bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 4
1 Samuel 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
1
Shoko raSamueri rakaȿika kuʋaIsraeri ʋose. Ɀino ʋaIsraeri ʋakaenda kundorwa naʋaFiristia, ʋakaʋaka misasa yaʋo pedyo neEbeni‐ezeri; ʋaFiristia ʋakaʋaka misasa yaʋo paAfeki.
2
ƲaFiristia ʋakaɀigadzira kurwa naʋaIsraeri; ɀino ʋakati ʋorwa, ʋaIsraeri ʋakakundwa naʋaFiristia, ʋakaʋuraya pakati paʋakaŋga ʋakagadzirirwa kurwa ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀinna.
3
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaȿika kumisasa, ʋakuru ʋaIsraeri ʋakati: Jehova wakatiroʋereiko nhasi pamberi paʋaFiristia? Hendei, titore areka yesuŋgano yaJehova paShiro, iʋuye pakati peɗu itirwire pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu.
4
Naiɀoɀo ʋanhu ʋakatuma nhume Shiro kundotora’po areka yesuŋgano yaJehova wehondo, ugere pamsoro pamakerubi; ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po paareka yesuŋgano yaMŋari.
5
Ɀino areka yesuŋgano yaJehova yakati yaȿika pamisasa, ʋaIsraeri ʋose ʋakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawuŋgira.
6
ƲaFiristia ʋakati ʋacinzwa inzwi rokupururudza, ʋakati: Inzwi iro rokupururudza riri kumisasa yaʋaHeberu rinoti kuɗiniko? Ʋakanzwa kuti areka yaJehova yaȿika kumisasa.
7
ƲaFiristia ʋakatya, nokuti ʋakati: Mŋari waȿika kumisasa. Ʋakati: Tinenhamo! nokuti cinhu cakaɗai hacina‐kumboʋa’po.
8
Tinenhamo! Ndianiko ucatirwira pamaʋoko aʋamŋari aʋa ʋane‐simba? Ndiʋo ʋamŋari ʋakaɗeya kuroʋa ʋaEgipita namaɗambudziko amarudzi mazhinji murenje.
9
Simbai, muite saʋarume, imi ʋaFiristia, kuti murege kuʋa ʋaranda ʋaʋaHeberu, seɀaʋaŋga ʋakaita kwamuri; itai saʋarume, murwe.
10
Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa, ʋaIsraeri ʋakakundwa, ʋakatiza, mumŋe nomumŋe kutente rake, kukaʋa’po kuʋurawa kukuru; nokuti kuʋaIsraeri kwakafa ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu ʋaifamba namakumbo.
11
Areka yaMŋari ikatorwa, ʋuye ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaʋurawa.
12
Ɀino mumŋe murume waʋaBenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akaȿika paShiro nomusi iwoyo, aneŋguʋo dzakabvarurwa neguruʋa pamusoro wake.
13
Pakuȿika kwake, Eri wakaŋga agere pacigaro cake kurutiʋi rwenzira, akataririra, nokuti mŋoyo wake wakaŋga ucibvunda pamsoro peareka yaMŋari. Murume wakati aȿika muguta, akaʋaʋudza iɀoɀo, ʋanhu ʋose ʋeguta ʋakacema.
14
Ɀino Eri wakati acinzwa inzwi rokucema, akati: Inzwi reɓopoto iri rinoti kuɗiniko? Murume akakurumidza, akandoʋudza Eri.
15
Ɀino Eri wakaŋga aʋa namakore anamakumi mapfumbamŋe namasere, meso ake akaŋga aʋa norutara, asicagoni kuʋona kwaɀo.
16
Murume akati kunaEri: Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati: Kwaitweiko, mŋana waŋgu?
17
Ɀino murume wakaŋga aʋuya neshoko akapindura, akati: ƲaIsraeri ʋatiza pamberi paʋaFiristia; ʋanhu ʋazhinji ʋaʋurawa; ʋuye ʋanakomana ʋenyu ʋaʋiri, Hofni naPinehasi, ʋafa ʋo; ʋuye areka yaMŋari yatorwa.
18
Ɀino wakati acireʋa areka yaMŋari, Eri akawa pacigaro negotsi kurutiʋi rwesuʋo, akavunika mutsipa, akafa; nokuti wakaŋga aʋa mutana, anomuʋiri mukobvu. Wakaŋga atoŋga ʋaIsraeri makore makumi manna.
19
Ɀino mukadzi womŋanakomana wake Pinehasi, wakaŋga aʋa nemimba, oɗa‐kupona mŋana; akati acinzwa kuti areka yaMŋari yatorwa, ʋuye kuti ɓaɓa ʋomurume wake, nomurume wake ʋo, ʋafa ʋose, akafugama, akapona mŋana, nokuti wakaȿikirwa nokurwadziwa kwake.
20
Neŋguʋa yokufa kwake ʋakaŋga ʋamire’po naye ʋakati: Usatya hako, nokuti wapona mŋana womukomana. Asi haana‐kupindura, kana kuraŋgarira iɀoɀo.
21
Akatumidza mŋana zita rinonzi Ikabodi, aciti: Kukudzwa kwabviswa kunaIsraeri; nokuti areka yaMŋari yakaŋga yatorwa, ʋuye nokuɗa kwaɓaɓa ʋomurume wake, nomurume wake.
22
Akati: Kukudzwa kwabviswa kunaIsraeri; nokuti areka yaMŋari yatorwa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31