bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Samuel 14
1 Samuel 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
1
Ɀino rimŋe zuʋa Jonatani mŋanakomana waSauro akati kujaya raiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Hendei tiyambukire kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋari mhiri uko. Asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake.
2
Sauro wakaŋga agere pamugumo weGibea, pasi pomutamba wakaŋga uri paMigroni; wakaŋga anaʋarume ʋaneŋge mazana matanhatu naye.
3
Ahija, mŋanakomana waAhitubi, mukuru waIkabodi, mŋanakomana waPinehasi, mŋanakomana waEri, wakaŋga ari muprista waJehova paShiro, akafuka efodi. Ʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti Jonatani waenda.
4
Ɀino pakati pemipata, Jonatani paakaŋga aciɗa kuyambukira napo mhiri kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia, pakaŋga paneshoŋgwe yebge kurutiʋi rumŋe, neshoŋgwe yebge ɀe kunorumŋe rutiʋi; zita reimŋe rakaŋga riri Bozezi, nezita reimŋe Sene.
5
Shoŋgwe imŋe yakaŋga imire kurutiʋi rwokumsoro pamberi paMikmashi, neimŋe ɀe kurutiʋi rwezasi pamberi peGeba.
6
Ɀino Jonatani akati kujaya raiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Hendei tiyambukire kuɓoka raʋarwi raʋasino‐kudziŋgiswa aʋa; ɀimŋe Jehova ucatiɓatsira, nokuti hakunecinhu ciŋgadziʋisa Jehova kuponesa, kunyaŋge naʋazhinji kana naʋashoma.
7
Ipapo muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari: Itai ɀose ɀamunofuŋga; endai henyu, ini ndine’mi pamunoɗa kuita napo.
8
Ipapo Jonatani akati: Tarira, ticayambukira kuʋarume aʋo, tindoɀiratidza kwaʋari.
9
Kana ʋakati kwatiri: Mirai kuȿikira taȿika kwamuri, ticaramba timire kwatiri, hatiŋgakwiri kwaʋari.
10
Asi kana ʋakati: Kwirai ʋuno kwatiri, ticakwira, nokuti Mŋari waʋaisa mumaʋoko eɗu; ndico cicaʋa ciratidzo kwatiri.
11
Ɀino ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaɀiratidza kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia. ƲaFiristia ʋakati: Tarira, ʋaHeberu ʋoɓuɗa mumakomba maʋakaŋga ʋakaʋanda.
12
Ʋarume ʋeɓoka raʋarwi ʋakapindura Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakati: Kwirai ʋuno kwatiri, tikuratidzei cinhu. Jonatani akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Kwira unditeʋere, nokuti Jehova waʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri.
13
Jonatani akakwira namaʋoko ake namakumbo ake, muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo acimuteʋera; iʋo ʋakakundwa naJonatani, nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamuteʋera aciʋuraya.
14
Ɀino pakuʋuraya uku kwokutaŋga, Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi maʋiri pahafu yendima yomunda.
15
Ʋanhu, ʋakaŋga ʋari pamisasa, napaminda, naʋanhu ʋose ʋakabvunda; neɓoka raʋarwi, naʋaparadzi, naiʋo ʋakabvunda; nenyika ʋo yakaɗeŋgenyeka; naiɀoɀo kwakaŋga kunokubvunda kukuru.
16
Ɀino nharirire dzaSauro paGibea kwaBenjamini ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka guru raʋanhu ricinyaŋgarika, ricipararira.
17
Ipapo Sauro akati kuʋanhu ʋaakaŋga anaʋo: Ʋereŋgai ɀino, muʋone kuti ndianiko usisi’po kwatiri. Ɀino ʋakati ʋaʋereŋga, ʋakaʋona kuti Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo haʋa’po.
18
Sauro akati kunaAhija: Ʋuya pano neareka yaMŋari. Nokuti areka yaMŋari yakaŋga iri’po pakati paʋana ʋaIsraeri neŋguʋa iyo.
