bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 28
Proverbs 28
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
1
Wakaipa unotiza kusinaunodziŋgana naye; Asi ʋakarurama ʋanotsuŋga mŋoyo seshumba.
2
Nemhaka yokuɗarika kwenyika, macinda ayo anowanda; Asi nomumŋe, unenjere neziʋo, icaramba iri’po.
3
Munhu unoshaiwa amene, unomanikidza ʋarombo, Wakafanana nemvura inokukura, isiŋgasiyi ɀokudya.
4
Ʋanosiya murairo, ʋanorumbidza ʋakaipa; Asi ʋanoceŋgeta murairo, ʋanoita nharo naʋo.
5
Ʋanhu ʋakashata haʋanzwisisi ɀakarurama; Asi ʋanotȿaka Jehova ʋanonzwisisa ɀose.
6
Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake, Unopfuʋura usakarurama unofamba nenzira mbiri, kunyaŋge akafuma.
7
Unoceŋgeta murairo, mŋanakomana wakacenjera; Asi unofambidzana naʋanhu ʋanamadyo, unonyadzisa ɓaɓa ʋake.
8
Unowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Unoʋuŋganidzira mumŋe, ucaʋa netsitsi naʋarombo.
9
Unoramba kunzwa murairo nenzeʋe yake, Kunyaŋge nomunyeŋgetero wake unonyaŋgadza.
10
Aninani unorashisa ʋakarurama ʋafambe nenzira yakaipa, Ucawira amene mugomba rake; Asi ʋakarurama ʋacagara nhaka yeɀakanaka.
11
Mufumi unoti ndakacenjera; Asi murombo, unenjere, unomuferefeta.
12
Kana ʋakarurama ʋacikunda, mufaro mukuru uri’ko; Asi kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda.
13
Unofukidza kuɗarika kwake, haaŋgaʋi nomufaro; Asi unoɀireʋurura, aciɀirasha, ucawana nyasha.
14
Munhu unogara acitya, unomufaro; Asi unowomesa mŋoyo wake, ucawira munjodzi.
15
Seshumba inoʋomba, neɓere rinopota‐pota, Ndiɀo ɀakaita muɓati wakaipa unoɓata ʋanhu ʋarombo.
16
Mucinda, unoshaiwa njere, unomanikidza ʋanhu ʋo ɀikuru; Asi unoʋeŋga kuciʋa, ucawedzera mazuʋa ake.
17
Munhu, unoremedzwa neropa romumŋe munhu, Ucatizira kugomba; ŋgaarege kudziʋiswa nomunhu.
18
Aninani unofamba ɀakarurama, ucarwirwa; Asi unofamba nenzira dzisakarurama, ucawa pakarepo.
19
Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji; Asi unoʋaŋgira ɀisinamaturo, ucaʋa noʋurombo kwaɀo.
20
Munhu wakatendeka ucaʋa namaropafadzo mazhinji; Asi unoɗa kufuma nokukurumidza, haaŋgakoni kurobga.
21
Kutsaura ʋanhu hakuna‐kunaka; Nokuti munhu uŋgaɗarika nokuɗa kwecimeɗu ceciŋgwa.
22
Munhu unoruciʋa, unoʋaŋgira fuma, Asiŋgaziʋi kuti ucawirwa nokushaiwa.
23
Unorairira munhu ucazowana nyasha pashure, Kupfuʋura iye unoɓata kumeso norurimi rwake.
24
Unoɓira ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, aciti: Hakuzi kuɗarika, Uyu ishamŋari younoparadza.
25
Unomŋeya wokuciʋa unomutsa kukakaʋara; Asi unoʋimba naJehova, ucasimbiswa.
26
Unotenda mŋoyo wake, iɓenzi; Asi unofamba noʋucenjeri, ucarwirwa.
27
Unopa ʋarombo, haaŋgazoshaiwi; Asi unotsinzina meso ake, ucatukwa kazhinji.
28
Kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda; Asi kana ʋoparara, ʋakarurama ʋowanda.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31