bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 4
Proverbs 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
1
Imi ʋanakomana, inzwai kurairira kwaɓaɓa ʋenyu; Tererai, muziʋe njere.
2
Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murairo waŋgu.
3
Nokuti ini ndakaŋga ndiri mŋanakomana kunaɓaɓa ʋaŋgu, Mŋana wakaɗikanwa kwaɀo, mumŋe woga pamberi pamai ʋaŋgu;
4
Iʋo ɓaɓa ʋakandidzidzisa, ʋakati kwandiri: Mŋoyo wako ŋgaunatso‐ɓata mashoko aŋgu; Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame.
5
Ɀiwanire ʋucenjeri, ɀiwanire njere; Rega kukaŋganwa kana kutsauka pamashoko omuromo waŋgu;
6
Usaʋurasha, ʋugokuceŋgeta; Uʋuɗe, ʋugokurinda.
7
Ʋucenjeri cinhu cikuru kuneɀose; saka uɀiwanire ʋucenjeri; Uɀiwanire njere neɀose ɀaunaɀo.
8
Uʋukudze, ʋugokukwiridza iwe; Ʋucakuʋigira kukudzwa, kana uciʋumbundikira.
9
Ʋucapa musoro wako cishoŋgo cakanaka; Ʋucakuisira korona inobginya.
10
Cinzwa iwe mŋanakomana waŋgu, ugamucire ɀandinoreʋa; Makore oʋupenyu bgako agoʋa mazhinji.
11
Ndakakudzidzisa panzira yoʋucenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
12
Kana ucifamba, tsoka dzako hadziŋgapiŋganidzwi; Kana ucimhanya, hauŋgagumburwi.
13
Natsa kuɓata kurairirwa; usakuregedza; Ukuceŋgete, nokuti ndibgo ʋupenyu bgako.
14
Usapinda pagwara raʋakaipa, Usafamba nenzira yaʋakashata.
15
Uinɀeŋge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuʋure hako.
16
Nokuti haʋaʋati, kana ʋasiŋgaiti ɀakashata; Ʋanotorerwa hope dzaʋo, kana ʋasiŋgagumbusi ʋamŋe.
17
Nokuti ʋanodya ɀokudya ɀeɀakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza.
18
Asi gwara raʋakarurama rakaita seciedza camambakwedza, Cinoramba ciciwedzera kubginya kuȿikira pamasikati makuru.
19
Nzira yaʋakaipa yakaita serima; Haʋaziʋi ciŋgaʋagumbusa.
20
Mŋanakomana waŋgu, terera mashoko aŋgu; Rerekera nzeʋe yako kuneɀandinoreʋa.
21
Urambe uciatarira, Uaceŋgete mukati momŋoyo mako.
22
Nokuti ndibgo ʋupenyu kunaʋanoawana, Noʋukukutu bgenyama yaʋo yose.
23
Ceŋgeta mŋoyo wako kupfuʋura ɀose ɀinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndi’mo muneɀituɓu ɀoʋupenyu.
24
Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ŋgakuʋe kure newe.
25
Meso ako ŋgaarurame pakutarira; Mafuŋgiro ameso ako ŋgaatarire mberi kwako.
26
Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dziʋe dzakasimba.
27
Usatsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe; Rutsoka rwako urubvise paneɀakaipa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31