19
Ɀino Sauro wakati acataurirana nomuprista, ɓopoto rakaŋga riri pamisasa yaʋaFiristia rikaramba ricinyanya. Sauro akati kumuprista: Dzosa ruʋoko rwako.
20
Sauro naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo ʋakaʋuŋgana, ʋakarwa, ʋakawana munondo womumŋe nomumŋe ucirwa neshamŋari yake, kukaʋa nokutambudzika kukuru.
21
NaʋaHeberu, ʋaiɓatsira ʋaFiristia kare, ʋakaŋga ʋakwira naʋo kumisasa ʋaibva kunhiʋi dzose, naiʋo ʋakaʋashandukira, ʋakaɓatsira ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋanaSauro naJonatani.
22
Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋakaʋanda kunyika yamakomo yaEfraimi, ʋakati ʋacinzwa kuti ʋaFiristia ʋotiza, naiʋo ʋakaʋateʋera kuzorwa naʋo.
23
Naiɀoɀo Jehova akaponesa ʋaIsraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuʋura napaBeti‐aveni.
24
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira ʋanhu, akati: Aninani unodya ɀokudya kuȿikira maɗekwana, kuȿikira ndatsiʋira ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ŋgaatukwe. Naiɀoɀo hakunomunhu wakaraʋira ɀokudya.
25
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaȿika paɗondo, ʋakawana ʋuci bguri’po pasi.
26
Ʋanhu ʋakati ʋaȿika paɗondo, ʋakawana ʋuci bgoyerera pasi, asi hakunomunhu wakaisa ruʋoko rwake kumuromo wake, nokuti ʋanhu ʋakatya kupika kwaSauro.
27
Asi Jonatani wakaŋga asinakunzwa ɓaɓa ʋake ʋaciraira ʋanhu nokupika kwaʋo; naiɀoɀo akatambanudza muromo wetȿimbo yake, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akainyika muziŋga roʋuci, akaisa ruʋoko rwake kumuromo wake, meso ake akaȿinudzwa.
28
Ipapo mumŋe waʋanhu akapindura, akati: Ƃaɓa ʋako ʋakaraira ʋanhu kwaɀo nokupika ʋaciti: Aninani unodya ɀokudya nhasi ŋgaatukwe. Asi ʋanhu ʋakaŋga ʋaziya.
29
Ɀino Jonatani akati: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanetsa nyika. Ciʋonai henyu, meso aŋgu aȿinudzwa seiko, nokuti ndaraʋira ʋuci ubgu;
30
ndoɗa kana ʋanhu ʋakaŋga ʋatenderwa kudya ɀaʋakaŋga ʋapamba kuʋaʋeŋgi ʋaʋo! Asi ɀino haʋanakuʋuraya ʋaFiristia ʋazhinji.
31
Nomusi uyo ʋakaʋuraya ʋaFiristia kubva paMikmashi kuȿikira paAjaroni; ʋanhu ʋakaziya kwaɀo.
32
Ʋanhu ʋakamhanyira ɀakapambga, ʋakatora makwai, neŋombe, nemhuru, ʋakaɀiʋurayira pasi, ʋanhu ʋakaɀidya pamŋe cete neropa raɀo.
33
Ɀino ʋakaʋudza Sauro, ʋakati: Tarirai, ʋanhu ʋanotadzira Jehova, nokuti ʋanodya pamŋe cete neropa. Akati: Makaita nokusatendeka; ndikuŋgurusirei pano ibge guru nhasi.
34
Ɀino Sauro akati: Pararirai pakati paʋanhu, muti kwaʋari: Mumŋe nomumŋe ŋgaaʋuye kwandiri nenzombe yake, mumŋe nomumŋe negwai rake, aɀiʋurayire pano, adye, murege kutadzira Jehova mucidya pamŋe cete neropa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya ʋusiku ubgo mumŋe nomumŋe nenzombe yake, ʋakadziʋurayira’po.
35
Sauro akaʋakira Jehova artari; iyo artari ndiyo yokutaŋga yaakaʋakira Jehova.
