bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 32
2 Chronicles 32
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 33 →
1
Shure kweɀinhu iɀi, nokutendeka uku, Sanheribi mambo weAsiria wakaȿika akapinda kwaJuda, akadzika matente kuzorwa namaguta akakombga namaȿiŋgo, acifuŋga kuɀikundira iwo.
2
Ɀino Hezekia wakati aciʋona kuti Sanheribi waȿika, ʋuye kuti wakaŋga aciʋaʋarira kurwa neJerusarema,
3
akaraŋgana namacinda ake naʋarume ʋake ʋanesimba, kuti ʋadziʋire mvura yamatsime akaŋga ari kunze kweguta; iʋo ʋakamuɓatsira.
4
Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakadziʋira matsime ose norukoʋa rwakaŋga ruciyerera napakati penyika iyo, ʋaciti: Madzimambo eAsiria acaȿikirei’ko, akawana mvura zhinji?
5
Iye akatsuŋga mŋoyo, akaʋaka ruȿiŋgo rwose rwaŋga rwakoromoka, akaruʋaka kuȿikira pashoŋgwe, norumŋe ruȿiŋgo rwokunze ʋo, akasimbisa Miro paguta raDavidi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhoʋo zhinji.
6
Akagadza ʋo ʋakuru ʋehondo pamsoro paʋanhu, akaʋaʋuŋganidza kwaari paɗare pasuʋo reguta, akataura noʋunyoro naʋo, aciti:
7
Iʋai nesimba, mutsuŋge mŋoyo, regai kutya kana kuvunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi paʋazhinji ʋose ʋaanaʋo; nokuti une’su mukuru kunowaanaye iye;
8
iye unoruʋoko rwenyama, asi une’su ndiJehova Mŋari weɗu, kuzotiɓatsira nokurwa naʋaʋeŋgi ʋeɗu. Ʋanhu ʋakaʋimba namashoko aHezekia mambo waJuda.
9
Shure kwaiɀoɀi Sanheribi mambo weAsiria wakatuma ʋaranda ʋake Jerusarema, (ɀino iye wakaŋga ari pamberi peRakishi, anehondo yake yose) kunaHezekia mambo waJuda, nokuʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari Jerusarema, akati:
10
Ɀanzi naSanheribi mambo weAsiria: Cinyiko camunoʋimba naco, ɀamunorambira paJerusarema makakombga?
11
Ko Hezekia haazino‐kukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, ɀaanoti: Jehova Mŋari weɗu ucatirwira paruʋoko rwamambo weAsiria?
12
Haazi iye Hezekia wakabvisa matunhu ake akakwirira neartari dzake, akaraira Juda neJerusarema, aciti: Munofanira kunamata pamberi peartari imŋe, ʋuye munofanira kupisa ɀinonhuwira ipapo here?
13
Hamuziʋi here ɀatakaitira ʋanhu ʋose ʋenyika ino, ini namadziɓaɓa aŋgu? Ko ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo ʋakatoŋgogona kurwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu here?
14
Ndianiko pakati paʋamŋari ʋose ʋendudzi idzo dzakaparadzwa cose namadziɓaɓa aŋgu, wakatoŋgogona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu here? Ɀino Mŋari wenyu ucagona kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here?
15
Ɀino naiɀoɀo Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai, kana kukukurudzirai nomutoʋo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakunamŋari worudzi rupi norupi, kana ʋushe, wakagona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu naparuʋoko rwamadziɓaɓa aŋgu; ɀikuru sei Mŋari wenyu haŋgakoniwi kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here?
16
Ʋaranda ʋake ʋakawedzera kushoʋora Jehova Mŋari nomuranda wake Hezekia.
17
Akanyora ʋo ŋwadi yokuɗaɗira nayo Jehova Mŋari waIsraeri, nokumushoʋora, aciti: Ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo seɀaʋasina‐kurwira ʋanhu ʋaʋo paruʋoko rwaŋgu, saiɀoɀo ʋo Mŋari waHezekia haaŋgarwiri ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu.
18
Ʋakaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda kuʋanhu ʋeJerusarema ʋakaŋga ʋari pamsoro poruȿiŋgo, kuʋatyisa, nokuʋavundusa, kuti ʋagokunda guta.
19
Ʋakataura pamsoro paMŋari weJerusarema, ʋacimuenzanisa naʋamŋari ʋaʋanhu ʋenyika, ʋakaitwa namaʋoko aʋanhu.
20
Ɀino mambo Hezekia nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, ʋakanyeŋgetera nokuɗa kwacinhu ici, ʋakacemera kuɗeŋga.
21
Ipapo Jehova akatuma mutumŋa wakaparadza ʋose ʋakaŋga ʋanesimba noʋumhare, naʋatuŋgamiriri, naʋakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye wakadzokera kunyika yake acinyara. Ɀino wakati acipinda mumba mamŋari wake, aʋo ʋakaŋga ʋaɓuɗa paciʋuno cake ʋakamuʋurayira’po nomunondo.
22
Saiɀoɀo Jehova wakarwira Hezekia naʋakaŋga ʋagere Jerusarema paruʋoko rwaSanheribi mambo weAsiria napamaʋoko aʋose, akaʋaceŋgeta pamatiʋi ose.
23
Ʋazhinji ʋakaʋuya neɀipo kunaJehova paJerusarema, neɀinhu ɀinokosha kunaHezekia mambo waJuda; naiɀoɀo kubva paŋguʋa iyo wakakudzwa pamberi pendudzi dzose.
24
Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, kuȿikira pakufa; akanyeŋgetera kunaJehova, iye akataura naye, akamupa ciratidzo.
25
Asi cinhu ico cakanaka caakaitirwa, Hezekia haana‐kuciripira ɀakanaka, nokuti mŋoyo wake wakaɀikudza, Jehova akamutsamŋira iye, naJuda neJerusarema.
26
Asi Hezekia wakazoɀininipisa pamsoro pokuɀikudza kwomŋoyo wake, iye naʋakaŋga ʋagere Jerusarema, saka kutsamŋa kwaJehova hakuna‐kuʋaʋiŋga pamazuʋa aHezekia.
27
Hezekia wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa, akaɀiitira ɀiʋigiro ɀefuma yesirveri, neyendarama, neyeɀibge ɀinokosha, neyeɀinonhuwira, neyenhoʋo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;
28
namatura eɀiyo ɀakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namataŋga eɀipfuwo ɀamarudzi ose, neɀirugu ɀamakwai.
29
Wakaɀiwanira ʋo maguta, nefuma yamakwai neŋombe zhinji; nokuti Mŋari wakaŋga amupa fuma zhinji kwaɀo.
30
Ndiye Hezekia ʋo wakadziʋira tsime rokumsoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta raDavidi. Hezekia akakunda pamaɓasa ake ose.
31
Asi pashoko renhume dzamacinda eBabironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamsoro pecishamiso cakaŋga caitwa panyika, Mŋari wakamusiya, kuti amuidze, kuti aziʋe ɀose ɀiri mumŋoyo make.
32
Ɀino mamŋe maɓasa aHezekia, neɀakanaka ɀaakaɓata, tarirai, ɀakanyorwa paneɀakaʋonekwa nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri.
33
Hezekia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumukwidzwa unoenda kumarinda aʋanakomana ʋaDavidi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakamukudza pakufa kwake. Mŋanakomana wake Manase akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36