bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 13
2 Chronicles 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
1
Pagore regumi namasere ramambo Jeroboami, Abija wakataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda.
2
Akaɓata ʋushe paJerusarema makore matatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibea. Kurwa kukaʋa’po pakati paAbija naJeroboami.
3
Abija akarwa anehondo yaʋarwi dzaiʋa mhare, ʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana manna; Jeroboami ʋo akagadzira hondo kuzorwa naye, anaʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana masere, ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare.
4
Abija akamira pamsoro pegomo rainzi Zemaraimi, raiʋa panyika yamakomo yaEfraimi, akati: Ndinzwei, Jeroboami naʋaIsraeri ʋose:
5
Ko hamufaniri kuziʋa here kuti Jehova Mŋari waIsraeri wakapa Davidi ʋushe bgaIsraeri nokusiŋgaperi, iye naʋanakomana ʋake nesuŋgano yomunyu?
6
Asi Jeroboami mŋanakomana waNebati, muranda waSoromoni mŋanakomana waDavidi, wakasimuka akamukira ishe wake.
7
Kukaʋuŋganira kwaari ʋanhu ʋakaipa, ʋakaiȿo‐ipa, ʋakaɀisimbisa kundorwa naRehoboami mŋanakomana waSoromoni, iye Rehoboami aciri muɗuku anomŋoyo unotya, asiŋgagoni kurwa naʋo.
8
Ɀino munoɗa kurwa noʋushe bgaJehova ʋuri mumaʋoko aʋanakomana ʋaDavidi; ɀamuri ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, munemhuru dzendarama dzakaitwa naJeroboami kuti ʋaʋe ʋamŋari ʋenyu.
9
Hamuna‐kudziŋga here ʋaprista ʋaJehova, ʋanakomana ʋaAroni, naʋaRevi, imi mukaɀitsaurira ʋaprista netsika dzaʋanhu ʋedzimŋe nyika? Naiɀoɀo aninani unoʋuya kuɀitsaurira Mŋari anenzombe imŋe namakondobge manomŋe, iye uŋgaʋa muprista waʋamŋari ʋasati ʋari ʋamŋari.
10
Asi kana tiri’su, Jehova ndiMŋari weɗu, hatina‐kumurasha; isu tinaʋaprista ʋanoshumira Jehova, iʋo ʋanakomana ʋaAroni, naʋaRevi pamaɓasa aʋo;
11
ndiʋo ʋanopisira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa neɀinonhuwira maŋgwanani ose namaɗekwana ose; neɀiŋgwa ɀokuratidza ʋanoɀigadzira patafura yakaiȿo‐naka; necigadziko cendarama nemŋenje yaco, kuvenekera maɗekwana ose; nokuti tinoceŋgeta ɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; asi imi makamurasha.
12
Ɀino tarirai, Mŋari unesu acitituŋgamirira, naʋaprista ʋake ʋanehwamanda dzokuridza nadzo, kuti ʋakuridzirei mhere imi. Nhandi ʋana ʋaIsraeri, regai kurwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; nokuti hamuŋgakundi.
13
Asi Jeroboami wakaisa ʋaʋandiri kuti ʋaʋakombe neceshure kwaʋo; ɀino iʋo ʋakaʋa pamberi paJuda, naʋaʋandiri ʋakaŋga ʋari shure kwaʋo.
14
Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciceuka, ʋakaʋona kurwa mberi kwaʋo neshure kwaʋo; ʋakacema kunaJehova, ʋaprista ʋakaridza hwamanda.
15
Ipapo ʋanhu ʋaJuda ʋakaridza mhere; ʋakati ʋaridza mhere, Mŋari akaparadza Jeroboami naʋaIsraeri ʋose pamberi paAbija naJuda.
16
Ʋana ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paJuda, Mŋari akaʋaisa mumaʋoko aʋo.
17
Abija naʋanhu ʋake ʋakaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru; naiɀoɀo ʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu ʋakaʋurawa pakati paIsraeri.
18
Ʋana ʋaIsraeri ʋakamanikidzwa saiɀoɀo neŋguʋa iyo, ʋana ʋaJuda ʋakakunda, nokuti ʋakaʋimba naJehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
19
Abija akateʋerera Jeroboami, akamutorera maguta, aiti: Beti‐eri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfroni nemisha yaro.
20
Jeroboami haana‐kuzoʋa nesimba ɀe pamazuʋa aAbija; Jehova ndokumuroʋa, akafa.
21
Asi Abija wakaɀisimbisa, akawana ʋakadzi ʋanegumi naʋanna, akaɓereka ʋanakomana ʋanamakumi maʋiri naʋaʋiri, naʋanasikana ʋanegumi naʋatanhatu.
22
Ɀino mamŋe maɓasa aAbija, netsika dzake, namashoko ake, ɀakanyorwa paɗudziro yomuprofita Ido.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36