bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 9
2 Chronicles 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 10 →
1
Ɀino mambokadzi weSheba wakati anzwa mbiri yaSoromoni, akaȿika Jerusarema kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, anaʋanhu ʋazhinji, namakamera aitakura ɀinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, neɀibge ɀinokosha; ɀino wakati aȿika kunaSoromoni, akataurirana naye pamsoro peɀose ɀiri mumŋoyo make.
2
Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakunecinhu cakaŋga cakaʋanzirwa Soromoni, caakaŋga asiŋgagoni kumuʋudza.
3
Ɀino mambokadzi weSheba wakati aʋona kuŋgwara kwaSoromoni, neimba yaakaʋaka,
4
neɀokudya ɀakaŋga ɀiri patafura yake, nokugara kwaʋaranda ʋake, nokushumira kwaʋaɓatiri ʋake, neŋguʋo dzaʋo, naʋaɗiri ʋake neŋguʋo dzaʋo, necikwiriso cake caaikwira naco kuimba yaJehova, akapera mŋeya.
5
Akati kunamambo: Guhu randakanzwa munyika yaŋgu ramashoko enyu nokuŋgwara kwenyu rakaŋga riri raɀokwaɗi.
6
Asi handina‐kutenda mashoko aʋo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yoʋukuru bgokuŋgwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa.
7
Ʋarume ʋenyu ʋanomufarwa, naʋaranda ʋenyu aʋa ʋanomufarwa, ʋanomira pamberi penyu ŋguʋa dzose ʋacinzwa kuŋgwara kwenyu.
8
Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro cake coʋushe, muʋe mambo waJehova Mŋari wenyu; nokuti Mŋari wenyu wakaɗa Israeri, kuti aʋasimbise nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo waʋo, kuti mutoŋge nokururamisa.
9
Akapa mambo matarenta anezana namakumi maʋiri endarama, neɀinonhuwira ɀizhinji kwaɀo, neɀibge ɀinokosha; hakuna‐kumboʋa’po ɀinonhuwira ɀakawanda ɀikaɗai, ɀakafanana neɀakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weSheba.
10
Naʋaranda ʋo ʋaHurami, naʋaranda ʋaSoromoni, iʋo ʋaiʋuya nendarama ʋacibva Ofiri, ʋakaʋuya ʋo nemiti yemiargumi neɀibge ɀinokosha.
11
Mambo akaita namatanda emiargumi ɀikwiriso ɀeimba yaJehova, neɀeimba yamambo, nembira nemiteŋgeraŋwa ɀaʋaimbi; ɀakaɗai haɀina‐kumboʋonekwa panyika yaJuda.
12
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weSheba ɀose ɀaaiɗa neɀaakakumbira; ɀimŋe ɀaakaʋuya naɀo kunamambo ɀisiŋgaʋereŋgwi. Naiɀoɀo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye naʋaranda ʋake.
13
Ɀino ndarama yakaʋuyiswa kunaSoromoni gore rimŋe nerimŋe yakaȿika matarenta anamazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
14
ʋasiŋgaʋereŋgi iyo yakaʋuya naʋashambadziri naʋateŋgesi; namadzimambo ose eArabia naʋaɓati ʋenyika ʋakaʋuya nendarama nesirveri kunaSoromoni.
15
Mambo Soromoni akaita nhoʋo huru dzinamazana maʋiri nendarama yakapambadzirwa; nhoʋo imŋe neimŋe yakaŋga yakaitwa namashekeri anamazana matatu endarama;
16
akaita ʋo nhoʋo ɗuku dzinamazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakaȿika mashekeri anamazana matatu yakaiswa panhoʋo imŋe neimŋe; mambo akaɀiisa muimba yeɗondo reRebanoni.
17
Mambo akaita ʋo cigaro cikuru coʋushe cenyaŋga dzenzou, akacifukidza nendarama yakaiȿo‐naka.
18
Cigaro ico coʋushe cakaŋga cineɀikwiriso ɀitanhatu, necitsiko cendarama, ɀakaŋga ɀakaɓatanidzwa necigaro coʋushe, neɀitsigiro kunhiʋi mbiri dzecigaro, neshumba mbiri dzakaŋga dzimire kunhiʋi dzeɀitsigiro.
19
Kwakaŋga kuneshumba gumi nembiri dzimire paɀikwiriso ɀitanhatu, mbiri‐mbiri kunhiʋi dzecimŋe necimŋe; hakuna‐kumboitwa cakaɗai kunoʋumŋe ʋushe.
20
Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiʋa yendarama, nemidziyo yose yeimba yeɗondo reRebanoni yaiʋa yendarama yakaiȿo‐naka; sirveri yakaŋga icinzi hainomurimo pamazuʋa aSoromoni.
21
Nokuti mambo wakaŋga aneɀikepe ɀaienda Tarshishi naʋaranda ʋaHurami; ɀikepe ɀeTarshishi ɀaiʋuya kamŋe cete pamakore matatu ɀinendarama, nesirveri, nenyaŋga dzenzou, netsoko namatendera.
22
Naiɀoɀo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokucenjera.
23
Madzimambo ose enyika aiʋuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kuŋgwara kwake, kwakaŋga kwaiswa naMŋari mumŋoyo make.
24
Mumŋe nomumŋe waiʋuya necipo cake cemidziyo yesirveri, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, neɀinonhuwira, namabiza, namahesera, gore rimŋe nerimŋe.
25
Soromoni wakaŋga aneɀidyiro ɀamabiza neŋgoro, ɀineɀuru ɀinna, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ɀaakaisa pamaguta eŋgoro, nokunamambo paJerusarema.
26
Akaɓata ʋushe bgamadzimambo ose, kubva paRwizi kuȿikira panyika yaʋaFiristia, nokumuganho weEgipita.
27
Mambo akaʋuŋganidza sirveri paJerusarema ikawanda ikaita samabge, nemisidari ikaita semiʋonde yaiʋa pamapani.
28
Ʋakandotorera Soromoni mabiza paEgipita, nokunyika dzose.
29
Ɀino mamŋe maɓasa aSoromoni, okutaŋga nookupedzisira, haana‐kunyorwa here pabuku yomuprofita Natani, napamashoko akaprofitiwa naAhiya muShironi, napaneɀakaʋonekwa nomuʋoni Ido pamsoro paJeroboami mŋanakomana waNebati?
30
Soromoni akaɓata ʋushe bgaʋaIsraeri ʋose paJerusarema makore anamakumi manna.
31
Ipapo Soromoni akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi ɓaɓa ʋake, Rehoboami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36