bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 10
Proverbs 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 11 →
1
Ɀireʋo ɀaSoromoni. Mŋanakomana, wakacenjera, unofadza ɓaɓa; Asi mŋanakomana ɓenzi unoshuwisa mai ʋake.
2
Fuma yakawanikwa neɀakaipa haiɓatsiri cinhu; Asi kururama kunorwira parufu.
3
Jehova haaŋgatenderi mŋeya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupaŋga kwaʋakaipa unokusundira kure.
4
Unoɓata noruʋoko rusinehanya, ucaʋa murombo; Asi ruʋoko rwousinoʋusimbe runofumisa.
5
Unoʋuŋganidza muzhezha, ndiye mŋanakomana wakacenjera; Asi unoʋata hope mukukohwa, mŋakomana unonyadzisa.
6
Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unoʋanza kumanikidza.
7
Kuyeʋukwa kwowakarurama kunoʋigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa ricaʋora.
8
Unomŋoyo wakacenjera, ucagamucira mirairo; Asi unemiromo yoʋupenzi ucawisirwa pasi.
9
Unofamba ɀakarurama, unofamba ɀakasimba; Asi unominamisa nzira dzake, ucazikanwa.
10
Unoconya neziso rake, unoʋuyisa maɗambudzo; Asi unemiromo yoʋupenzi, ucawisirwa pasi.
11
Muromo wowakarurama itsime roʋupenyu; Asi muromo wowakaipa unoʋanza kumanikidza.
12
Mbeŋgo dzinomutsa kukakaʋara; Asi ruɗo runofukidza kuɗarika kwose.
13
Pamiromo younenjere panowanikwa ʋucenjeri; Asi shamhu yakafanira musana wounoshaiwa njere.
14
Ʋakacenjera ʋanoɀiceŋgetera ziʋo; Asi muromo weɓenzi uri pedyo nokuparadzwa.
15
Fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Ɀinoparadza ʋarombo ndibgo ʋurombo bgaʋo.
16
Ɀaakaɓatira ɀinoisa wakarurama kuʋupenyu; Ɀakawanikwa nowakaipa ɀinoisa kuɀiʋi.
17
Unoterera kurairirwa, uri panzira yoʋupenyu; Asi unoramba kurairwa, unotsausa ʋamŋe.
18
Unoʋanza kuʋeŋga, unemiromo yenhema; Unamakuhwa, iɓenzi.
19
Kuɗarika hakuŋgakoni pamunhu unamashoko mazhinji; Asi unodzora miromo yake, unoʋucenjeri.
20
Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirveri yakasarurwa; Mŋoyo wowakaipa hauɓatsiri cinhu.
21
Miromo yowakarurama inosimbisa ʋazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa ziʋo.
22
Kuropafadza kwaJehova ndiko kunofumisa; Kutambura paɓasa hakuwedzeri cinhu.
23
Ƃenzi rinoti kuita ɀakaipa hutamba; Ndiɀo ɀinoita ʋo ʋucenjeri kunounenjere.
24
Ɀinotyiwa nowakaipa, ndiɀo ɀicamuwira; Asi wakarurama ucapiwa ɀaanoɗa.
25
Kana campupuri capfuʋura, wakaipa haaci’po; Asi wakarurama unenheyo dzisiŋgaperi.
26
Seɀinoita vinega pameno, noʋutsi pameso, Ndiɀo ɀakaita simbe kunaʋanomutuma.
27
Kutya Jehova kunowedzera mazuʋa; Asi makore owakaipa acatapudzwa.
28
Tariro yaʋakarurama mufaro; Asi kutarira kwaʋakaipa kucaparadzwa.
29
Nzira yaJehova inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kunaʋanoita ɀakaipa.
30
Wakarurama haaŋgatoŋgozunuŋguswi nokusiŋgaperi; Asi ʋakaipa haʋaŋgarambi ʋagere panyika.
31
Muromo wowakarurama unoɓuɗisa ʋucenjeri; Asi rurimi runenhema rucabviswa.
32
Miromo yowakarurama inoziʋa ɀinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura ɀinenhema.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31