋgwana, waini yakati yabva kunaNabari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, mŋoyo wake ukafa mukati make, akaita sebge.
38
Mazuʋa aneŋge gumi akati apera, Jehova akaroʋa Nabari, akafa.
39
Ɀino Davidi wakati anzwa kuti Nabari wafa, akati: Jehova ŋgaakudzwe wakanditsiʋa pakuɀidzwa kwaŋgu naNabari, akadziʋirira muranda wake kuti arege kuita ɀakaipa; ɀakaipa ɀaNabari Jehova wakaɀidzosera pamusoro wake. Ipapo Davidi akatuma nhume kunaAbigairi kukumbira kuti aʋe mukadzi wake.
40
Ɀino ʋaranda ʋaDavidi ʋakati ʋaciȿika kunaAbigairi paKarmeri, ʋakataura naye, ʋakati: Davidi wakatitumira kwauri kuzokutora uʋe mukadzi wake.
41
Ipapo akasimuka, akakotamira pasi neciso cake, akati: Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe waŋgu.
42
Abigairi akakurumidza, akasimuka, akataȿa mboŋgoro, akaenda anaʋasikana ʋake ʋashanu; akateʋera nhume dzaDavidi, akaʋa mukadzi wake.
43
Davidi akawana ʋo Ahinoami muJezreeri, iʋo ʋose ʋaʋiri ʋakaʋa ʋakadzi ʋake.
44
Ɀino Sauro wakaŋga akapa Parti, mŋanakomana waRaishi, waiʋa weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDavidi.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31