bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 8
Proverbs 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
1
Ko ʋucenjeri haʋuɗanidziri here? Nenjere hadziɓuɗisi manzwi adzo here?
2
Pamsoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndi’po paʋumire;
3
Parutiʋi rwamasuʋo, panopindwa paguta, Paʋanopinda pamikoʋa, ndi’po paʋunoɗanidzira; ʋuciti:
4
Ndinoɗanidzira kwamuri, imi ʋarume, Inzwi raŋgu rinoɗana ʋanakomana ʋaʋanhu.
5
Nzwisisai ʋucenjeri, imi ʋasinamano; Imi mapenzi, iʋai nomŋoyo unenjere.
6
Inzwai, nokuti ndicataura ɀinhu ɀakaiȿo‐naka; Nokuti miromo yaŋgu icashamira ɀinhu ɀakarurama.
7
Nokuti muromo waŋgu unoɓuɗisa ɀokwaɗi; Cinhu cakaipa cinonyaŋgadza pamiromo yaŋgu.
8
Mashoko ose omuromo waŋgu akarurama; Hakunecinhu cakakombama kana cisakarurama maari;
9
Ɀose ɀiri pacena kunounenjere; Ɀakarurama kunaiʋo ʋakawana ziʋo.
10
Gamucirai kuraira kwaŋgu, murege kugamucira sirveri; Neziʋo, kupfuʋura ndarama yakasarurwa.
11
Nokuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura korari; Ɀose ɀinoɗikanwa haɀiŋgaenzaniswi nabgo.
12
Ini ʋucenjeri ndakaita kuŋgwara imba yaŋgu, Ndinowana ziʋo namano akarurama.
13
Kutya Jehova ndiko kuʋeŋga ɀakaipa; Kuɀikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyeŋgedzera, ndinoɀiʋeŋga.
14
Ndinezano rakanaka nokuɓata kwakakwana; Ndini kucenjera; ndinesimba.
15
Madzimambo anoɓata ʋushe neni, Ʋaɓati ʋanotoŋga ʋanhu neni.
16
Madzishe anofambisa ʋushe neni, Naʋakuru, iʋo ʋatoŋgi ʋose ʋapasi.
17
Ndinoɗa ʋanondiɗa; Ʋanonditȿaka nomŋoyo wose ʋacandiwana.
18
Fuma nokukudzwa ɀineni, Ɀinokosha ɀakaiȿo‐naka nokururama.
19
Ɀiɓereko ɀaŋgu ɀakanaka kupfuʋura ndarama, kunyaŋge ndarama yakaiȿo‐naka; Ɀandinowana ɀinopfuʋura sirveri yakasarurwa.
20
Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;
21
Kuti ndigarise nhaka ʋanondiɗa, Ndizadze ɀiʋigiro ɀefuma yaʋo.
22
Jehova wakandiʋumba pakuʋamba kwenzira yake, Kutaŋgira maɓasa ake akare.
23
Ini ndakamiswa kubva pakusiŋgaperi, kubva pakutaŋga, Pasi pasati pasikwa.
24
Makuŋgwa asati aʋa’po, ini ndakaɓerekwa; Pasinamatsime anemvura zhinji.
25
Makomo asati anyudzwa, Ɀikomo ɀisi’po, ini ndakaɓerekwa;
26
Iye asati aʋumba pasi namapani, Kana guruʋa rokutaŋga renyika.
27
Paŋguʋa yaakagadzira kuɗeŋga‐ɗeŋga, ndakaŋga ndiri’po; Pakuisa kwake ɗenderedzwa pamsoro pamakuŋgwa;
28
Paŋguʋa yaakasimbisa ɗeŋga rose kumsoro, Pakusimba kwamatsime amakuŋgwa;
29
Paŋguʋa yaakaitira guŋgwa miganho yaro, Kuti mvura irege kuɗarika murairo wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi;
30
Neŋguʋa iyo ndaiʋa naye, ndiri mhizha; Ndai mufadza zuʋa rimŋene rimŋe, Ndicitamba pamberi pake ŋguʋa dzose,
31
Ndicitamba panyika yake, Ndicifadzwa naʋanakomana ʋaʋanhu.
32
Saka ɀino ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei; Nokuti ʋanoceŋgeta nzira dzaŋgu ʋakaropafadzwa.
33
Inzwai kurairira muʋe ʋakacenjera, Regai kukuramba.
34
Munhu, unondinzwa, wakaropafadzwa, Unorinda zuʋa rimŋe nerimŋe pamasuʋo aŋgu, Unomira paɀiʋiʋo ɀemikoʋa yaŋgu.
35
Nokuti wandiwana, wawana ʋupenyu, Ucapiwa nyasha naJehova.
36
Asi unondishaiwa, unotadzira mŋeya wake; Ʋose ʋanondiʋeŋga, ʋanoɗa rufu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31