bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 31
1 Samuel 31
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
1
Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa naʋaIsraeri; ʋarume ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paʋaFiristia, ʋakawira pasi ʋaʋurawa pagomo reGirboa.
2
ƲaFiristia ʋakateʋerera Sauro naʋanakomana ʋake kwaɀo, ʋaFiristia ʋakaʋuraya Jonatani, naAbinadabi, naMarki‐shua, ʋanakomana ʋaSauro.
3
Sauro akakurirwa kwaɀo pakurwa; ʋafuri ʋoʋuta ʋakamuɓata, akatambudzika kwaɀo nokuɗa kwaʋafuri ʋoʋuta.
4
Ipapo Sauro akati kunowaiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Vomora munondo wako, undiɓaye nawo, kuti aʋa ʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kuȿika ʋandiɓaye, nokundiɗaɗira. Asi muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakaŋga acitya kwaɀo. Naiɀoɀo Sauro akatora munondo wake, akaɀiwisira pauri.
5
Ɀino muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati aciʋona kuti Sauro wafa, naiye akaɀiwisira pamunondo wake ʋo, akafa pamŋe cete naye.
6
Naiɀoɀo Sauro akafa, pamŋe cete naʋanakomana ʋake ʋatatu, nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, naʋanhu ʋake ʋose nomusi iwoyo.
7
Ɀino ʋanhu ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋari mhiri kwomupata, naʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋanhu ʋaIsraeri ʋatiza, ʋuye kuti Sauro naʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋafa ʋo, ʋakabva pamaguta, ʋakatiza; ʋaFiristia ʋakaȿika, ʋakagara’mo.
8
Ɀino fume maŋgwana ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋuya kuzokunuŋgura ʋakaʋurawa, ʋakawana Sauro naʋanakomana ʋake ʋatatu ʋafa pagomo reGirboa.
9
Ʋakagura musoro wake, nokukunuŋgura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakatuma nhume kumatiʋi ose enyika yaʋaFiristia, kundoziʋisa mashoko iwayo kuimba yeɀifananidzo ɀaʋo, nokuʋanhu.
10
Ʋakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaAshtaroti, ʋakasuŋgira citunha cake pamadziro eBeti‐shani.
11
Ɀino ʋakaŋga ʋagere Jabeshi‐Gireadi ʋakati ʋacinzwa ɀakaŋga ɀaitirwa Sauro naʋaFiristia,
12
mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba ʋusiku bgose, dzikatora citunha caSauro neɀitunha ɀaʋanakomana ʋake pamadziro eBeti‐shani, ʋakaenda Jabeshi ʋakaɀipisa’po.
13
Ʋakatora mafupa aʋo, ʋakaaʋiga pasi pomuti womutamariski paJabeshi, ʋakaɀinyima ɀokudya mazuʋa manomŋe.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31