bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 7
Proverbs 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
1
Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta mashoko aŋgu, Ʋiga mirairo yaŋgu kwauri.
2
Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame; Nomurau waŋgu semboni yeziso rako.
3
Uɀisuŋgire paminwe yako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako.
4
Uti kuʋucenjeri: Ndiwe hanɀadzi yaŋgu; Utumidze njere shamŋari yako;
5
Kuti ɀikuceŋgete pamukadzi wokumŋe, Pamutorwa unoɓata kumeso namashoko ake.
6
Nokuti ndakatarira pawindi yeimba yaŋgu, Paʋutanda bgewindi yaŋgu;
7
Ndikatarira pakati paʋasinamano, Ndikaʋona pakati pamajaya Rimŋe jaya rakashaiwa njere;
8
Ricipfuʋura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, Ricifamba nenzira kuimba yomukadzi;
9
Neŋguʋa yorubvunza‐ʋaeni, neŋguʋa yamaɗeko ezuʋa, Pakati poʋusiku kwaȿiɓa.
10
Ɀino tarira, mukadzi akasoŋgana naye, Wakaŋga akafuka secifeʋe, anokunyeŋgedzera pamŋoyo.
11
Unopupira, aciita seɀaanoɗa; Tsoka dzake hadzigari mumba make;
12
Imŋe ŋguʋa uri munzira dzomumusha, imŋe ŋguʋa pamatare; Unorindira pamakona ose.
13
Ɀino iye akamuɓata, akamuȿeta; Akataura naye neciso cisino‐kunyara, akati kwaari:
14
Ndaifanira kuʋuya neɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzaŋgu.
15
Saka ndaɓuɗa kuzokuciŋgamidza, Nditȿake ciso cako ɀikuru, ɀino ndakuwana.
16
Ndakawarira macira anoʋukomba pamubeda waŋgu, Nemiceka inamaʋara inobva Egipita.
17
Ndakasasa ɀinonhuwira pamubeda waŋgu, Mura, negaʋakaʋa, nekinamoni.
18
Ʋuya tigute nokuɗana kuȿikira maŋgwanani; Ŋgatiɀifadze nokuɗana kukuru.
19
Nokuti murume haa’po pamusha; Wakafamba rwendo rukuru;
20
Wakaenda nehomboɗo inemari; Ucadzoka pajena guru.
21
Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka unomutsausa, Unomugombedzera nokuɓata kumeso kwemiromo yake.
22
Unomuteʋera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondoɓayiwa, Kana seɓenzi rakasuŋgwa rinoenda kundoraŋgwa;
23
Kuȿikira museʋe waɓaya ciropa cake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asiŋgaziʋi kuti ɀinoʋiŋga ʋupenyu bgake.
24
Ɀino ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei, Inzwai mashoko omuromo waŋgu.
25
Mŋoyo wako ŋgaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba‐famba mumakwara ake.
26
Nokuti wakawisira pasi ʋazhinji ʋakakuʋadzwa; Ɀirokwaɀo, ʋakaʋurawa naye ʋazhinji kwaɀo.
27
Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoɓurukira kudzimba dzorufu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31