bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 13
1 Samuel 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 14 →
1
Sauro wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋaIsraeri makore maʋiri.
2
Sauro akaɀitsaurira ʋarume ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀitatu; ɀuru ɀiʋiri ɀaʋo ɀaigara kunaSauro paMikmashi pagomo reBeti‐eri, necuru cimŋe caigara naJonatani paGibea kwaBenjamini; ʋamŋe ʋanhu ʋose akaʋadzosera, mumŋe nomumŋe kutente rake.
3
Jonatani akaparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋaigara Geba; ʋaFiristia ʋakaɀinzwa. Ɀino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati: ƲaHeberu ŋgaʋanzwe.
4
ƲaIsraeri ʋose ʋakanzwa kuti Sauro waparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia, ʋuye kuti ʋaIsraeri ʋoʋeŋgwa naʋaFiristia. Ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋganidzwa kuti ʋaende Girgari naSauro.
5
Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋgana kuzorwa naʋaIsraeri, ʋaneŋgoro dzineɀuru ɀinamakumi matatu, naʋataȿi ʋaneɀuru ɀitanhatu, naʋanhu ʋakaŋga ʋakafanana nejeca reguŋgwa pakuwanda kwaʋo; ʋakakwira ʋakandodzika matente aʋo paMikmashi, kumabvazuʋa kweBeti‐aveni.
6
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaʋa panjodzi (nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋomanikidzwa), ʋanhu ʋakaʋanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.
7
Ʋuye ʋamŋe ʋaʋaHeberu ʋakaŋga ʋayambuka Joridani kunyika yaGadi neyaGireadi; asi Sauro wakaŋga aciri Girgari, ʋanhu ʋose ʋakamuteʋera ʋacibvunda.
8
Akamira mazuʋa manomŋe akaŋga atarwa naSamueri; asi Samueri haanakuȿika paGirgari, ʋanhu ʋakataŋga kupararira ʋacimusiya.
9
Ɀino Sauro akati: Ʋuyai kwandiri necipiriso cinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Akapisa cipiriso cinopiswa.
10
Ɀino wakati acaŋgopedza kupisa cipiriso cinopiswa, Samueri akaȿika; Sauro akaɓuɗa kundosoŋgana naye, kuti amukwazise.
11
Samueri akati: Waiteiko? Sauro akati: Ndakaʋona kuti ʋanhu ʋopararira, ʋacindisiya, ʋuye kuti imi hamunakuȿika namazuʋa akaŋga atarwa, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMikmashi,
12
saka ndikati: Ɀino ʋaFiristia ʋacaɓuruka kuzondiʋamba paGirgari ini ndicigere kukumbira Jehova kundiɓatsira; naiɀoɀo ndakaɀigombedzera ndikapisira cipiriso cinopiswa, ndisiŋgaɗi haŋgu.
13
Samueri akati kunaSauro: Waita seɓenzi; hauna‐kuceŋgeta murairo waJehova Mŋari wako, waakaŋga akuraira; nokuti ɀino Jehova wakaŋga aciɗa kusimbisa ʋushe bgako pakati paʋaIsraeri nokusiŋgaperi.
14
Asi ɀino ʋushe bgako habguŋgagari; Jehova wakaɀitȿakira munhu unofadza mŋoyo wake, Jehova akamugadza aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋake, nokuti iwe hauna‐kuceŋgeta ɀawakaŋga warairwa naJehova.
15
Samueri akasimuka, akabva Girgari, akaenda Gibea kwaBenjamini. Sauro akaʋereŋga ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika ʋarume ʋaneŋge mazana matanhatu.
16
Sauro naJonatani mŋanakomana wake, naʋanhu ʋaʋakaŋga ʋanaʋo, ʋakagara paGeba kwaBenjamini; asi ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋaka misasa yaʋo paMikmashi.
17
Ɀino ʋaparadzi ʋakaɓuɗa kumisasa yaʋaFiristia, ʋakaita mapoka matatu; ɓoka rimŋe rakaɓuɗa nenzira inoenda Ofra kunyika yaShuari,
18
rimŋe ɓoka rikaɓuɗa nenzira inoenda Beti‐horoni; nerimŋe ɓoka rikaɓuɗa nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZeboimi, kurutiʋi rwerenje.
19
Ɀino kwakaŋga kusinomupfuri munyika yose yaIsraeri, nokuti ʋaFiristia ʋakati: ƲaHeberu ŋgaʋarege kuɀipfurira minondo namapfumo.
20
Asi ʋaIsraeri ʋose ʋaifanira kuɓurukira kuʋaFiristia, mumŋe nomumŋe kana aciɗa kurodzerwa muromo wegeja rake, neɓadza rake, nesanhu rake, nembezo yake;
21
ŋguʋa imŋe neimŋe kana mbezo dzaʋo, namapadza aʋo, neforogo dzaʋo, namasanhu aʋo ɀokomara; ʋuye kugadzirirwa ɀokuɓaya ŋombe naɀo.
22
Naiɀoɀo paŋguʋa yokurwa kwakaŋga kusinomunondo, kana pfumo muruʋoko rwomunhu mumŋe waʋanhu ʋakaŋga ʋanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mŋanakomana wake ʋakaŋga ʋanaɀo.
23
Ɀino ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia rakaɓuɗa kumupata weMikmashi.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31