bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 23
2 Chronicles 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
1
Ɀino negore recinomŋe Jehoyada wakaɀisimbisa, akaita suŋgano naʋakuru ʋamazana, ʋaiti: Azaria mŋanakomana waJerohami, naIshmaeri mŋanakomana waJehohanani, naAzaria mŋanakomana waObedi, naMaaseya mŋanakomana waAdaya, naErishafati mŋanakomana waZikri.
2
Ʋakapota nenyika yaJuda, ʋakakokera ʋaRevi ʋapamaguta ose aJuda, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aIsraeri, ʋakaȿika Jerusarema.
3
Ʋuŋgano yose ikaita suŋgano namambo mumba maMŋari. Iye akati kwaʋari: Tarirai, mŋanakomana wamambo ucaɓata ʋushe, seɀakarebga naJehova pamsoro paʋanakomana ʋaDavidi.
4
Munofanira kuita kuɗai: Imi ʋanopinda nesaɓata, cetatu cenyu caʋaprista naʋaRevi, munofanira kuʋa ʋarindi ʋemikoʋa;
5
cimŋe cetatu cinofanira kuʋa paimba yamambo, necimŋe cetatu pasuʋo renheyo; naʋanhu ʋose ʋanofanira kuʋa paʋazhe dzeimba yaJehova.
6
Asi ŋgakurege kuʋa nomunhu mumŋe unopinda mumba maJehova, asi ʋaprista naʋaRevi ʋanoɓata’mo; iʋo ŋgaʋapinde nokuti ʋatȿene; asi ʋanhu ʋose ʋanofanira kurinda imba yaJehova.
7
ƲaRevi ʋanofanira kukomba mambo, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake; aninani unopinda paimba, unofanira kuʋurawa; mugare namambo kana acipinda ʋuye kana aciɓuɗa.
8
Naiɀoɀo ʋaRevi naʋaJuda ʋose ʋakaita ɀose ɀaʋakarairwa nomuprista Jehoyada; mumŋe nomumŋe akatora ʋanhu ʋake, iʋo ʋaifanira kupinda nesaɓata naiʋo ʋaifanira kuɓuɗa nesaɓata; nokuti muprista Jehoyada haana‐kutendera mapoka kuenda.
9
Muprista Jehoyada akapa ʋakuru ʋamazana mapfumo, nenhoʋo, nenhoʋo ɗuku, ɀaiʋa ɀamambo Davidi, ɀakaŋga ɀiri mumba maMŋari.
10
Akaroŋgedza ʋanhu ʋose, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake, kubva kurutiʋi rworudyi rweimba kuȿikira kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba, napaartari neimba, ʋakakomba mambo.
11
Ipapo ʋakaɓuɗisa mŋanakomana wamambo, ʋakamudzika korona, ʋakamupa cipupuriro, ʋakamuita mambo; Jehoyada naʋanakomana ʋake ʋakamuzodza; ʋakati: Mambo ŋgaararame!
12
Ɀino Ataria wakati acinzwa mhere‐mhere yaʋanhu ʋakaŋga ʋacimhanya nokurumbidza mambo, akapinda kuʋanhu mumba maJehova;
13
akatarira, akaʋona mambo amire pambiru yake paʋaipinda napo, naʋakuru naʋanehwamanda ʋamire kunamambo; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, ʋakaridza hwamanda; ʋaimbi ʋo ʋakaridza ɀokuridza naɀo, ʋakaraira ʋairumbidza nokuimba kwaʋo. Ipapo Ataria akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ndamukirwa, ndamukirwa!
14
Muprista Jehoyada akaɓuɗisa ʋakuru ʋamazana ʋairaira hondo, akati kwaʋari: Muɓuɗisei pakati pemisara yaʋanhu; aninani unomuteʋera iye, ŋgaaʋurawe nomunondo; nokuti muprista wakati: Regai kumuʋuraya mumba maJehova.
15
Naiɀoɀo ʋakamudziʋurira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabiza nayo kumba kwamambo, ʋakamuʋurayira’po.
16
Ipapo Jehoyada akaita suŋgano, iye naʋanhu ʋose namambo, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaJehova.
17
Ʋanhu ʋose ʋakaenda kumba kwaBaari, ʋakaiputsa; ʋakaputsanya artari dzake nemifananidzo yake, ʋakaʋuraya Matani muprista waBaari pamberi peartari.
18
Jehoyada akaraira maɓasa eimba yaJehova kuti atarirwe naʋaprista ʋaRevi, ʋakaŋga ʋaroŋgedzwa naDavidi mumba maJehova, kuti ʋapisire Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, seɀakanyorwa pamurairo waMosesi, nomufaro nokuimba, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi.
19
Akagadza ʋo ʋatariri pamasuʋo eimba yaJehova, kuti parege kupinda munhu wakaȿiɓiswa necinhu cipi necipi.
20
Akaenda naʋakuru ʋamazana, naʋaikudzwa, naʋaɓati ʋaʋanhu, naʋanhu ʋose ʋenyika, ʋakaɓurusa mambo paimba yaJehova, ʋakapinda mumba mamambo napasuʋo rokumsoro, ʋakagadza mambo pacigaro coʋushe.
21
Naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, guta rikanyarara; asi Ataria ʋakaŋga ʋamuʋuraya nomunondo.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36