bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 26
Proverbs 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 27 →
1
Seɀakaita cando muzhezha, ʋuye seɀakaita mvura mukuceka, Saiɀoɀo kukudzwa hakufaniri ɓenzi.
2
Seɀinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyeŋganyeŋga pakubururuka kwayo, Saiɀoɀo kutuka pasinemhoȿa hakuitiki.
3
Tyaʋa yakaitirwa biza, namatomu mboŋgoro, Neshamhu musana wamapenzi.
4
Usapindura ɓenzi noʋupenzi bgaro, Kuti urege kufanana naro.
5
Pindura ɓenzi noʋupenzi bgaro, Kuti rirego‐ti rakacenjera.
6
Unotuma shoko noruʋoko rweɓenzi, Uno ɀi gura tsoka, nokunwa kutambudzika.
7
Makumbo ecirema anoŋgoremberera; Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi.
8
Somunhu unosuŋgira ibge pacifuramabge, Ndiɀo ɀakaita iye unokudza ɓenzi.
9
Se ɀinoita minzwa muruʋoko rwomukariri weɗoro, Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi.
10
Somufuri wemiseʋe, unofura ɀose, Ndiɀo ɀakaita munhu unoseʋenzesa ɓenzi nounoseʋenzesa ʋafambi.
11
Sembga inodzokera kumarutsi ayo, Ndiɀo ɀakaita ɓenzi rinopamhidza ʋupenzi bgaro.
12
Unoʋona munhu unoti ndakacenjera here? Ƃenzi riri nani kunaiye.
13
Simbe inoti: Kuneshumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.
14
Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndiɀo ɀinoita simbe panhoʋo dzayo.
15
Simbe inopinza ruʋoko rwayo mundiro, Inoʋusimbe kurudzosera ɀe kumuromo wayo.
16
Simbe inoɀiti ndakacenjera Kupfuʋura ʋanhu ʋanomŋe ʋanogona kupindura nenjere.
17
Somunhu unoɓata imbga nenzeʋe dzayo, iciŋgopfuʋura hayo, Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀipinza pagakaʋa raasinemhoȿa naro.
18
Somupeŋgo unokanda ɀitsika, Nemiseʋe, neɀinoʋuraya,
19
Ndiɀo ɀinoita munhu unonyeŋgedzera wokwake, Aciti: Ndinoŋgoita ɀaŋgu jeye!
20
Mŋoto unodzima nokushaiwa huni; Ʋuye kana kusinomuceri, gakaʋa rinopera.
21
Seɀakaita mazimbe paɀitsika ɀinopfuta, nehuni pamŋoto, Ndiɀo ɀakaita munhu wegakaʋa pakupfutidza rukaʋe.
22
Mashoko omuceri akaita seɀimeɗu ɀinozipa, Ɀinoɓurukira mukati‐kati momuʋiri.
23
Miromo inopisa noruɗo pamŋe cete nomŋoyo wakaipa, Ɀakafanana nomudziyo wevu wakanamirwa namarara anobva pasirveri.
24
Muʋeŋgi unonyeŋgedzera nemiromo yake, Asi unoʋanza kunyeŋgedzera mumŋoyo make.
25
Kana acitaura ɀinonaka, usamutenda; Nokuti mumŋoyo make muneɀinonyaŋgadza ɀinomŋe.
26
Kunyaŋge kuʋeŋga kwake kuciɀiʋanza nokunyeŋgedzera, Kushata kwake kucaɓuɗiswa pacena pamberi peʋuŋgano.
27
Aninani unocera gomba, ucawira’mo iye; Unokuŋgurusa ibge, ricadzokera pamsoro pake.
28
Rurimi rwenhema runoʋeŋga wakuʋadzwa narwo; Nomuromo unoɓata kumeso unoparadza.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31