bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 23
1 Samuel 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
1
Ɀino ʋanhu ʋakaʋudza Davidi, ʋakati: Tarirai, ʋaFiristia ʋanorwa neKeira, ʋacipambara ɀiri pamapuriro.
2
Naiɀoɀo Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndoenda, ndindoparadza ʋaFiristia aʋo here? Jehova akati kunaDavidi: Enda undoparadza ʋaFiristia, uponese Keira.
3
Ʋarume ʋaDavidi ʋakati kwaari: Tarirai, isu tinotya ticiri pano paJuda, ndoɗa kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzaʋaFiristia.
4
Ɀino Davidi akabvunza ɀe Jehova, Jehova akamupindura, akati: Simuka, uɓurukire Keira, nokuti ndicaisa ʋaFiristia muruʋoko rwako.
5
Davidi naʋanhu ʋake ʋakaenda Keira, ʋakandorwa naʋaFiristia, ʋakaʋatorera ŋombe dzaʋo, ʋakaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru. Naiɀoɀo Davidi akaponesa ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Keira.
6
Ɀino Abiatari mŋanakomana waAhimereki pakutizira kwake kunaDavidi paKeira, wakaenda akaɓata efodi paruʋoko rwake.
7
Sauro akaʋudzwa kuti Davidi waȿika Keira. Sauro akati: Mŋari wamuisa muruʋoko rwaŋgu, nokuti wazaririrwa’mo, ɀaapinda muguta rinamasuʋo neɀipfigiso.
8
Sauro akaɗana ʋanhu ʋose kundorwa, akaɓurukira Keira, akakomba Davidi naʋanhu ʋake.
9
Asi Davidi wakaziʋa kuti Sauro wakafuŋga kumuitira ɀakaipa, akati kunaAbiatari muprista: Ʋuya pano neefodi.
10
Ɀino Davidi akati: Jehova, Mŋari waIsraeri, muranda wenyu wakanzwa ɀirokwaɀo kuti Sauro unoɗa kuʋuya Keira, kuzoparadza guta nokuɗa kwaŋgu.
11
Ko ʋarume ʋeKeira ʋacandiisa mumaʋoko ake here? Ko Sauro ucaɓuruka here, seɀakanzwa muranda wenyu? Jehova, Mŋari waIsraeri, ndinokumbira muziʋise henyu muranda wenyu. Jehova akati: Ucaɓuruka.
12
Davidi akati: Ko ʋarume ʋeKeira ʋacandiisa naʋanhu ʋaŋgu muruʋoko rwaSauro here? Jehova akati: Ʋacakuisa.
13
Ipapo Davidi naʋanhu ʋake, ʋaneŋge mazana matanhatu, ʋakasimuka, ʋakabva Keira, ʋakafamba‐famba haʋo. Sauro akaʋudzwa kuti Davidi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuenda’ko.
14
Davidi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutȿaka mazuʋa ose, asi Mŋari haana‐kumuisa muruʋoko rwake.
15
Ɀino Davidi akaʋona kuti Sauro wakaŋga aɓuɗa kuzotȿaka kumuʋuraya, Davidi akagara murenje reZifi muɗondo.
16
Ipapo Jonatani mŋanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kunaDavidi muɗondo, akamusimbisa munaMŋari.
17
Akati kwaari: Usatya, nokuti ruʋoko rwaɓaɓa ʋaŋgu Sauro haruŋgakuwani; ucaʋa mambo waIsraeri, neni ndicaʋa muɗuku kwauri; naɓaɓa ʋaŋgu Sauro ʋanoɀiziʋa.
18
Iʋo ʋaʋiri ʋakaita suŋgano pamberi paJehova; Davidi akagara muɗondo, Jonatani akadzokera kumba kwake.
19
Ɀino ʋaZifi ʋakakwira kunaSauro paGibea, ʋakati: Ko Davidi haazinoʋanda kwatiri, panhare muɗondo, mugomo reHakira riri kurutiʋi rwezasi rwerenje here?
20
Naiɀoɀo ɀino, mambo ɓurukai, seɀinoɗa mŋoyo wenyu; kana tiri’su ndiro ɓasa reɗu kuti timuise pamaʋoko amambo.
21
Ipapo Sauro akati: Imi muropafadzwe naJehova, nokuti makandinzwira tsitsi.
22
ciendai henyu, mucerekedze kwaɀo, muziʋe nokuʋona kwaari, kwaanogara, ʋuye kuti ndianiko wakamuʋona’ko; nokuti ndaʋudzwa kuti unamano kwaɀo.
23
Naiɀoɀo tarisisai, muziʋe ɀakanaka nɀimbo dzake dzose dzaanoʋanda kwadziri, mugodzokera ɀe kwandiri ɀirokwaɀo, ndiende nemi; ɀino kana aciŋge ari munyika iyo, ndicandomutȿakisisa pakati peɀuru ɀaʋaJuda.
24
Ipapo ʋakasimuka, ʋakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Davidi naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋari murenje reMaoni paAraba kurutiʋi rwezasi rwerenje.
25
Ɀino Sauro naʋanhu ʋake ʋakaenda kundomutȿaka. Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; naiɀoɀo akaɓurukira kuɗombo, akandogara murenje reMaoni. Ɀino Sauro wakati aciɀinzwa, akateʋera Davidi kurenje reMaoni.
26
Sauro akaenda necoʋuno kwegomo, Davidi naʋanhu ʋake ʋakaenda neceseri kwegomo; Davidi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋakomba Davidi naʋanhu ʋake, kuti ʋaʋaɓate.
27
Asi nhume yakaȿika kunaSauro, ikati: Kurumidzai, muʋuye, nokuti ʋaFiristia ʋopambara nyika.
28
Naiɀoɀo Sauro akadzoka pakuteʋera Davidi, akandorwa naʋaFiristia. Naiɀoɀo ʋakapatumidza Sera‐hamarekoti.
29
Davidi akakwira, akabva’po, akandogara munhare dzapaEni‐gedi.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31