bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 2
1 Samuel 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
1
Hana akanyeŋgetera, akati: Mŋoyo waŋgu unofarira Jehova, Runyaŋga rwaŋgu rwakakwiridzwa munaJehova; Muromo waŋgu wakashamira ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
2
Hakunomutȿene wakafanana naJehova; Nokuti hakunomumŋe kunze kwenyu. Ʋuye hakuneɗombo rakafanana naMŋari weɗu.
3
Musaramba mucitaura muciɀikudza ɀikuru, Manyawi ŋgaarege kuɓuɗa pamiromo yenyu; Nokuti Jehova ndiMŋari unoziʋa, Maɓasa aʋanhu anoyerwa naye.
4
Ʋuta bgaʋanhu ʋanesimba bgakavunika, Ʋakaŋga ʋacigumburwa ʋakasuŋgwa ɀiʋuno nesimba.
5
Ʋakaŋga ʋakaguta ʋakandoɓatira ɀokudya ɀaʋo, Ʋakaŋga ʋanenzara ʋozorora. Wakaŋga asiŋgaɓereki wakaɓereka ʋanomŋe; Asi iye wakaŋga anaʋana ʋazhinji woshaiwa simba.
6
Jehova ndiye unoʋuraya, nokuraramisa ʋo; Ndiye unoɓurusira kubgiro, nokukwidza ʋo.
7
Jehova ndiye unopa ʋurombo, ndiye unofumisa ʋo. Ndiye unoɗukupisa, nokukwiridza ʋo.
8
Ndiye unosimudza ʋarombo paguruʋa, Unosimudza rombe, acimubvisa paɗurunhuru; Kuti aʋagarise pamŋe cete namacinda, Aʋagarise nhaka yecigaro coʋushe cinobginya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehova, Iye wakateya nyika pamsoro padzo.
9
Ucaceŋgeta tsoka dzaʋatȿene ʋake, Asi ʋakaipa ʋacanyaradzwa murima; Nokuti hakunomunhu ucakunda nesimba rake.
10
Ʋanorwa naJehova ʋacapxanyiwa; Ucaʋatinhirira ari kuɗeŋga; Jehova ucatoŋga migumo yenyika; Ucapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyaŋga rwomuzodzwa wake.
11
Ɀino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mŋana akaɓatira Jehova pamberi pomuprista Eri.
12
Ɀino ʋanakomana ʋaEri ʋakaŋga ʋari ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa; haʋana‐kuraŋgarira Jehova.
13
Tsika yaʋaprista pamberi paʋanhu yakaŋga iri iyi: Kana aninani akaʋuya neciɓayiro, muranda womuprista waiʋuya aneciɓayiso cenyama cinameno matatu muruʋoko rwake, kana nyama iciɓikwa;
14
ɀino ndokuɓaya naco mugaŋgo, kana muharyana, kana mugate, kana muhari; ɀose ɀaiɓuɗiswa neciɓayiso cenyama ɀaitorwa nomuprista. Ndiɀo ɀaʋaiitira ʋaIsraeri ʋose ʋaiʋuya paShiro.
15
Ɀino kunyaŋge ʋasati ʋapisa mafuta, muranda womuprista waiʋuya, ndokuti kumunhu wakaŋga aciɓayira: Ndipe nyama yokugocera muprista; nokuti haaŋgagamuciri kwauri nyama yakaɓikwa, asi mbishi.
16
Ɀino kana munhu uyo akati kwaari: Ŋgaʋataŋge kupisa mafuta, ugotora hako ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, ipapo iye ndokuti: Kwete, cindipa iyo ɀino; kana usiŋgaɗi, ndicaitora nesimba.
17
Ɀiʋi ɀamajaya ɀakaŋga ɀiri ɀikuru pamberi paJehova, nokuti ʋanhu ʋakaɀidza cipiriso caJehova.
18
Asi Samueri waiɓata pamberi paJehova, aciri mŋana hake, akasuŋgwa ciʋuno neefodi yomuceka.
19
Namai ʋake ʋo ʋakamuitira ŋguʋo ɗuku, ʋakaʋuya nayo kwaari gore rimŋe nerimŋe, kana oʋuya nomurume wake kuzoɓayira ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe.
