bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 17
1 Samuel 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 18 →
1
Ɀino ʋaFiristia ʋakakoka hondo dzaʋo kuzorwa, ʋakaʋuŋgana paSoko raiʋa raJuda, ʋakaʋaka misasa yaʋo pakati peSoko naAzeka paEfesi‐damimi.
2
Sauro naʋarume ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana ʋo, ʋakaʋaka misasa yaʋo pamupata weEra, ʋakagadzira hondo kuzorwa naʋaFiristia.
3
ƲaFiristia ʋakaŋga ʋamire pagomo kunorumŋe rutiʋi, naʋaIsraeri ʋakaŋga ʋamire pagomo kunorumŋe rutiʋi; mupata wakaŋga uri pakati paʋo.
4
Ɀino kumisasa yaʋaFiristia kwakaɓuɗa mhare, yainzi Goriati weGati; kureɓa kwake kwakaŋga kunamakubiti matanhatu ʋuye sapanoȿika minwe.
5
Wakaŋga aneŋgoani yendarira pamusoro wake, ʋuye wakaŋga akafuka ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira; ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira dzakasika mashekeri aneɀuru ɀishanu ɀendarira pakurema kwadzo.
6
Wakaŋga aneɀidzitiro ɀamakumbo ɀendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
7
Rwiriko rwepfumo rake rwakaŋga rwakafanana neɗanda romuruki, necese yepfumo rake yakaȿika mashekeri anamazana matanhatu amatare pakurema kwayo; ʋuye muɓati wenhoʋo yake waifamba mberi kwake.
8
Akamira, akaɗanidzira kuhondo dzaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Maɓuɗireiko mucigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFiristia, nemi ʋaranda ʋaSauro here? Imi muɀitsaurire murume, aɓurukire ʋuno kwandiri.
9
Kana akagona kurwa neni, akandiʋuraya, isu ticaʋa ʋaranda ʋenyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuʋuraya, imi mucaʋa ʋaranda ʋeɗu, mucatiɓatira.
10
MuFiristia akati: Nhasi ndinoshoʋora hondo dzaʋaIsraeri; ndipei munhu, tirwe.
11
Ɀino Sauro naʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋacinzwa mashoko awa omuFiristia, ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo.
12
Ɀino Davidi wakaŋga ari mŋanakomana womuEfrati weBeti‐rehemi‐juda, wainzi Jese; iye wakaŋga anaʋanakomana ʋasere, asi munhu uyu wakaŋga aʋa mutana pamazuʋa aSauro, akwegura pakati paʋarume.
13
Ʋanakomana ʋatatu ʋakuru ʋaJese ʋakaŋga ʋaenda naSauro kundorwa; ɀino mazita aʋana ʋake ʋatatu, ʋakaŋga ʋaenda kundorwa, akaŋga ari: Eriabi weɗaŋgwe, teʋere Abinadabi, wecitatu Shama.
14
Davidi wakaŋga ari muɗuku kunaʋose; ʋakuru ʋatatu ʋakaŋga ʋaenda naSauro.
15
Ɀino Davidi waisienda kunaSauro, acidzoka kuzofudza makwai aɓaɓa ʋake paBeti‐rehemi.
16
MuFiristia waisweɗera maŋgwana namaɗeko, akamira’po mazuʋa anamakumi manna.
17
Ɀino Jese akati kunaDavidi mŋanakomana wake: Cindopa ʋakuru ʋako efa imŋe yeɀiyo iɀi ɀakakaŋgwa, neɀiŋgwa ɀinegumi, ukurumidze kuɀiisa kumisasa kuʋakuru ʋako;
18
asi mapundu awa omukaka wakafa anegumi uise kumukuru wecuru caʋo, ugotarira kuti ʋakuru ʋako ʋakaɗiniko, ndokutora kwaʋari cokuʋonera’po.
19
Ɀino Sauro, naiʋo, naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari pamupata weEra ʋacirwa naʋaFiristia.
20
Davidi akamuka maŋgwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakaŋga arairwa naJese; akaȿika pakaŋga pakarundwa ŋgoro, ʋarwi ʋoɓuɗa ʋaciridza mhere kundorwa.
21
ƲaIsraeri naʋaFiristia ʋakaɀigadzira kurwa, hondo dzakatarisana.
22
Davidi akasiya nhumbi dzake pamaʋoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akaȿika akakwazisa ʋakuru ʋake.
23
Ɀino wakati acataura naʋo, iya mhare ikaɓuɗa kuhondo yaʋaFiristia, iye muFiristia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Davidi akaanzwa.
24
Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona murume uyu, ʋakamutiza, ʋakatya kwaɀo.
25
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakati: Maʋona here murume uyo, wakwira? Ɀirokwaɀo wakwira kuzoshoʋora Israeri; munhu unomuʋuraya, mambo ucamufumisa nefuma zhinji, nokumupa ʋo mŋanasikana wake, nokusunuŋgura imba yaɓaɓa ʋake munaIsraeri.
26
Ɀino Davidi akataura naʋarume ʋakaŋga ʋamire naye, akati: Munhu, unoʋuraya muFiristia uyu, akabvisa kushoʋorwa kwaʋaIsraeri ucapiweiko? Nokuti muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ndianiko, unoshoʋora hondo dzaMŋari mupenyu?
27
Ʋanhu ʋakamupindura saiɀoɀo, ʋakati: Munhu, unomuʋuraya, ucapiwa cokuti necokuti.
