bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 1
Proverbs 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
1
Ɀireʋo ɀaSoromoni, mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri:
2
Kuti ʋanhu ʋa ziʋe ʋucenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere;
3
Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;
4
Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara, Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera;
5
Kuti wakacenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
6
Ʋanzwisise cireʋo nomufananidzo, Mashoko aʋakacenjera neɀirabge ɀaʋo.
7
Kutya Jehova ndiko kuʋamba kweziʋo; Mapenzi anoshoʋora ʋucenjeri nokurairirwa.
8
Mŋanakomana waŋgu, inzwa kurairira kwaɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako.
9
Nokuti ɀicaʋa cishoŋgo cakanaka pamusoro wako, Noʋuketani pamutsipa wako.
10
Mŋanakomana waŋgu, kana ʋatadzi ʋacikugombedzera, Usatenda iwe.
11
Kana ʋaciti: Hendei tose, Ŋgatirindire ropa; Ŋgatiʋandire ʋasinemhoȿa kunyaŋge pasinemhaka.
12
Ŋgatiʋamedze ʋari ʋapenyu seSheori, Ʋari ʋakukutu saiʋo ʋanoɓurukira kugomba.
13
Ticawana fuma yamarudzi mazhinji; Ticazadza dzimba dzeɗu neɀatakapamba;
14
Iwe ucaʋa mumŋe weɗu; Tose ticaʋa necikwama cimŋe cete;
15
Mŋanakomana waŋgu, usafamba naʋo nenzira yaʋo; Dzora rutsoka rwako panzira yaʋo;
16
Nokuti tsoka dzaʋo dzinoʋaŋgira ɀakaipa; Ʋanokurumidza kuɗurura ropa.
17
Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dziciɀiʋona.
18
Ʋanhu aʋa ʋanogarira ropa raʋo ʋamene; Ʋanoɀiʋandira ʋupenyu bgaʋo.
19
Ndiɀo ɀakaita ʋo nzira dzaʋose ʋanokarira fuma; Ɀinotorera mŋene waɀo ʋupenyu bgake.
20
Ʋucenjeri ʋunoɗanidzira panzira dzomumusha; Ʋunonzwisa inzwi rabgo panɀimbo dzakafara;
21
Ʋunoɗana panɀimbo panoʋuŋgana ʋazhinji; Paʋanopinda pamasuʋo, Paguta, ndi’po paʋunotaura mashoko abgo, ʋuciti:
22
Nhai imi ʋasinamano, mucaɗa kusaʋa‐namano kuȿikira riniko? Ne mi ʋaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuʋeŋga ziʋo?
23
Dzokai kana mucinzwa kuraira kwaŋgu, Tarirai ndicaɗurura mŋeya waŋgu pamsoro penyu; Ndicakuziʋisai mashoko aŋgu.
24
Ɀandakaɗana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruʋoko rwaŋgu, kukasaʋa nomunhu wakaraŋgarira;
25
Asi makaɀidza mano aŋgu ose, Mukaramba cose kuraira kwaŋgu,
26
Naiɀoɀo neni ʋo ndicaseka kana maʋa munhamo yenyu; Ndicakuɗaɗirai, kana kutya kwenyu kuciȿika.
27
Kana kutya kwenyu kuciȿika seɗutu guru, Nenhamo yenyu iciȿika secampupuri; Kana kutambudzika nokuɗumbirwa ɀicikuwirai.
28
Neŋguʋa iyo ʋacaɗana kwandiri, asi handiŋgapinduri; Ʋacanditȿaka ɀikuru, asi haʋaŋgandiwani.
29
Ɀaʋakaʋeŋga ziʋo, Ʋakasaɀitsaurira kutya Jehova,
30
Ʋakaramba mano aŋgu ose, Ʋakashoʋora kuraira kwaŋgu kwose,
31
Naiɀoɀo ʋacadya ɀiɓereko ɀenzira yaʋo; Ʋacagutswa namano aʋo.
32
Nokuti kudzokera shure kwaʋasinamano kucaʋaʋuraya, Kusaʋa nehanya kwamapenzi kucaaparadza.
33
Asi aninani unonditerera ucagara ɀakasimba, Ucagadzikana, asiŋgatyi ɀakaipa.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31