bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 14
Proverbs 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
1
Mukadzi mumŋe nomumŋe wakacenjera unoʋaka imba yake; Asi ɓenzi rinoiputsa namaʋoko aro.
2
Unofamba nokururama kwake, unotya Jehova; Asi wakatsauka panzira dzake, unomuɀidza.
3
Mumuromo weɓenzi muneshamhu yamanyawi; Asi miromo yaʋakacenjera inoʋaceŋgeta.
4
Kana pasinenzombe, cidyiro hacineciro; Asi ɀiɓereko ɀizhinji ɀinoʋuya nesimba renzombe.
5
Capupu, cakatendeka, hacireʋi nhema; Asi capupu cenhema cinoɓuɗisa mashoko enhema.
6
Muɗaɗi unotȿaka ʋucenjeri, asi haʋu’po; Asi ziʋo haitani kuwanikwa naʋanenjere.
7
Ibva pamberi peɓenzi, Nokuti hauŋgawani miromo yeziʋo kwaari.
8
Ʋucenjeri bgomunhu wakaŋgwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋunonyeŋgedzera.
9
Ciɓayiro ceɀiʋi camapenzi cinoɗaɗira; Asi pakati paʋakarurama panokufarirana.
10
Mŋoyo mumŋe nomumŋe unoziʋa kutambudzika kwawo; Mŋeni haaŋgagoʋerani nomufaro wawo.
11
Imba yowakaipa icaparadzwa; Asi tente rowakarurama ricafara ɀakanaka.
12
Munhu unoʋona nzira aciti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
13
Kunyaŋge munhu aŋgaseka hake, mŋoyo uŋgaʋa neshuŋgu; Kuguma kwomufaro ndiko kucema.
14
Unomŋoyo, unodzokera shure, ucagutiswa nenzira dzake; Asi munhu wakanaka ucagutiswa neɀinobva maari.
15
Usina mano unotenda mashoko ose; Asi wakaŋgwara unoŋgwarira mafambiro ake.
16
Wakacenjera unotya ɀakashata, aciɀinɀeŋga; Asi ɓenzi rinamanyawi, riciɀitenda.
17
Unokurumidza kutsamŋa, ucaita noʋupenzi; Ʋuye munhu, unofuŋga mano akaipa, ucaʋeŋgwa.
18
Ʋasina mano ʋanogara nhaka yoʋupenzi; Asi ʋakaŋgwara ʋacadzikwa korona yeziʋo.
19
Ʋakashata ʋanogwaɗama pamberi paʋakanaka; Naʋakaipa pamasuʋo aʋakarurama.
20
Murombo unoʋeŋgwa kunyaŋge nowokwake; Asi shamŋari dzaʋafumi izhinji.
21
Unoshoʋora wokwake, unotadza; Asi unetsitsi naʋarombo, unomufaro.
22
Ko ʋanofuŋga ɀakaipa haʋarashiki here? Asi nyasha neɀokwaɗi ndeɀaʋanofuŋga ɀakanaka.
23
Kuɓata kwose kuneɓatsiro; Asi kuŋgotaura nemiromo kunoɓereka kushaiwa.
24
Korona yaʋakacenjera ifuma yaʋo; Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋupenzi ɀabgo.
25
Capupu cakatendeka cinoponesa mŋeya yaʋanhu; Asi unoreʋa nhema unonyeŋgedzera.
26
Pakutya Jehova panesimbiso kwaɀo; Ʋana ʋowakaɗai ʋacaʋa noʋutiziro.
27
Kutya Jehova itsime roʋupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisuŋgo yorufu.
28
Ʋukuru bgamambo ʋunoʋonekwa pakuwanda kwaʋanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa ʋanhu.
29
Unomŋoyo murefu unenjere kwaɀo; Asi unokurumidza kutsamŋa unowedzera ʋupenzi.
30
Mŋoyo wakagadzikana ndibgo ʋupenyu bgomuʋiri; Asi goɗo rinoʋodza mafupa.
31
Unomanikidza murombo, unoɀidza Muiti wake; Asi unetsitsi nomushaiwi, unomukudza.
32
Wakaipa unowiswa pasi mukutadza kwake; Asi wakarurama unetariro pakufa kwake.
33
Ʋucenjeri ʋunogara pamŋoyo wounenjere; Asi ɀiri mukati mamapenzi ɀinozikanwa.
34
Kururama kunokurisa rudzi; Asi ɀiʋi ɀinonyadzisa kurudzi rupi norupi.
35
Mambo unofarira muranda, unoita nokucenjera; Asi unonyadzisa ucatsamŋirwa naye.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31