bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 16
1 Samuel 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
1
Ɀino Jehova wakati kunaSamueri: Ucacema Sauro kuȿikira riniko, ɀandakamuramba ini, kuti arege kuʋa mambo waIsraeri? Zadza gonaŋombe rako namafuta, uende, ndikutume kunaJese muBeti‐rehemi; nokuti ndakaɀitȿakira mambo pakati paʋana ʋake.
2
Samueri akati: Ndiŋgaenda seiko? Kana Sauro akaɀinzwa, ucandiʋuraya. Jehova akati: Enda netsiru, uti: Ndaʋuya kuzoɓayira Jehova.
3
Ɀino uɗane Jese aʋuye kuciɓayiro, ini ndicakuziʋisa ɀaunofanira kuita, ugondizodzera wandicakuratidza.
4
Samueri akaita ɀakataurwa naJehova, akaenda Beti‐rehemi. Ʋakuru ʋeguta ʋakandosoŋgana naye, ʋacibvunda, ʋakati: Maʋuya norugare here?
5
Akati: Hoŋo, norugare; ndaʋuya kuzoɓayira Jehova, muɀinatsei, muende neni kundoɓayira. Ipapo akanatsa Jese naʋanakomana ʋake, akaʋaɗana kuciɓayiro.
6
Ɀino ʋakati ʋaȿika, akatarira Eriabi, akati: Ɀirokwaɀo, muzodzwa waJehova uri pamberi pake.
7
Asi Jehova wakati kunaSamueri: Usatarira ciso cake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehova haaʋoni somunhu, nokuti munhu unotarira ɀiri kunze, asi Jehova unotarira ɀiri pamŋoyo.
8
Ɀino Jese akaɗana Abinadabi, akamupfuʋudza pamberi paSamueri. Akati: Kunyaŋge noyuyu Jehova haana‐kumutsaura.
9
Ɀino Jese akapfuʋudza Shama. Akati: Noyuyu Jehova haana‐kumutsaura.
10
Jese akapfuʋudza ʋanomŋe ʋaʋanakomana ʋake pamberi paSamueri. Samueri akati kunaJese: Jehova haanakutsaura aʋa.
11
Ɀino Samueri akati kunaJese: Ʋana ʋako ʋari pano ʋose here? Akati: Muɗuku kunaʋose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kunaJese: Tuma munhu amutore, nokuti hatiŋgagari pakudya kuȿika iye aʋuya pano.
12
Akatuma munhu, akapinda naye. Ɀino wakaŋga ari mutȿuku, akanaka kumeso, anomuʋiri wakanaka. Jehova akati: Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.
13
Ipapo Samueri akatora gonaŋombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro paDavidi nesimba, kubva pazuʋa iro ɀicienda mberi. Ɀino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
14
Ɀino Mŋeya waJehova wakaŋga abva kunaSauro, mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukamuvundusa.
15
Ʋaranda ʋaSauro ʋakati kwaari: Tarirai ɀino, mŋeya wakaipa, wakatumŋa naMŋari, unokuvundusai.
16
Ɀino tenzi weɗu ŋgaatiraire isu ʋaranda ʋenyu ʋari pamberi penyu, kuti titȿake munhu unoziʋa kuridza mbira kwaɀo; ɀino kana mŋeya wakaipa, unotumŋa naMŋari, aciʋuya pamsoro penyu, iye aridze noruʋoko rwake, mupore.
17
Sauro akati kuʋaranda ʋake: Cinditȿakirai munhu unogona kuridza ɀakanaka, muʋuye naye kwandiri.
18
Ɀino mumŋe wamajaya akapindura, akati: Tarirai, ndakaʋona mŋanakomana waJese muBeti‐rehemi unoziʋa kuridza kwaɀo, munhu unesimba noʋumhare, murwi, wakacenjera pakutaura, munhu wakanaka, ʋuye Jehova unaye.
19
Naiɀoɀo Sauro akatuma nhume kunaJese, akati: Nditumire mŋanakomana wako Davidi, uri kumakwai.
20
Jese akatora mboŋgoro, akaitakudza ciŋgwa, neɗende rewaini, nembudzana, akaɀituma kunaSauro nomŋanakomana wake Davidi.
21
Davidi akaȿika kunaSauro, akamira pamberi pake; iye akamuɗa kwaɀo, akaʋa muɓati wenhumbi dzake dzokurwa.
22
Sauro akatuma shoko kunaJese, akati: Tendera hako Davidi amire pamberi paŋgu, nokuti ndinomufarira kwaɀo.
23
Ɀino ŋguʋa dzose kana mŋeya wakaipa, wakatumŋa naMŋari, uciʋuya pamsoro paSauro, Davidi ndokutora mbira, nokuridza noruʋoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mŋeya wakaipa ndokubva kwaari.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31