bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 20
2 Chronicles 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 21 →
1
Shure kwaiɀoɀo ʋana ʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋamŋe ʋaʋaAmoni pamŋe cete naʋo, ʋakaȿika kuzorwa naJehoshafati.
2
Ipapo ʋamŋe ʋakaȿika, ʋakaʋudza Jehoshafati, ʋaciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoʋuya, ʋacibva Siria mhiri kweguŋgwa, kuzorwa nemi; tarirai, ʋari paHazazoni‐tamari (ndiro Enigedi).
3
Ipapo Jehoshafati akatya, akashiŋgaira kundobvunza Jehova; akatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya panyika yose yaʋaJuda.
4
ƲaJuda ʋakaʋuŋgana kuzotȿaka ɓetsero kunaJehova; ʋakabva kumaguta ose aJuda kuzotȿaka Jehova.
5
Jehoshafati akasimuka paʋuŋgano yaʋaJuda na ʋanhu ʋeJerusarema, mumba maJehova, pamberi poruʋazhe rutȿa;
6
akati: Haiwa, Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, imi hamuzi Mŋari uri kuɗeŋga here? Imi hamuzi muɓati woʋushe bgose bgendudzi here? Paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe, naiɀoɀo hapanomunhu uŋgakudziʋisai.
7
Imi Mŋari weɗu, hamuna‐kudziŋga here ʋaigara panyika ino pamberi paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, mukaipa ʋana ʋaAbrahama shamŋari yenyu nokusiŋgaperi?
8
Ʋakagara’mo, ʋakakuʋakirai’mo imba tȿene yezita renyu, ʋaciti:
9
Kana tikawirwa neɀakaipa, kana munondo wokutoŋga, kana ɗenda, kana nzara, ticamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigocema kwamuri tiri pakutambudzika kweɗu; ipapo mucatinzwa nokutirwira.
10
Ɀino tarirai ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi naʋapagomo reSeiri, ʋamusina‐kutendera ʋaIsraeri kupinda pakati paʋo ŋguʋa yaʋakabva panyika yeEgipita, asi ʋakaʋarega, ʋakasaʋaparadza;
11
tarirai ʋotitsiʋa, ʋaciʋuya kuzotidziŋga panyika yenyu, yamakatipa iʋe nhaka yeɗu.
12
Haiwa, Mŋari weɗu, hamuŋgaʋatoŋgi here? Nokuti hatinesimba rokurwa naʋazhinji aʋa ʋanoʋuya kuzorwa nesu; hatiziʋi catiŋgaita, asi meso eɗu akatarira kwamuri.
13
Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakamira pamberi paJehova, pamŋe cete nepxere dzaʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋana ʋaʋo.
14
Mŋeya waJehova ukaʋuya pamsoro paJahazieri, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waBenaya, mŋanakomana waJeieri, mŋanakomana waMatanya, muRevi, waʋanakomana ʋaAsafi, pakati peʋuŋgano;
15
iye akati: Tererai, imi ʋaJuda mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; ɀanzi naJehova kwamuri: Musatya, kana kuvunduka nokuɗa kwaʋanhu aʋa ʋazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMŋari.
16
Ƃurukai maŋgwana mundorwa naʋo; tarirai ʋanokwira napamukwidza weZizi; mucaʋawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri.
17
Imi hamuŋgafaniri henyu kurwa’po; ɀigadzirei’po, murambe mumire henyu, muʋone kurwirwa kwenyu naJehova, imi ʋaJuda naʋeJerusarema; musatya kana kuvunduswa; ɓuɗai maŋgwana mundorwa naʋo, nokuti Jehova unemi.
18
Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, ciso cakatarira pasi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakawira pasi pamberi paJehova, ʋakanamata Jehova.
19
NaʋaRevi ʋaʋana ʋaʋaKohati, naʋana ʋaʋaKora, ʋakasimuka ʋakarumbidza Jehova Mŋari waIsraeri nenzwi guru kwaɀo.
20
Ʋakamuka maŋgwanani, ndokuɓuɗira kurenje reTekoa; ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa, Jehoshafati akamira, akati: Cindinzwai imi ʋaJuda nemi mugere Jerusarema; tendai Jehova Mŋari wenyu, mugosimbiswa; tendai ʋaprofita ʋake, mugokunda.