36
Ɀino Sauro akati: Ŋgatiɓuruke, titeʋere ʋaFiristia ʋusiku, tiʋapambare kuȿikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumŋe kwaʋari. Iʋo ʋakati: Itai henyu seɀamunoɗa. Ipapo muprista akati: Ŋgatisweɗere kunaMŋari pano.
37
Sauro akabvunza Mŋari, akati: Ndoɓuruka, nditeʋere ʋaFiristia here? Mucaʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri here? Asi haana‐kumupindura musi iwoyo.
38
Sauro akati: Sweɗerai pano, imi ʋakuru ʋose ʋaʋanhu, muziʋe nokuʋona kuti ciʋi ici cakaitwa nhasi ndeceiko?
39
Nokuti naJehova mupenyu, iye unoponesa Israeri, kunyaŋge ɀiri kunaJonatani mŋanakomana waŋgu, ucafanira kufa ɀirokwaɀo. Asi kwakaŋga kusinomunhu pakati paʋanhu ʋose wakamupindura.
40
Ɀino akati kuʋaIsraeri ʋose: Imi mirai kurutiʋi rumŋe, neni naJonatani mŋanakomana waŋgu ticamira kunorumŋe rutiʋi. Ʋanhu ʋakati kunaSauro: Itai henyu seɀamunoɗa.
41
Ɀino Sauro akati kunaJehova, Mŋari waIsraeri: Ratidzai ɀakarurama. Ɀino Jonatani naSauro ʋakaɓatwa nemijenya, asi ʋanhu ʋakapukunyuka haʋo.
42
Ɀino Sauro akati kuʋaIsraeri ʋose: Kandai mijenya pakati paŋgu naJonatani mŋanakomana waŋgu. Jonatani akaɓatwa.
43
Ɀino Sauro akati kunaJonatani: Ndiʋudze cawaita. Jonatani akamuʋudza, akati: Ndakaraʋira haŋgu ɀiʋuci nomuromo wetȿimbo yandakaŋga ndakaɓata muruʋoko rwaŋgu; ɀino ndinofanira kufa haŋgu.
44
Sauro akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, nokuti ɀirokwaɀo unofanira kufa, Jonatani.
45
Ɀino ʋanhu ʋakati kunaSauro: Jonatani uŋgafa seiko, iye wakaponesa ʋaIsraeri nokuponesa kukuru uku? Haiȿa! NaJehova mupenyu, ruvudzi rumŋe rwomusoro wake haruŋgawiri pasi, nokuti wakaɓata pamŋe cete naMŋari nhasi. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakadzikinura Jonatani, akasafa.
46
Ɀino Sauro akarega kuteʋera ʋaFiristia, ʋaFiristia ʋakaenda kunyika yaʋo.
47
Ɀino Sauro wakati agadzwa ʋushe bgaIsraeri, akarwa naʋaʋeŋgi ʋake ʋose kunhiʋi dzose, naʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋaEdomi, namadzimambo eZoba, naʋaFiristia; pose paakaenda wakakunda.
48
Akarwa noʋumhare, akakunda ʋaAmareki, akarwira ʋaIsraeri pamaʋoko aʋaiʋapambara.
49
Ɀino ʋanakomana ʋaSauro ʋaiʋa Jonatani, naIshvi, naMarkishua, namazita aʋanasikana ʋake ʋaʋiri aiti: Zita roweɗaŋgwe Merabi, nezita romuɗuku Mikari.
50
Zita romukadzi waSauro raiʋa Ahinoami, mŋanasikana waAhimaazi, nezita romutuŋgamiriri wehondo yake raiʋa Abineri, mŋanakomana waNeri, ɓaɓamunini ʋaSauro.
51
Kishi ndiye waiʋa ɓaɓa ʋaSauro; naNeri, ɓaɓa ʋaAbineri, waiʋa mŋanakomana waAbieri.
52
Pamazuʋa ose aSauro ʋakaŋga ʋacirwa ɀikuru naʋaFiristia; ɀino Sauro wakati kana aciʋona murume unesimba kana murume unoʋumhare, waimugarisa naye.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31