bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 30
Proverbs 30
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
1
Mashoko aAguri, mŋanakomana waJake; cireʋo cake. Murume unoti kunaItieri, kunaItieri naUkari:
2
Ɀirokwaɀo, ndiri ɓenzi kupfuʋura ʋanhu ʋose; Handinenjere dzomunhu.
3
Handina‐kudzidza ʋucenjeri, Ʋuye handineziʋo yoMutȿene.
4
Ndiani wakakwira kuɗeŋga, akaɓuruka ɀe? Ndiani wakaʋuŋganidza mhepo mucanza cake? Ndiani wakasuŋgira mvura muŋguʋo yake? Ndiani wakasimbisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romŋanakomana wake, kana uciriziʋa?
5
Shoko rimŋe nerimŋe raMŋari rakanatswa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋanda maari.
6
Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhoȿa, uwanikwe unenhema.
7
Ɀinhu ɀiʋiri ndakakumbira kwamuri; Musandiramba iɀo, ndisati ndafa.
8
Bvisai kure neni ɀisina‐kutendeka nenhema; Regai kundipa ʋurombo kana fuma; Mundigutse neɀokudya ɀakandifanira;
9
Ndirege kuti kana ndaguta, ndi ku rambei, ndiciti: Jehova ndianiko? Kana ɀimŋe ndiʋe murombo, ndiɓe, Ndimhure zita raMŋari waŋgu.
10
Rega kuʋudzisira muranda kunatenzi ʋake, Arege kukutuka, ukanzi unemhoȿa.
11
Rudzi ruri’ko runotuka ɓaɓa ʋarwo, Rusiŋgaropafadzi mai ʋarwo.
12
Rudzi ruri’ko runoti pakuʋona kweɗu takacena kwaɀo, Asi rusina‐kunatswa patȿina yarwo.
13
Rudzi ruri’ko, meso arwo anamanyawi sei! Mafuŋgiro ameso aʋo akakwidzwa.
14
Rudzi ruri’ko, meno arwo akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapaŋga, Kuti rupedze ʋarombo panyika, naʋanoshaiwa pakati paʋanhu.
15
Cikweʋa‐ropa cinaʋakunda ʋaʋiri, ʋanoti: Ndipe! Ndipe! Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀisiŋgatoŋgoguti, Ɀinna ɀisiŋgatoŋgoti: Ɀariŋgana!
16
Sheori; neciɀaro cisiŋgaɓereki; Pasi pasiŋgaguti mvura; Nomŋoto, usiŋgati: Ɀariŋgana!
17
Ziso rinoseka ɓaɓa, Rinoshoʋora kuterera mai, Makuŋguʋu omupata acarinoŋgora, Ʋana ʋegondo ʋacaridya.
18
Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinondishamisa, Ɀirokwaɀo ɀinna, ɀandisiŋgaziʋi, ɀinoti:
19
Kufamba kwegondo muɗeŋga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwecikepe pakati peguŋgwa; Nokufamba kwomurume nomusikana.
20
Ndiɀo ɀakaita kufamba kwomukadzi woʋupombge; Unodya, ndokupisika muromo wake, Aciti: Handina‐kuita cinhu cakaipa.
21
Nyika inoɗeɗera nokuɗa kweɀinhu ɀitatu; Ʋuye nokuɗa kweɀinna ɀaisiŋgaɗi kuʋona:
22
Nokuɗa kwomuranda kana acizoʋa mambo; Nokuɗa kweɓenzi, kana raguta ɀokudya;
23
Nokuɗa kwomukadzi warambga, kana azowanikwa; Ʋuye mushandiri, kana azoʋa mugari wenhaka yatenzi wake.
24
Ɀinhu ɀinna ɀiri’ko panyika ɀiɗuku haɀo, Asi ɀakacenjera kwaɀo, ɀinoti:
25
Mujuru, rudzi rusinesimba harwo; Kunyaŋge ɀakaɗaro unoʋuŋganidza ɀokudya ɀawo muzhezha;
26
Mbira, rudzi rusinesimba harwo, Kunyaŋge ɀakaɗaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
27
Mhashu hadzinamambo, Kunyaŋge ɀakaɗaro dzinofamba ɀakanaka dziciita mapoka;
28
Cipfira uŋgaciɓata namaʋoko ako, Kunyaŋge ɀakaɗaro ciri mudzimba dzamadzimambo.
29
Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinokufamba kunokudzwa, Ɀirokwaɀo ɀinna ɀinokufamba kunokudzwa, ɀinoti:
30
Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isiŋgatizi mhuka ipi neipi;
31
Nemhuka ineɀiʋuno ɀakasimba, nenhoŋgo yembudzi; Namambo kana anaʋarwi ʋake.
32
Kana uciŋge waita noʋupenzi, waɀikudza, Kana ɀimŋe waraŋgarira ɀakashata, Fumbira muromo wako.
33
Nokuti mukaka waroɀwa unoɓuɗisa mafuta, Nemhino dzadɀinyiwa dzinoɓuɗisa ropa, Saiɀoɀo hasha dzaʋambga dzinoɓuɗisa kukakaʋara.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31