bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 10
1 Samuel 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 11 →
1
Ɀino Samueri akatora cinu camafuta, akaaɗurura pamusoro wake, akamuȿeta, akati: Jehova haana‐kukuzodza here kuti uʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋenhaka yake?
2
Kana ukabva kwandiri nhasi, ucandowana ʋarume ʋaʋiri parinda raRakeri, pamuganho waBenjamini, paZerza; iʋo ʋacati kwauri: Mboŋgoro dzawakaŋga ucitȿaka dzawanikwa; ɀino tarira, ɓaɓa ʋako haʋacinehanya nemboŋgoro, asi ʋofuŋganya pamsoro pako, ʋaciti: Ndicaita seiko pamsoro pomŋanakomana waŋgu?
3
Ɀino ucabva’po ukapfuʋura mberi, ukaȿika pamuouki weTabori; ipapo ucasoŋgana naʋarume ʋatatu ʋanokwira kunaMŋari paBeti‐eri, mumŋe akatakura mbudzana nhatu, mumŋe akatakura mapundu matatu eɀiŋgwa, ʋuye mumŋe akatakura ɗende rewaini;
4
iʋo ʋacakukwazisa, ndokukupa mapundu maʋiri eɀiŋgwa; ugamucire iɀoɀo pamaʋoko aʋo.
5
Pashure ucaȿika pagomo raMŋari, paneɓoka raʋarwi raʋaFiristia; ɀino kana uciȿika paguta, ucasoŋgana neɓoka raʋaprofita ʋanoɓuruka paɗunhu rakakwirira ʋakatuŋgamirirwa nemiteŋgeranwa, neŋgoma, nenyere, nembira, ʋaciŋgoprofita;
6
ipapo Mŋeya waJehova ucaʋuya pamsoro pako nesimba, ukaprofita pamŋe cete naʋo, ukashanduka ukaʋa mumŋe munhu.
7
Ɀino kana ɀiratidzo iɀi ɀikaʋonekwa newe, uite cinhu cipi necipi caunoratidzwa kuti uciite, nokuti Mŋari unewe.
8
Ɀino undituŋgamirire Girgari; tarira, ini ndicaɓurukira kwauri, kuti ndiɓayire ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa; unofanira kundimirira mazuʋa manomŋe, kuȿikira ndaʋuya kwauri, ndikuratidze ɀaunofanira kuita.
9
Ɀino wakati atendeʋuka, obva kunaSamueri, Mŋari akamupa mumŋe mŋoyo; ɀiratidzo iɀo ɀose ɀikaitika nomusi iwoyo.
10
Ʋakati ʋaciȿika pagomo, ɓoka raʋaprofita rikasoŋgana naye; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake nesimba, akaprofita pakati paʋo.
11
Ɀino ʋose ʋaimuziʋa kare ʋakati ʋaciʋona iɀoɀo, kuti woprofita pamŋe cete naʋo, ʋanhu ʋakataurirana, ʋakati: Cinyiko cawira mŋanakomana waKishi? Sauro waʋa pakati paʋaprofita ʋo here?
12
Ɀino mumŋe wa’po akapindura, akati: Ƃaɓa ʋaʋo ndianiko? Naiɀoɀo yakazoʋa shumo kuti: Ko Sauro waʋa pakati paʋaprofita here?
13
Akati apedza kuprofita, akaȿika paɗunhu rakakwirira.
14
Ƃaɓamunini ʋaSauro ʋakati kwaari, nokumuranda wake: Makaŋga maendepiko? Akati: Kundotȿaka mboŋgoro, asi takati ticiʋona kuti hadziwanikwi, tikaenda kunaSamueri.
15
Ƃaɓamunini ʋaSauro ʋakati: Ƌondiʋudza ʋo ɀamakaʋudzwa naSamueri.
16
Ipapo Sauro akati kunaɓaɓamunini ʋake: Wakatiʋudza pacena, kuti mboŋgoro dzatowanikwa hadzo. Asi haana‐kumuʋudza shoko roʋushe rakaŋga rataurwa naSamueri.
17
Ɀino Samueri akakoka ʋanhu kunaJehova paMizpa,
18
akati kuʋana ʋaIsraeri: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Ndakaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri paEgipita, ndikakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko amadzimambo ose aikuremedzai;
19
asi nhasi maramba Mŋari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari: Kwete, asi tigadzire mambo uŋgatiɓata. Naiɀoɀo ɀino ʋuŋganai pamberi paJehova namarudzi enyu ʋuye neɀuru ɀenyu.
20
Naiɀoɀo Samueri akasweɗedza marudzi ose aIsraeri, rudzi rwaBenjamini rukaɓatwa.
21
Akasweɗedza rudzi rwaBenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatri ikaɓatwa; ipapo Sauro mŋanakomana waKishi akaɓatwa; asi ʋakati ʋomutȿaka, akashaikwa.
22
Naiɀoɀo ʋakabvunza ɀe Jehova, ʋakati: Iye munhu uri pano here? Jehova akapindura, akati: Tarirai, waʋanda pakati penhumbi.
23
Ipapo ʋakamhanya ʋakamutora’po; ɀino wakati amira pakati paʋanhu, akapfuʋura ʋanhu ʋose pakureɓa kubva pamafudzi ake kuȿika kumusoro wake.
24
Samueri akati kuʋanhu ʋose: Munoʋona wakatsaurwa naJehova, kuti hakuna‐wakafanana naye pakati paʋanhu ʋose here? Ʋanhu ʋose ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Mambo ŋgaararame.
25
Ɀino Samueri akaʋudza ʋanhu tsika dzoʋushe, akadzinyora mubuku, akaɀiceŋgeta pamberi paJehova. Samueri akaendisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe kumba kwake.
26
NaSauro ʋo wakaenda kumba kwake paGibea, ʋuye ʋarume ʋose ʋoʋumhare ʋakaŋga ʋaɓayiwa mŋoyo yaʋo naMŋari ʋakaenda ʋo naye.
27
Asi ʋamŋe ʋakaiȿo‐ipa ʋakati: Munhu uyu uŋgatiponesa seiko? Ʋakamushoʋora, ʋakasamuʋigira ɀipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31