bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 7
2 Chronicles 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 8 →
1
Ɀino Soromoni wakati apedza kunyeŋgetera, mŋoto ndokuɓuruka kuɗeŋga, ukapedza cipiriso cinopiswa neɀimŋe ɀiɓayiro; kubginya kwaJehova kukazadza imba.
2
Ʋaprista ʋakakoniwa kupinda muimba yaJehova, nokuti kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza imba yaJehova.
3
Ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakatarira mŋoto uciɓuruka kuɗeŋga nokubginya kwaJehova kucigara pamsoro peimba; ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo pakaroŋgwa namabge, ʋakanamata nokuʋoŋga Jehova, ʋaciti: Nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
4
Ipapo mambo naʋanhu ʋose ʋakaɓayira ɀiɓayiro pamberi paJehova.
5
Mambo Soromoni akaɓayira ciɓayiro cenzombe dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri, namakwai aneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri. Saiɀoɀo mambo naʋanhu ʋose ʋakatsaurira Mŋari imba iyo.
6
Ʋaprista ʋakamira’po, seɀaʋakagoʋerwa maɓasa aʋo; naʋaRevi ʋo ʋaneɀokuridzira Jehova, ɀakaitwa namambo Davidi, ɀokuʋoŋga Jehova naɀo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi, paŋguʋa iya Davidi yaakakudza Jehova naɀo; ʋaprista ʋakaridza hwamanda pamberi paʋo, ʋaIsraeri ʋose ʋakamira.
7
Soromoni akatsaura ʋo nɀimbo yapakati yoruʋazhe rwakaŋga ruri pamberi peimba yaJehova; nokuti ndi’po paakaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa; nokuti artari yendarira yakaitwa naSoromoni yakaŋga isiŋgagoni kuriŋgana cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta.
8
Naiɀoɀo Soromoni akatamba mutambo paŋguʋa iyo mazuʋa manomŋe, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye, ikaita ʋuŋgano huru‐huru, kubva paʋanopinda paHamati, kuȿikira parukoʋa rweEgipita.
9
Ɀino pazuʋa rorusere ʋakatamba mutambo wokupedzisira; nokuti ʋakatsaura artari mazuʋa manomŋe, ʋakaita mutambo mazuʋa manomŋe.
10
Ɀino pazuʋa ramakumi maʋiri namatatu romŋedzi wecinomŋe akaendisa ʋanhu kumatente aʋo nemŋoyo yakaŋga icifara, icifarira ɀakanaka ɀose ɀakaitira Jehova Davidi, naSoromoni, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri.
11
Saiɀoɀo Soromoni akapedza imba yaJehova, neimba yamambo; ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo waSoromoni kuita muimba yaJehova, nomumba make, wakaɀiita kwaɀo.
12
Ipapo Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni ʋusiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaɀitsaurira nɀimbo iyi, iʋe imba yokuɓayira ɀiɓayiro.
13
Kana ndiciŋge ndadziʋira kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya, kana ɀimŋe ndiciŋge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana ɀimŋe ndiciŋge ndatuma ɗenda pakati paʋanhu ʋaŋgu;
14
kana ʋanhu ʋaŋgu, ʋakatumidzwa nezita raŋgu, ʋakaɀininipisa, ʋakanyeŋgetera nokutȿaka ciso caŋgu, nokurega nzira dzaʋo dzakaipa; ipapo ndicanzwa kuɗeŋga ndicaʋakaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, nokupodza nyika yaʋo.
15
Ɀino meso aŋgu acaȿinura, nzeʋe dzaŋgu dzicaterera ndinzwe munyeŋgetero unoitwa panɀimbo iyi.
16
Nokuti ɀino ndatsaura imba ino nokuiita tȿene, zita raŋgu riʋe’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po nokusiŋgaperi.
17
Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga,
18
ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucaɓata ʋushe bgaIsraeri.
19
Asi kana mukatsauka, mukasiya ɀandatema neɀandaraira ɀandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukaʋanamata;
20
ipapo ndicaʋadzura nemidzi panyika yaŋgu yandakaʋapa, neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona, ndiiite shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose.
21
Neimba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba iyi?
22
Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋanamata, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36