bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 15
1 Samuel 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
1
Ɀino Samueri akati kunaSauro: Jehova wakandituma kuti ndikuzodze, uʋe mambo waʋanhu ʋake iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ɀino cinzwa mashoko aJehova.
2
Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakacerekedza ɀakaitirwa Israeri naʋaAmareki, kuti wakaʋadziʋirira panzira ŋguʋa yokubva kwaʋo Egipita.
3
Ɀino cienda undokunda ʋaAmareki, uparadze cose ɀose ɀaʋanaɀo, usaʋarega; asi uʋuraye ʋarume naʋakadzi ʋose, naʋacece naʋanomŋa, neŋombe namakwai, namakamera nemboŋgoro.
4
Sauro akaɗana ʋanhu, akaʋaʋereŋga paTeraimi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana maʋiri ɀaʋaifamba namakumbo, naʋarume ʋaʋaJuda ʋaneɀuru ɀinegumi.
5
Sauro akaȿika paguta raʋaAmareki, akaʋaʋandira pamupata.
6
Sauro akati kuʋaKeni: Endai mubve, muɓuruke mubve pakati paʋaAmareki, ndirege kukuparadzai pamŋe cete naʋo; nokuti imi makaʋa nomŋoyo munyoro naʋana ʋose ʋaIsraeri, paŋguʋa yokuɓuɗa kwaʋo Egipita. Naiɀoɀo ʋaKeni ʋakabva pakati paʋaAmareki.
7
Ipapo Sauro akaparadza ʋaAmareki, kubva paHavira kuȿikira paShuri, pakatarisana neEgipita.
8
Akaɓata Agagi, mambo waʋaAmareki aciri mupenyu, akaparadza ʋanhu ʋose cose neminondo inopinza.
9
Asi Sauro naʋanhu ʋakarega Agagi, namakwai akaiȿo‐naka, nedzimŋe ŋombe, neɀimŋe ɀakakora, namakwaiana, neɀose ɀakaŋga ɀakanaka, ʋakaramba kuɀiparadza cose; asi ɀose ɀaʋakaɀidza, ɀakaŋga ɀisino‐kunaka, ndiɀo ɀaʋakaparadza cose.
10
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati:
11
Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose.
12
Ɀino Samueri akamuka maŋgwanani kundosoŋgana naSauro. Samueri akaʋudzwa, ɀicinzi: Sauro wakaȿika Karmeri, akaɀimisira shoŋgwe, ɀino watsauka, wapfuʋura, waɓurukira Girgari.
13
Samueri akaȿika kunaSauro, Sauro akati kwaari: Jehova ŋgaakuropafadze; ndaita seɀandakarairirwa naJehova.
14
Samueri akati: Ko kucema uku kwamakwai munzeʋe dzaŋgu nokukuma kweŋombe kwandinonzwa kunoti kuɗiniko?
15
Sauro akati: Ʋabva naɀo kuʋaAmareki, nokuti ʋanhu haʋanakuʋuraya makwai akaiȿo‐naka nenzombe, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu; asi ɀimŋe ɀose takaɀiparadza cose.
16
Ipapo Samueri akati kunaSauro: Nyarara, ndikuziʋise ɀandakaʋudzwa naJehova ʋusiku ubgu. Akati kwaari: Taurai henyu.
17
Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri;
18
Jehova akakutuma parwendo, akati: Enda, uparadze cose ʋatadzi, iʋo ʋaAmareki, urwe naʋo kuȿikira ʋapera.
19
Ɀino wakaregereiko kuterera inzwi raJehova, asi wakamhanyira ɀakapambga, ukaita ɀakaipa pamberi paJehova?
20
Sauro akati kunaSamueri: Ɀirokwaɀo ndakaterera inzwi raJehova, ndikaenda nenzira yandakaŋga ndatumŋa naJehova, ndikaʋuya naAgagi mambo waʋaAmareki, ndikaparadza ʋaAmareki cose.
21
Asi ʋanhu, ndiʋo ʋakatora ɀakapambga, iwo makwai nenzombe, neɀakanaka paɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurwa, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu paGirgari.
22
Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge.
23
Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo.
24
Ipapo Sauro akati kunaSamueri: Ndakatadza, nokuti ndakaɗarika murairo waJehova, ʋuye namashoko enyu, nokuti ndakatya ʋanhu, ndikaterera manzwi aʋo.
25
Ɀino ndinokumbira kuti mundikaŋganwire ʋo ɀiʋi ɀaŋgu, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova.
26
Samueri akati kunaSauro: Handiŋgadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehova, naJehova wakuramba newe ʋo, kuti urege kuʋa mambo waIsraeri.
27
Ɀino Samueri wakati acitendeʋuka, aciɗo‐kubva, Sauro akaɓata mupendero weŋguʋo yake, iyo ikabvaruka.
28
Samueri akati kwaari: Jehova wakabvarura ʋushe bgaIsraeri kwauri nhasi, akabgupa mumŋe wokwako unokukunda nokunaka.
29
Ʋuye ʋo Mutendiwa waIsraeri haaŋgareʋi nhema, kana kuɀiɗemba; nokuti haazi munhu uŋgaɀiɗemba.
30
Ipapo iye akati: Ndakatadza haŋgu, asi ndikudzei henyu pamberi paʋakuru ʋaŋgu, napamberi paIsraeri, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova Mŋari wenyu.
31
Naiɀoɀo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kunaJehova.
32
Ɀino Samueri akati: Ʋuyai kwandiri naAgagi mambo waʋaAmareki. Agagi akaʋuya kwaari, akafara. Agagi akati: Ɀirokwaɀo kuʋaʋa kworufu kwapfuʋura.
33
Samueri akati: Munondo wako seɀawakashaisa ʋakadzi ʋana, saiɀoɀo mai ʋako ʋacashaiwa ʋana pakati paʋakadzi. Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehova paGirgari.
34
Ɀino Samueri akaenda Rama, naSauro ʋo akakwira kumba kwake paGibea kwaSauro.
35
Samueri akasazoʋuya ɀe kuʋona Sauro kuȿikira pazuʋa rokufa kwake; asi Samueri wakacema Sauro, naJehova ʋo akaɀiɗemba nokuti wakaŋga aita Sauro mambo waIsraeri.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31