bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 3
Proverbs 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
1
Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu; Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu;
2
Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji, Namakore oʋupenyu, norugare.
3
Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako;
4
Nokuɗaro ucawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMŋari naʋanhu.
5
Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.
6
Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
7
Usaɀiti wakacenjera; Itya Jehova, ubve paneɀakaipa;
8
Ɀicaʋa mushoŋga womuʋiri wako, Nomŋoŋgo wamafupa ako.
9
Kudza Jehova neɀaunaɀo, Ʋuye neɀitȿa ɀaɀose ɀawakawana;
10
Ipapo matura ako acazadzwa neɀakawanda, Makate ako acapfacuka newaini itȿa.
11
Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaJehova; Usaneta nokuraira kwake.
12
Nokuti Jehova unoraira muɗikanwa wake; Seɀinoita ɓaɓa mŋanakomana waʋo waʋanofarira.
13
Munhu, wawana ʋucenjeri, unomufaro, Naiye munhu, unowana njere.
14
Nokuti kuʋuwana ibgo kunopfuʋura kuwana sirveri; Nokuʋufuma ibgo kunopfuʋura kufuma ndarama.
15
Ʋunokosha kupfuʋura korari; Hakunefuma yako iŋgaenzaniswa nabgo.
16
Mazuʋa mazhinji oʋupenyu ari muruʋoko rwabgo rworudyi; Muruʋoko rwabgo rworuɓoshwe munefuma nokukudzwa.
17
Nzira dzabgo inzira dzeɀinofadza; Makwara abgo ose ndoorugare.
18
Ndiwo muti woʋupenyu kunaʋanoʋunamatira; Mumŋe nomumŋe unoʋuɓata unomufaro.
19
Jehova wakateya pasi noʋucenjeri; Wakasimbisa kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere.
20
Mvura iri makadzika yakadzutuka neziʋo yake; Ƌeŋga rose rakaɗonha ɗoʋa.
21
Mŋanakomana waŋgu, ŋgaɀirege kubva pameso ako; Ceŋgeta ʋucenjeri caibgo nokuŋgwara.
22
Ipapo ɀicaʋa ʋupenyu bgomŋeya wako; Noʋukomba pamutsipa wako.
23
Ipapo ucafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako haruŋgagumburwi.
24
Kana uciʋata pasi hauŋgatyi; Ʋuye kana waʋata pasi hope dzako dzicaʋa dzakanaka.
25
Usatya hako civunduso cinokuwira kamŋe‐kamŋe, Kunyaŋge kuparadzwa kwaʋakaipa, kana kuciȿika;
26
Nokuti Jehova ucaʋa ciʋimbo cako; Ucaceŋgeta rutsoka rwako, kuti rurege kuɓatwa.
27
Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira ɀakanaka Kana ruʋoko rwako ruciŋge runesimba kuɀiita.
28
Usati kunowokwako: Enda, ugodzoka ɀe, Maŋgwana ndicakupa; Kana uciŋge unaɀo’po.
29
Usafuŋga kuitira wokwako ɀakaipa, Ɀaanogara hake newe acikutenda.
30
Usarwa nomunhu pasinemhoȿa, Kana asina‐kukuitira ɀakaipa.
31
Usagoɗora munhu unomanikidza; Usateʋera kunyaŋge nomumŋe wemitoʋo yake.
32
Nokuti mutsauki inyaŋgadzi kunaJehova; Asi unoʋukama naʋakarurama.
33
Kutuka kwaJehova kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ʋugaro bgaʋakarurama.
34
Kana ʋari ʋaɗaɗi, unoʋaɗaɗira, Asi ʋanoɀininipisa unoʋaitira nyasha.
35
Ʋakacenjera ʋacagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anoɀiwanira kunyadziswa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31