21
Ɀino wakati araŋgana naʋanhu, akagadza ʋaifanira kuimbira Jehova, nokumurumbidza neŋguʋo tȿene, ʋakafamba pamberi pehondo, ʋaciti: Ʋoŋgai Jehova, nokuti nyasha dzake hadziperi.
22
Ɀino ʋakati ʋacitaŋga kuimba nokurumbidza, Jehova akaisa ʋaʋandiri kuzorwa naʋana ʋaAmoni, naʋaMoabi, naʋapagomo reSeiri, iʋo ʋakaŋga ʋaʋuya kuzorwa naʋaJuda; ʋakakundwa.
23
Nokuti ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi ʋakamukira ʋakaŋga ʋagere pagomo reSeiri kuti ʋaʋaʋuraye nokuʋaparadza cose; ɀino ʋakati ʋapedza aʋo ʋakaŋga ʋagere paSeiri, mumŋe nomumŋe ndokuɓatsira pakuʋurayana.
24
Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciȿika kuruȿiŋgo rwenharirire rwokurenje, ʋakatarira ʋanhu ʋazhinji, ndokuʋona ɀaʋaɀitunha ɀawira pasi, kwakaŋga kusina‐wakapukunyuka.
25
Ɀino Jehoshafati naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika kuzotora ɀaʋaŋgapamba, ʋakawana pakati paʋo fuma zhinji, neɀisimiro, neɀinhu ɀinokosha, ʋakaɀitorera iɀo, asi ʋakakoniwa kuɀitakura ɀose nokuwanda kwaɀo; ʋakaita mazuʋa matatu ʋacitora mhambara, nokuɗa kwokuwanda kwaɀo.
26
Ɀino pazuʋa recinna ʋakaʋuŋgana pamupata weBeraka; nokuti ʋakandokudza Jehova ipapo; naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBeraka kuȿikira zuʋa ranhasi.
27
Ipapo ʋanhu ʋose ʋaJuda naʋeJerusarema ʋakadzoka, Jehoshafati akaʋatuŋgamirira, ʋakadzokera Jerusarema nomufaro; nokuti Jehova wakaŋga aʋafadza pamsoro paʋaʋeŋgi ʋaʋo.
28
Ʋakaȿika Jerusarema nemiteŋgeranwa, nembira, nehwamanda, kuȿikira paimba yaJehova.
29
Ipapo ʋushe bgose bgenyika iyo bgakatya Mŋari kwaɀo, pakunzwa kwaʋo kuti Jehova wakarwa naʋaʋeŋgi ʋaIsraeri.
30
Ɀino ʋushe bgaJehoshafati bgakaʋa norugare; nokuti Mŋari wake wakamuzorodza pamatiʋi ose.
31
Jehoshafati akaɓata ʋushe bgaJuda; wakaŋga aȿika makore makumi matatu namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namashanu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Azuba, mukunda waShirhi.
32
Akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake Asa; haana‐kutsauka pairi, akaramba aciita ɀakarurama pamberi paJehova.
33
Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa, naʋanhu ʋakaŋga ʋacigere kuteʋera Mŋari wamadziɓaɓa aʋo nomŋoyo wose.
34
Ɀino mamŋe maɓasa aJehoshafati, okutaŋga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mŋanakomana waHanani, akaiswa mubuku yamadzimambo aIsraeri.
35
Shure kwaiɀoɀi Jehoshafati mambo waJuda wakasuŋgana naAhazia mambo waIsraeri; iye waifamba nenzira yakaipa kwaɀo;
36
akasuŋgana naye pakuʋaka ɀikepe ɀaienda Tarshishi; ʋakaʋaka ɀikepe paEzioni‐geberi.
37
Ipapo Eriezeri mŋanakomana waDodavahu weMaresha akaprofita pamsoro paJehoshafati, akati: Ɀawasuŋgana naAhazia, Jehova waparadza maɓasa ako. Ɀikepe ɀikaputsika, ɀikakoniwa kuenda Tarshishi.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→