bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 11
Proverbs 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 12 →
1
Ciyero cinonyeŋgedzera cinonyaŋgadza kunaJehova; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.
2
Kana kuɀikudza kuciȿika, kunyadziswa kwaȿika ʋo; Asi ʋucenjeri ʋuri kunaʋanoɀininipisa.
3
Kusanyeŋgedzera kwaʋakarurama kucaʋatuŋgamirira; Asi kusarurama kwaʋanonyeŋgedzera kucaʋaparadza.
4
Fuma haiɓatsiri cinhu nezuʋa rokutsamŋa; Asi kururama kunorwira parufu.
5
Kururama kwowakakwana kucaruramisa nzira yake; Asi wakaipa ucawiswa neɀakaipa ɀake.
6
Kururama kwaʋakarurama kucaʋarwira; Asi ʋanonyeŋgedzera ʋacaɓatwa neɀakashata ɀaʋo.
7
Kana munhu wakaipa acifa, ɀaanotarira ɀicaparadzwa; Tariro yaʋakashata inoparadzwa.
8
Wakarurama unorwirwa pakutambudzika; Wakaipa unopinda pacigaro cake.
9
Wakashata unoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama ucarwirwa neziʋo.
10
Kana ʋakarurama ʋacipfuʋurira mberi ɀakanaka, guta rinofara kwaɀo; Kana ʋakaipa ʋaciparadzwa, kunopururudzwa.
11
Nokuropafadzwa kwaʋakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yaʋakaipa.
12
Unoninipisa wokwake unoshaiwa ʋucenjeri; Asi munhu unenjere unoramba anyerere.
13
Unofamba anamakuhwa, unoɓuɗisa ɀakaʋanda; Asi unomŋoyo wakatendeka, unofukidza mhaka.
14
Kana ʋanhu ʋasiŋgatuŋgamirirwi noʋucenjeri, ʋanoɗerera; Asi paʋarairiri ʋazhinji ndipo panoruponeso.
15
Wakaɀiita ruɓatso pamsoro pomutorwa, ucaʋona nhamo nokuɗa kwaɀo; Asi unoʋeŋga kuɀiita ruɓatso, ndiye wakasimba.
16
Mukadzi muʋuya unokudzwa; Ʋamanikidzi ʋanowana fuma.
17
Munhu uneŋgoni, unoitira mŋeya wake ɀakanaka; Asi usinetsitsi unotambudza nyama yake.
18
Wakaipa unopiwa muɓairo wokunyeŋgedzera; Asi unokusha kururama ucawana muɓairo waɀokwaɗi.
19
Kururama kwaɀokwaɗi kunoisa kuʋupenyu; Asi unoteʋera ɀakaipa, unoʋiŋga rufu rwake.
20
Ʋanemŋoyo yakatsauka ʋanonyaŋgadza Jehova; Asi ʋanofamba nenzira yakarurama ʋanomufadza.
21
Ɀirokwaɀo, wakaipa haaŋgakoni kurobga; Asi ʋana ʋaʋakarurama ʋacarwirwa.
22
Seɀ akaita cindori cendarama mumhino dzeŋguruʋe, Ndiɀo ɀakaita mukadzi wakanaka kumeso usina‐kuŋgwara.
23
Ɀinoɗikanwa naʋakarurama ɀakanaka ɓedzi; Asi ʋakaipa ʋanomirirwa nokutsamŋa.
24
Mumŋe uri’ko unoparadzira, aciwedzerwa; Ʋuye uri’ko unonyima ɀaakafanira kupa, asi ɀinoŋgomushaisa.
25
Cipavurire ucakodzwa; Ʋuye unoɗiridza ucaɗiridzwa ʋo.
26
Unonyima ɀiyo, ʋanhu ʋacamutuka; Asi mikomborero icaʋa pamusoro wounoɀiteŋgesa.
27
Unoshiŋgairira ɀinhu ɀakanaka, unotȿaka ɀinofadza; Asi unotȿaka ɀakashata, ucaȿikirwa ʋo naɀo.
28
Unoʋimba nefuma yake, ucawa; Asi ʋakarurama ʋacanaka seshizha nyoro.
29
Unotambudza imba yake, ucagara nhaka yemhepo; Ƃenzi ricaʋa muranda wounomŋoyo wakacenjera.
30
Ɀiɓereko ɀowakarurama muti woʋupenyu; Unoɓata mŋeya yaʋanhu ndiye wakacenjera.
31
Tarirai, wakarurama ucapiwa muɓairo panyika; Ndoɗa wakaipa nomutadzi!
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31