bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Proverbs 12
Proverbs 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 13 →
1
Unoɗa kurairirwa, unoɗa ziʋo; Asi unoʋeŋga kurairwa iɓenzi.
2
Munhu wakanaka ucawana nyasha kunaJehova; Asi ucapa mhoȿa munhu unamano akaipa.
3
Munhu haaŋgasimbiswi neɀakaipa; Asi mudzi wowakarurama hauŋgazunuŋguswi.
4
Mukadzi unoita ɀakanaka, ikorona yomurume wake; Asi unonyadzisa, wakaita seɀakaʋora pamafupa ake.
5
Mifuŋgo yowakarurama yakarurama; Asi mano aʋakaipa anonyeŋgedzera.
6
Mashoko aʋakaipa ndookuʋandira ropa; Asi muromo waʋakarurama ucaʋarwira.
7
Ʋanhu ʋakaipa ʋanotsindikirwa, haʋaci’po; Asi imba yaʋakarurama icaramba imire.
8
Munhu ucarumbidzwa ɀakaenzana noʋucenjeri bgake; Asi unomŋoyo wakatsauka, ucaɀidzwa.
9
Munhu unoninipiswa, anomuranda hake, Unopfuʋura unoɀikudza, asineɀokudya.
10
Wakarurama unehanya noʋupenyu bgecipfuwo cake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.
11
Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji; Asi unoteʋera ɀisinamaturo, unoshaiwa njere.
12
Wakaipa unopaŋga ɀaaŋgapamba kunaʋakashata; Asi mudzi waʋakaipa unoɓereka ɀiɓereko.
13
Pakuɗarika kwemiromo panomusuŋgo waʋakaipa; Asi wakarurama ucaɓuɗa panhamo.
14
Munhu ucagutiswa neɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake; Ʋuye munhu ucadzoserwa ɀaakaita namaʋoko ake.
15
Nzira yeɓenzi yakanaka pakuʋona kwake; Asi wakacenjera unoterera kana acirairwa.
16
Kutsamŋa kweɓenzi kunozikanwa pakarepo; Asi munhu wakacenjera unoʋanza kunyadziswa kwake.
17
Munhu unoreʋa ɀokwaɗi, unoparidza ɀakarurama; Asi capupu cenhema cinoparidza kunyeŋgedzera.
18
Mumŋe uri’ko unotaura nokusaraŋgarira ɀinoɓaya somunondo; Asi rurimi rwowakacenjera runoporesa.
19
Muromo weɀokwaɗi ucasimbiswa nokusiŋgaperi; Asi rurimi runenhema runoŋgogara ciŋguʋa ciɗuku.
20
Kunyeŋgedzera kuri mumŋoyo yaʋanofuŋga mano akaipa; Asi ʋanorairira ɀorugare ʋanomufaro.
21
Wakarurama haaŋgatoŋgowirwi necakaipa; Asi ʋakaipa ʋacazadzwa neɀakashata.
22
Miromo, inenhema, inonyaŋgadza Jehova; Asi ʋanoita nokutendeka ʋanomufadza.
23
Munhu wakacenjera unoʋanza ziʋo; Asi mŋoyo yamapenzi inoparidza ʋupenzi.
24
Ruʋoko rwaʋasinoʋusimbe rucaɓata ʋushe; Asi ʋanoʋusimbe ʋacaɓatiswa cibaro.
25
Kutambudzika pamŋoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza.
26
Wakarurama unoperekedza wokwake ɀakanaka; Asi nzira yowakaipa inoʋarashisa.
27
Simbe haiɓati mhuka yayamutsa, Asi kusaʋa noʋusimbe ifuma yomunhu.
28
Panzira yakarurama ndi’po panoʋupenyu; Kwainoenda hakunorufu.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31