28
Ɀino Eriabi mukoma wake mukuru akanzwa acitaura naʋarume aʋo, Eriabi akatsamŋira Davidi, akati: Waɓurukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziʋa manyawi ako, nokuipa kwomŋoyo wako; nokuti waɓuruka kuzoʋona hondo.
29
Davidi akati: Ɀino ndaɗiniko haŋgu? Handina‐kuŋgobvunza haŋgu here?
30
Akatendeʋukira ɀe kunomumŋe, akataura ɀe saiɀoɀo; ʋanhu ʋakamupindura ɀe saiɀoɀo.
31
Ɀino ʋakati ʋanzwa mashoko akataurwa naDavidi, ʋakaarondedzera kunaSauro; akatuma munhu kuzomuɗana.
32
Davidi akati kunaSauro: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unopera mŋoyo nokuɗa kwake; muranda wenyu ucaenda kundorwa nomuFiristia uyo.
33
Sauro akati kunaDavidi: Hauŋgagoni kundorwa nomuFiristia uyo, nokuti uciri mukomana, asi iye murume murwi kubva paʋuɗuku bgake.
34
Davidi akati kunaSauro: Muranda wenyu waifudza makwai aɓaɓa ʋake; ɀino kana shumba ikaȿika, kana ɓere, kuzotora gwaiana paɓoka,
35
ndaiɓuɗa, ndikaiteʋera, ndikaiʋuraya, ndikarirwira pamuromo wayo; kana iciŋge ikandimukira, ndaiiɓata ndebvu dzayo, ndokuiɓaya nokuiʋuraya.
36
Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu.
37
Davidi akati: Jehova wakandirwira pagumbo reshumba negumbo reɓere, iye ucandirwira ʋo paruʋoko rwomuFiristia uyu. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Enda hako, Jehova ucaʋa newe.
38
Sauro akafukidza Davidi ŋguʋo dzake, akadzika ŋgoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira.
39
Ɀino Davidi akasuŋgira munondo wake pamsoro peŋguʋo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakaŋga asino‐kumboidza iɀoɀo. Davidi akati kunaSauro: Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina‐kumbodziidza. Davidi akadzibvisa.
40
Akaɓata tȿimbo muruʋoko rwake, akaɀitsaurira huruŋguɗo shanu parukoʋa, akadziisa muhomboɗo yake yomufudzi, yaakaŋga anayo, imo munhaʋa yake; cifura‐mabge cake cakaŋga ciri muruʋoko rwake; akasweɗera kumuFiristia.
41
MuFiristia akaʋuya, akasweɗera kunaDavidi; munhu wakaŋga akaɓata nhoʋo yake akamutuŋgamirira.
42
Ɀino muFiristia wakati acitarira, akaʋona Davidi, akamuɀidza; nokuti wakaŋga aciri mukomana hake, mutȿuku, aneciso cakanaka.
43
MuFiristia akati kunaDavidi: Ndiri imbga kanhi, ɀaunoʋuya kwandiri netȿimbo? MuFiristia akatuka Davidi naʋamŋari ʋake.
44
MuFiristia akati kunaDavidi: Ʋuya ʋuno kwandiri, ndipe shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀeɓundo nyama yako.
45
Ipapo Davidi akati kumuFiristia: Iwe unoʋuya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinoʋuya kwauri nezita raJehova wehondo, Mŋari wehondo dzaʋaIsraeri, ʋaunoshoʋora.
46
Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri.
47
Ɀino kuti ʋuŋgano iyo yose iziʋe, kuti Jehova haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehova, iye ucakuisa mumaʋoko eɗu.
48
Ɀino muFiristia wakati acisimuka, aciʋuya kuzosoŋgana naDavidi, Davidi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosoŋgana nomuFiristia.
49
Davidi akapinza ruʋoko rwake muhomboɗo yake, akabvisa’mo ibge, akariposhera, akaroʋa muFiristia pahuma yake; ibge rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi neciso.
50
Naiɀoɀo Davidi akakunda muFiristia necifura‐mabge nebge, akakunda muFiristia, akamuʋuraya; asi kwakaŋga kusinomunondo muruʋoko rwaDavidi.
51
Ɀino Davidi akamhanya, akamira pamsoro pomuFiristia, akatora munondo wake, akauvomora pamuhara wawo, akamuʋuraya, akamugura musoro wake nawo. Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋona kuti mhare yaʋo yafa, ʋakatiza.
52
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri naʋaJuda ʋakasimuka, ʋakaɗanidzira, ʋakateʋera ʋaFiristia kuȿikira paGati napamasuʋo eEkroni. Ʋakaŋga ʋakuʋadzwa ʋaʋaFiristia ʋakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kuȿikira paGati napaEkroni.
53
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakadzoka pakudziŋgirira ʋaFiristia, ʋakapambara misasa yaʋo.
54
Davidi akatora musoro womuFiristia, akauisa Jerusarema, asi ŋguʋo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutente rake.
55
Ɀino Sauro wakati aciʋona Davidi aciɓuɗa kundorwa nomuFiristia, akati kunaAbineri, mukuru wehondo: Abineri, mukomana uyo mŋanakomana waaniko? Abineri akati: Nomŋeya wenyu mupenyu, mambo, handiziʋi.
56
Mambo akati: Bvunza ɀakanaka kuti mukomana uyu mŋanakomana waaniko.
57
Ɀino pakudzoka kwaDavidi pakuʋuraya muFiristia Abineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, acakaɓata musoro womuFiristia muruʋoko rwake.
58
Sauro akati kwaari: Ndiwe mŋanakomana waaniko, iwe jaya? Davidi akapindura, akati: Ndiri mŋanakomana womuranda wenyu Jese muBeti‐rehemi.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31