bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 22
1 Samuel 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
1
Naiɀoɀo Davidi wakabva’po, akatizira kuɓako reAdurami; ɀino hama dzake naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaɓurukira’ko kwaari.
2
Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋari panjodzi, naʋose ʋakaŋga ʋanemhoȿa, naʋose ʋakaŋga ʋaneshuŋgu ʋakaʋuŋgana kwaari, akaʋa mutuŋgamiriri waʋo; kwakaŋga kunaʋarume ʋaneŋge mazana manna naye.
3
Ɀino Davidi akabva’po, akaenda Mizpe kwaMoabi; akati kunamambo waMoabi: Ƃaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu ndinokumbira kuti ʋaʋuye ʋagare nemi, kuȿikira ndaziʋa candicaitirwa naMŋari.
4
Akaʋaisa kunamambo waMoabi, ʋakagara naye ŋguʋa yose yokugara kwaDavidi munhare.
5
Ɀino muprofita Gadi akati kunaDavidi: Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJuda. Ipapo Davidi akabva, akaȿika kuɗondo reHereti.
6
Ɀino Sauro wakanzwa kuti Davidi wawanikwa, iye naʋarume ʋaiʋa naye; Sauro wakaŋga agere Gibea, munyasi momuti womutamariski paRama, akaɓata pfumo rake muruʋoko rwake, naʋaranda ʋake ʋose ʋakaŋga ʋamire naye.
7
Ɀino Sauro wakati kuʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋamire naye: Inzwai ɀino, imi ʋaBenjamini! Mŋanakomana waJese ucakupai mose minda neminda yemizambiriŋga here? Ucakuitai mose ʋakuru ʋeɀuru naʋakuru ʋamazana here?
8
Ɀamandiraŋgana mose, ɀakusinomumŋe unondiziʋisa kana mŋanakomana waŋgu akaita suŋgano nomŋanakomana waJese, ɀakusinomumŋe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondiziʋisa kuti mŋanakomana waŋgu wakamutsa muranda waŋgu kuti andimukire, andiʋandire, seɀaanoita nhasi here?
9
Ipapo Doegi muEdomi, wakaŋga amire naʋaranda ʋaSauro, akapindura, akati: Ndakaʋona mŋanakomana waJese aciȿika Nobi, kunaAhimereki mŋanakomana waAhitubi.
10
Iye akamubvunzira kunaJehova, akamupa mbuʋa, akamupa ʋo munondo waGoriati muFiristia.
11
Ipapo mambo akatuma nhume kundoɗana Ahimereki muprista, mŋanakomana waAhitubi, naʋeimba yake yose, iʋo ʋaprista ʋaiʋa paNobi; ʋakaʋuya ʋose kunamambo.
12
Ɀino Sauro akati: Ɀino cinzwa, iwe mŋanakomana waAhitubi. Iye akapindura, akati: Ndiri pano, ishe waŋgu.
13
Sauro akati kwaari: Mandiraŋganireiko, iwe nomŋanakomana waJese, ɀawakamupa ciŋgwa, nomunondo, nokumubvunzira kunaMŋari, kuti andimukire, andiʋandire seɀaanoita nhasi?
14
Ipapo Ahimereki akapindura mambo, akati: Ndianiko pakati paʋaranda ʋenyu ʋose wakatendeka saDavidi, mukwambo wamambo, unosiraŋgana nemi, unokudzwa mumba menyu?
15
Ndiko nhasi kwandataŋga kumubvunzira kunaMŋari here? Haiȿa! mambo ŋgaarege hake kusundira muranda wake mhoȿa, kunyaŋge ʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu; nokuti muranda wenyu haaziʋi iɀoɀo ɀose, kunyaŋge ɀiɗuku kana ɀikuru.
16
Ipapo mambo akati: Ɀirokwaɀo, ucafa Ahimereki, iwe naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako.
17
Mambo akati kuʋanyai ʋakaŋga ʋamire naye: Tendeʋukai, muʋuraye ʋaprista ʋaJehova, nokuti maʋoko aʋo anoɓatsira Davidi, nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti watiza, asi haʋana‐kundiziʋisa. Asi ʋaranda ʋamambo ʋakaramba kutambanudzira maʋoko aʋo kuʋuraya ʋaprista ʋaJehova.
18
Ipapo mambo akati kunaDoegi: Tendeʋuka iwe, uʋuraye ʋaprista. Doegi muEdomi, akatendeʋuka, akaʋuraya ʋaprista, akaparadza nomusi iwoyo ʋanhu ʋanamakumi masere naʋashanu ʋakaŋga ʋakafuka efodi yomuceka.
19
Akaparadza ʋo Nobi, guta raʋaprista, neminondo inopinza, ʋarume naʋakadzi ʋose, naʋana naʋakaŋga ʋacimŋa, neŋombe, nemboŋgoro, namakwai; ɀose ɀakaparadzwa neminondo inopinza.
20
Asi mumŋe waʋanakomana ʋaAhimereki mŋanakomana waAhitubi, wainzi Abiatari, wakapukunyuka, akatiza, akateʋera Davidi.
21
Abiatari akaʋudza Davidi kuti Sauro waʋuraya ʋaprista ʋaJehova.
22
Davidi akati kunaAbiatari: Musi uya wandakaʋona Doegi muEdomi ari’po, ndakaziʋa kuti ɀirokwaɀo ucandoʋudza Sauro; ndini ndakaʋurayisa ʋanhu ʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako.
23
Gara hako neni, usatya; nokuti unotȿaka kundiʋuraya ini, ndiye unotȿaka kukuʋuraya iwe ʋo; nokuti kana ukagara neni ucaceŋgetwa.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31