20
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati: Jehova ŋgaakupe ʋana kumukadzi uyu panɀimbo yaiye wamakapa Jehova. Ʋakaenda kumusha kwaʋo.
21
Ɀino Jehova akashanyira Hana, akaʋa nemimba, akazoɓereka ʋanakomana ʋatatu naʋanasikana ʋaʋiri. Iye mŋana Samueri akazokura pamberi paJehova.
22
Ɀino Eri wakaŋga akwegura kwaɀo; akanzwa ɀose ɀakaŋga ɀiciitirwa ʋaIsraeri ʋose naʋanakomana ʋake, namaʋatire aʋaiita naʋakadzi ʋaiɓate‐ɓasa pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
23
Akati kwaʋari: Munoitireiko ɀinhu ɀakaɗai? Nokuti ndinoŋgosinzwa kuʋanhu ʋose aʋa ɀakaipa ɀamunoita.
24
Kwete, ʋana ʋaŋgu; nokuti mashoko andinonzwa haana‐kunaka; munoɗarikisa ʋanhu ʋaJehova.
25
Kana munhu mumŋe akatadzira mumŋe, mutoŋgi ucamutoŋga mhoȿa yake; asi kana munhu akatadzira Jehova, ndianiko ucamureʋerera? Kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋana kuterera inzwi raɓaɓa ʋaʋo, nokuti Jehova wakaŋga aciɗa kuʋaʋuraya.
26
Iye mŋana Samueri akaramba acikura, akaɗikanwa naJehova ʋuye naʋanhu ʋo.
27
Ɀino mumŋe murume waMŋari akaʋuya kunaEri, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Handina‐kuɀiratidza here kuimba yaɓaɓa ʋako, ʋaciri Egipita ʋakasuŋgwa neimba yaFarao here?
28
Handina‐kumutsaura here pakati pamarudzi aIsraeri, kuti aʋe muprista waŋgu, akwire kuartari yaŋgu kupisa ɀinonhuwira, nokufuka efodi pamberi paŋgu here? Handina‐kupa imba yaɓaɓa ʋako ɀipiriso ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri ɀinopiswa here?
29
Ɀino munopfunhurireiko ciɓayiro caŋgu necipiriso caŋgu, ɀandakaraira mumba maŋgu, mukakudza ʋanakomana ʋenyu kukunde’ni, mukaɀikodza neɀipiriso ɀakanakisa ɀaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri here?
30
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova waIsraeri: Ndakati nomŋoyo wose kuti imba yako, neimba yaɓaɓa ʋako, ʋafambe pamberi paŋgu nokusiŋgaperi, asi ɀino ɀanzi naJehova: Handiŋgaɗaro, nokuti ʋanondikudza ndicaʋakudza ʋo, ʋanondiɀidza ndicaʋashoʋora ʋo.
31
Tarira, mazuʋa acaȿika, andicagura nawo ruʋoko rwako, noruʋoko rwaʋeimba yaɓaɓa ʋako, kuȿikira pasisinamutana paimba yako.
32
Ucaʋona kutambudzika kweimba yaŋgu, pakati pefuma yose icapiwa Israeri naMŋari; hapaŋgazoʋi nomutana paimba yako nokusiŋgaperi.
33
Munhu weimba yako wandicarega kubvisa paartari yaŋgu, iye ucapedza meso ako, nokucemedza mŋoyo wako; ʋana ʋose ʋeimba yako ʋacafa ʋaciri ʋarume ʋanesimba raʋo.
34
Ɀino heci ciratidzo candinokupa, cicaitika kuʋanakomana ʋako ʋaʋiri Hofni naPinehasi, ʋacafa ʋose ʋari ʋaʋiri nomusi mumŋe.
35
Neni ndicaɀimutsira muprista wakatendeka, ucaita ɀiri pamŋoyo waŋgu nomuraŋgariro waŋgu; ndicamuʋakira imba yakasimba, ucafamba pamberi pomuzodzwa waŋgu nokusiŋgaperi.
36
Ɀino mumŋe nomumŋe uneŋge asara paimba yako, ucaʋuya kuzomufugamira, acikumbira cimari cesirveri neɓundu reciŋgwa, aciti: Ƌondipai ʋo rimŋe ɓasa raʋaprista, ndidye ʋo cimeɗu ceciŋgwa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31