bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 24
Proverbs 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
1
Usagoɗora ʋanhu ʋakaipa; Usashuʋa kuʋa pakati paʋo.
2
Nokuti mŋoyo yaʋo inoraŋgarira kuparadza; Nemiromo yaʋo inotaura ɀakashata.
3
Imba inoʋakwa noʋucenjeri; Inosimbiswa nenjere.
4
Neziʋo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.
5
Munhu wakacenjera unesimba; Ɀirokwaɀo, munhu weziʋo unowedzera simba.
6
Nokuti unofanira kurwa pfumo wamborairirwa noʋucenjeri; Asi kunaʋarairiri ʋazhinji ndiko kunoruponeso.
7
Ʋucenjeri haʋuȿikirwi neɓenzi; Harishamisi muromo waro paɗare.
8
Unoraŋgarira kuita ɀakaipa, Ucanzi naʋanhu mŋene weɀakashata.
9
Mufuŋgo woʋupenzi ɀiʋi; Muɗaɗi unonyaŋgadza ʋanhu.
10
Kana ukapera simba nezuʋa rokutambudzika, Simba rako ishoma.
11
Rwira ʋanoiswa kurufu; Noʋoʋurawa usarega kuʋadzosa.
12
Kana ukati: Tarirai, hatina‐kuɀiziʋa; Ko iye unoidza mŋoyo, haaɀiʋoni here? Naiye unoceŋgeta mŋeya wako, haaɀiziʋi here? Ko iye haaŋgapi mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata here?
13
Mŋanakomana waŋgu, idya ʋuci, nokuti bgakanaka; Nomuȿi, unozipa, pamukanwa wako.
14
Ucaʋona kuti ndiɀo ɀicaita ʋucenjeri kumŋeya wako; Kana waʋuwana, muɓairo ucaʋa’po, Neɀawakatarira haɀiŋgaparadzwi.
15
Iwe munhu wakaipa, usaʋandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
16
Nokuti munhu wakarurama uŋgawa kanomŋe, acisimuka ɀe; Asi ʋakaipa ʋanowisirwa pasi nenjodzi.
17
Usafarisisa kana muʋeŋgi wako aciwa; Kana aciwisirwa pasi mŋoyo wako ŋgaurege kufara.
18
Kuti Jehova arege kuɀiʋona, ɀikasamufadza, Akazodzora kutsamŋa kwake kwaari.
19
Usatsamŋa nokuɗa kwaʋaiti ʋeɀakaipa; Ʋuye usagoɗora ʋakaipa.
20
Nokuti munhu wakaipa haanamuɓairo; Mŋenje wowakaipa ucadzimŋa.
21
Mŋanakomana waŋgu, itya Jehova namambo; Usafambidzana naʋanoŋgosishanduka.
22
Nokuti nhamo yaʋo icamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore aʋo, ndiani ucaɀiziʋa?
23
Ɀireʋo iɀi ʋo ɀakabva kunaʋakacenjera: Kutsaura ʋanhu pakutoŋga haɀina‐kunaka.
24
Unoti kunowakaipa: Wakarurama, Ʋanhu ʋacamutuka, nendudzi dzicamusema.
25
Asi ʋanomuraira, ʋacaitirwa ɀakanaka; Ropafadzo yakanaka icaʋuya pamsoro paʋo.
26
Unopindura namashoko akarurama, Unoȿeta miromo.
27
Gadzira ɓasa rako kunze, Uɀigadzirire iro pamunda; Pashure ugoʋaka imba yako.
28
Usaʋa capupu cinopomera wokwako asinemhoȿa; Usanyeŋgedzera nemiromo yako.
29
Usati: Seɀaakandiitira, ndiɀo ɀandicamuitira ʋo; Ndicaripira munhu seɀaakaita iye.
30
Ndakapfuʋura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiriŋga womunhu unoshaiwa njere;
31
Tarirai, wakaŋga waŋgomera minzwa cete; Munda wose wakaŋga wakafukidzwa norukato, Noruȿiŋgo rwawo rwamabge rwakaŋga rwakoromoka.
32
Ipapo ndakacerekedza, ndikanatsofuŋga; Ndakaʋona, ndikadzidziswa.
33
Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene, Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore;
34
Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31