bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 28
1 Samuel 28
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
1
Ɀino namazuʋa iwayo ʋaFiristia ʋakaʋuŋganidza hondo dzaʋo kuzorwa naʋaIsraeri. Akishi akati kunaDavidi: Ziʋa kwaɀo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe naʋanhu ʋako.
2
Davidi akati kunaAkishi: Naiɀoɀo mucaziʋa muranda wenyu ɀaanogona kuita. Akishi akati kunaDavidi: Naiɀoɀo ndicakuita muceŋgeti womusoro waŋgu nokusiŋgaperi.
3
Samueri ɀino wakaŋga afa; ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋamucema, ʋamuʋiga paRama, imo muguta rake; Sauro akaŋga abvisa panyika maȿikiro naʋaʋuki.
4
Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋgana, ʋakaʋaka misasa yaʋo paShunemi; Sauro akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, iʋo ʋakaʋaka misasa yaʋo paGirboa.
5
Ɀino Sauro wakati aciʋona hondo dzaʋaFiristia, akatya, mŋoyo wake ukaɗeɗera kwaɀo.
6
Sauro akabvunza Jehova, asi Jehova haana‐kumupindura, kunyaŋge pakurota, kana neUrimi, kana naʋaprofita.
7
Ipapo Sauro akati kuʋaranda ʋake: Nditȿakirei mukadzi unoȿikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Tarirai, kunomukadzi unoȿikirwa paEndori.
8
Sauro akaɀishandura, akafuka dzimŋe ŋguʋo, akaenda, iye naʋamŋe ʋarume ʋaʋiri, ʋakaȿika kumukadzi ʋusiku; akati: Ndiʋukire ʋo nomŋeya unokuȿikira, undikwidzire wandicakuʋudza.
9
Mukadzi akati kwaari: Tarira, unoziʋa ɀakaitwa naSauro, kuti wakaparadza maȿikiro naʋaʋuki panyika, unoteyireiko ʋupenyu bgaŋgu, ndiʋurawe?
10
Sauro akapika kwaari naJehova, akati: NaJehova mupenyu, iwe hauŋgaʋi nemhoȿa pacinhu ici.
11
Ɀino mukadzi akati: Ndokukwidzira aniko? Akati: Ndikwidzire Samueri.
12
Mukadzi wakati aciʋona Samueri, akaɗanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati: Mandinyeŋgerereiko? Nokuti ndimi Sauro.
13
Mambo akati kwaari: Usatya hako, asi unoʋoneiko? Mukadzi akati kunaSauro: Ndinoʋona mudzimu unokwira aciɓuɗa panyika.
14
Akati kwaari: Wakaɗiniko? Akati: Kunomutana unokwira, akafuka ŋguʋo. Sauro akaziʋa kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi neciso cake, akanamata kwaari.
15
Samueri akati kunaSauro: Wanditambudzireiko ucindikwidza? Sauro akapindura, akati: Ndinotambudzika kwaɀo; nokuti ʋaFiristia ʋanorwa neni, naMŋari wabva kwandiri, haacatoŋgondipinduri, kunyaŋge naʋaprofita, kana nokurota; naiɀoɀo ndakuɗanai imi, kuti mundiziʋise ɀandinofanira kuita.
16
Samueri akati: Unondibvunzireiko ini, Jehova ɀaakabva kwauri, akaʋa muʋeŋgi wako?
17
Jehova wakaɀiitira iɀo ɀaakataura neni; Jehova akabvarura ʋushe pamaʋoko ako, akabgupa mumŋe wokwako, iye Davidi.
18
Nokuti hauna‐kuterera inzwi raJehova, hauna‐kuitira ʋaAmareki nokutsamŋa kwake kukuru; naiɀoɀo Jehova wakakuitira cinhu ici nhasi.
19
Ɀino Jehova ucaisa ʋaIsraeri pamŋe cete newe mumaʋoko aʋaFiristia; maŋgwana iwe naʋanakomana ʋako mucaʋa neni; Jehova ucaisa hondo yaʋaIsraeri mumaʋoko aʋaFiristia.
20
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsiʋama, akatya kwaɀo pamsoro pamashoko aSamueri; kwakaŋga kusinesimba maari, nokuti wakaŋga asina‐kudya ɀokudya zuʋa iro rose, kunyaŋge noʋusiku bgose.
21
Ɀino mukadzi akaʋuya kunaSauro, akaʋona kuti unotambudzika kwaɀo, akati kwaari: Tarirai, murandakadzi wenyu wakaterera inzwi renyu, ndikasaraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakaterera mashoko enyu amakandiʋudza.
22
Naiɀoɀo ɀino, citererai ʋo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise cimeɗu ceciŋgwa pamberi penyu, mudye, muʋe nesimba kana moenda henyu.
23
Asi iye wakaramba, akati: Handiɗi haŋgu kudya. Asi ʋaranda ʋake ʋakamukurudzira pamŋe cete nomukadzi, akazoterera manzwi aʋo. Naiɀoɀo akasimuka pasi, akagara panhoʋo.
24
Ɀino mukadzi wakaŋga anemhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaiɓaya, akatora ʋupfu, akabgukanya, akaɓika nabgo ciŋgwa cisino‐kuʋiriswa;
25
akaɀiisa pamberi paSauro napamberi paʋaranda ʋake; ʋakadya. Ipapo ʋakasimuka, ʋakaenda ʋusiku ibgobgo.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31