bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 18
1 Samuel 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 19 →
1
Ɀino wakati apedza kutaura naSauro, mŋoyo waJonatani ukanamatira mŋoyo waDavidi, Jonatani akamuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake.
2
Sauro akamutora zuʋa iro, akasaɗa kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwaɓaɓa ʋake.
3
Ɀino Jonatani akaita suŋgano naDavidi, nokuti wakaŋga acimuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake.
4
Jonatani akabvisa ŋguʋo yaakaŋga akafuka, akaipa Davidi, neɀisimiro ɀake, kunyaŋge nomunondo wake, noʋuta bgake, nebanhire rake.
5
Davidi akasienda kwose kwaaitumŋa naSauro, akaɓata maɓasa ose nokuŋgwara; Sauro akamuita mukuru waʋarume ʋehondo; ɀikafadza ʋanhu ʋose ʋuye naʋaranda ʋaSauro ʋo.
6
Ɀino ʋakati ʋaciȿika pakudzoka kwaDavidi pakuʋuraya muFiristia, ʋakadzi ʋakaɓuɗa kumaguta ose aʋaIsraeri ʋaciimba, ʋacitamba, kuzosoŋgana namambo Sauro neŋgoma, nokufara, ʋuye neɀimŋe ɀokuridza.
7
Ʋakadzi ʋakaimba ʋacibvumirana pakuridza kwaʋo, ʋakati: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake.
8
Sauro akatsamŋa kwaɀo, shoko iri rikasamufadza, akati: Ʋakapa Davidi makumi eɀuru ɀamazana, asi ini ʋakandipa ɀuru ɀoga; caanoshaiwa ɀino cinyiko, asi ʋushe bgoga?
9
Ɀino kubva pazuʋa iro namazuʋa ose Sauro akacenjerera Davidi.
10
Ɀino fume maŋgwana mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naMŋari, ukaʋuya pamsoro paSauro nesimba, iye akataura nokupeŋga mukati meimba yake; Davidi akaridza noruʋoko rwake seɀaaiita zuʋa rimŋe nerimŋe; Sauro wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake.
11
Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati: Ndicaɓayira Davidi pamadziro. Davidi akanɀeŋga kaʋiri pamberi pake.
12
Sauro akatya Davidi, nokuti Jehova wakaŋga anaye, asi wakaŋga abva kunaSauro.
13
Naiɀoɀo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wecuru, akaɓuɗa nokupinda pakati paʋanhu.
14
Davidi akafamba nokuŋgwara paɀose ɀaakaita, Jehova akaʋa naye.
15
Ɀino Sauro wakati aciʋona kuti unofamba nokuŋgwara kukuru, akamutya kwaɀo.
16
Asi ʋaIsraeri ʋose naʋaJuda ʋose ʋakaɗa Davidi, nokuti waiɓuɗa nokupinda pakati paʋo.
17
Ɀino Sauro akati kunaDavidi: Tarira, mukunda waŋgu mukuru Merabi, ndicakupa iye aʋe mukadzi wako; asi iwe uʋe mhare yaŋgu, urwe hondo dzaJehova. Nokuti Sauro wakati: Ruʋoko rwaŋgu ŋgarurege kumuʋuraya, asi maʋoko aʋaFiristia ŋgaamuʋuraye.
18
Davidi akati kunaSauro: Ini ndini aniko, noʋupenyu bgaŋgu cinyiko, kana imba yaɓaɓa ʋaŋgu pakati paIsraeri, kuti ndiʋe mukwambo wamambo?
19
Asi ŋguʋa iyo Merabi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Davidi, iye akapiwa Adrieri muMehorati, aʋe mukadzi wake.
20
Ɀino Mikari mukunda waSauro, wakaŋga aciɗa Davidi; ʋakaʋudza Sauro, akafara naɀo.
21
Ipapo Sauro akati: Ndicamupa iye, aʋe musuŋgo kwaari, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋarwe naye. Naiɀoɀo Sauro akati kunaDavidi: Nhasi ucaʋa mukwambo waŋgu rwecipiri.
22
Ipapo Sauro akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tauriranai naDavidi pakaʋanda, muti: Tarira, mambo unokufarira, naʋaranda ʋake ʋose ʋanokuɗa; naiɀoɀo ɀino ciʋa mukwambo wamambo.
23
Ʋaranda ʋaSauro ʋakataura mashoko iwayo munzeʋe dzaDavidi. Davidi akati: Imi munoti ɀitete here kuʋa mukwambo wamambo, ɀandiri murombo haŋgu usiŋgakudzwi?
24
Ʋaranda ʋaSauro ʋakamuʋudza ʋakati: Davidi wataura mashoko okuti.
25
Sauro akati: Muti kunaDavidi: Mambo haatȿaki kuroʋorerwa, asi ɀikanda ɀapamberi ɀinezana ɀaʋaFiristia, kuti mambo atsiʋe ʋaʋeŋgi ʋake. Asi Sauro wakafuŋga kuʋurayisa Davidi naʋaFiristia.
26
Ɀino ʋaranda ʋake ʋakati ʋaciʋudza Davidi mashoko iwayo, Davidi akafara kuʋa mukwambo wamambo. Ɀino mazuʋa asati apera,
27
Davidi akasimuka, akaenda iye naʋanhu ʋake, akaʋuraya ʋarume ʋanamazana maʋiri aʋaFiristia; Davidi akaʋuya neɀikanda ɀaʋo ɀapamberi, akaɀipa ɀiri ɀose kunamambo, kuti aʋe mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, aʋe mukadzi wake.
28
Naiɀoɀo Sauro akaziʋa nokuʋona kuti Jehova unaDavidi; Mikari mukunda waSauro akamuɗa.
29
Sauro akanyanya kutya Davidi; Sauro akaramba aciʋeŋga Davidi.
30
Ɀino macinda aʋaFiristia akaɓuɗa; ŋguʋa dzose kana ʋoɓuɗa, Davidi akakunda ʋamŋe ʋaranda ʋose ʋaSauro pakuŋgwara; naiɀoɀo zita rake rikakurumbira kwaɀo.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31