bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 29
2 Chronicles 29
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 30 →
1
Hezekia wakataŋga kuɓata ʋushe aȿika makore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Abija mukunda waZekaria.
2
Akaita ɀakarurama pamberi paJehova seɀose ɀakaita ɓaɓa ʋake Davidi.
3
Pagore rokutaŋga rokuɓata kwake ʋushe, nomŋedzi wokutaŋga, akazarura mikoʋa yeimba yaJehova, akaigadzira.
4
Akapinza ʋaprista naʋaRevi, akaʋaʋuŋganidza paɗare pamabvazuʋa,
5
akati kwaʋari: Cindinzwai, imi ʋaRevi; ciɀinatsai ɀino, munatse ʋo imba yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; mutakurire kunze tȿina yose iri munɀimbo tȿene.
6
Nokuti madziɓaɓa eɗu akaɗarika, ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari weɗu, ʋakamusiya, ʋakarega kutarira kuʋugaro bgaJehova, ndokumufuratira.
7
Ʋakapfiga ʋo mikoʋa yeɓiraʋira, nokudzima mŋenje; haʋana‐kupisira ɀinonhuwira, kana kuɓayira Mŋari waIsraeri ɀipiriso ɀinopiswa panɀimbo tȿene.
8
Saka Jehova wakatsamŋira ʋaJuda neJerusarema, akaʋaita cityiso necishamiso, cinoridzirwa muridzo, seɀamunoʋona nameso enyu.
9
Nokuti tarirai, madziɓaɓa eɗu akaparadzwa nomunondo; ʋanakomana ʋeɗu naʋanasikana ʋeɗu naʋakadzi ʋeɗu ʋakatapxa nokuɗa kwaiɀoɀi.
10
Ɀino mŋoyo waŋgu unoɗa kuita suŋgano naJehova Mŋari waIsraeri, kuti kutsamŋa kwake kukuru kubviswe kwatiri.
11
Ʋanakomana ʋaŋgu, regai kuʋa ʋanhu ʋasinehanya ɀino, nokuti Jehova wakakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumuɓatirei, nokuʋa ʋaɓatiri ʋake, nokumupisira ɀinonhuwira.
12
Ipapo ʋaRevi ʋakasimuka, Mahati mŋanakomana waAmasai, naJoeri mŋanakomana waAzaria pakati paʋanakomana ʋaʋaKohati; napakati paʋanakomana ʋaMerari, Kishi mŋanakomana waAbdi, naAzaria mŋanakomana waJeharereri; napakati paʋaGershoni, Joa mŋanakomana waZimma, naEdeni mŋanakomana waJoa;
13
napakati paʋanakomana ʋaErizafani, Shimri naJeueri; napakati paʋanakomana ʋaAsafi, Zekaria naMatania;
14
napakati paʋanakomana ʋaHemani, Jehueri naShimei; napakati paʋanakomana ʋaJedutuni, Shemaya naUzieri.
15
Iʋo ʋakaʋuŋganidza hama dzaʋo, ʋakaɀinatsa, ʋakapinda seɀaʋakarairwa namambo namashoko aJehova, kuti ʋanatse imba yaJehova.
16
Ʋaprista ʋakapinda mukati meimba yaJehova, kuti ʋainatse, ʋakaɓuɗisa marara ose aʋakawana mutembere yaJehova kuruʋazhe rweimba yaJehova. ƲaRevi ʋakaatora, ndokuatakurira kunze kurukoʋa Kidroni.
17
Ʋakataŋga kunatsa nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga, ʋakaȿika paɓiraʋira raJehova nezuʋa rorusere romŋedzi; ʋakanatsa imba yaJehova namazuʋa masere; ʋakapedzisa nezuʋa regumi namatanhatu romŋedzi wokutaŋga.
18
Ipapo ʋakapinda kunamambo Hezekia mukati meimba yamambo, ʋakati: Tanatsa imba yose yaJehova, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, nenhumbi dzayo dzose, netafura yeɀiŋgwa ɀokuratidza, nenhumbi dzayo dzose.
19
Ʋuye nhumbi dzose dzakarashwa namambo Ahazi pakuɗarika kwake ŋguʋa yaakaɓata ʋushe, tadzigadzira nokudzinatsa; tarirai, dziri pamberi peartari yaJehova.
20
Ɀino mambo Hezekia akamuka maŋgwanani, akaʋuŋganidza macinda eguta, akaenda kumba kwaJehova.
21
Ʋakaʋuya nenzombe nomŋe, namakondobge manomŋe, namakwaiana manomŋe, nenhoŋgo dzembudzi nomŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi coʋushe neimba tȿene naʋaJuda. Akaraira ʋaprista iʋo ʋanakomana ʋaAroni, kuti ʋaɀiɓayire paartari yaJehova.
22
Ipapo ʋakaʋuraya nzombe, ʋaprista ʋakaciŋga ropa, ndokurisasa paartari; ʋakaʋuraya makondobge, ʋakasasa ropa paartari; ʋakaʋuraya ʋo makwaiana, ʋakasasa ropa paartari.
23
Ʋakasweɗedza ʋo nhoŋgo dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi pamberi pamambo neʋuŋgano, ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro padzo;
24
ʋaprista ʋakadziʋuraya, ʋakaita cipiriso ceɀiʋi neropa radzo paartari, kuti ʋayananisire ʋaIsraeri ʋose; nokuti mambo wakaraira kuti ʋaIsraeri ʋose ʋapisirwe cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀiʋi.
25
Akaisa ʋaRevi mumba maJehova, ʋanamakandira, nemiteŋgeranwa, nembira, seɀaʋakarairwa naDavidi, ʋuye nomuʋoni wamambo Gad, ʋuye nomuprofita Natania; nokuti wakaŋga ari Jehova wakaraira naʋaprofita ʋake.
26
ƲaRevi ʋakamira neɀokuridza ɀaDavidi, naʋaprista ʋanehwamanda.
27
Hezekia akaraira kuti ʋaɓayire cipiriso cinopiswa paartari. Ɀino cipiriso cinopiswa cakati cicitaŋga kupiswa, rwiyo rwaJehova ndokutaŋga ʋo, ʋuye hwamanda pamŋe cete neɀokuridza ɀaDavidi mambo waIsraeri.
28
Ʋuŋgano yose ndokunamata, ʋaimbi ʋakaimba, naʋaridzi ʋehwamanda ʋakaridza; iɀoɀi ɀose ɀikaramba ɀiciitwa kuȿikira cipiriso cinopiswa capera.
29
Ɀino ʋakati ʋapedza kupisira, mambo naʋose ʋakaŋga ʋari’po naye ʋakakotamira pasi, ʋakanamata.
30
Mambo Hezekia namacinda ʋakaraira ʋo ʋaRevi kuimbira Jehova ʋacimukudza namashoko aDavidi nomuʋoni Asafi. Ʋakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, ʋakakotamisa misoro yaʋo ʋakanamata.
31
Ipapo Hezekia akapindura, akati: Ɀino ɀamaɀitsaurira Jehova, sweɗerai muʋuye neɀiɓayiro neɀipiriso ɀokuʋoŋga naɀo mumba maJehova. Ʋuŋgano ndokuʋuya neɀiɓayiro neɀipiriso ɀokuʋoŋga; ʋose, ʋakaŋga ʋanomŋoyo unoɗa, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa.
32
Ɀipiriso ɀinopiswa, ɀakaʋuyiswa neʋuŋgano, ɀakaȿika nzombe dzinamakumi manomŋe, namakondobge anezana, namakwaiana anamazana maʋiri pakuwanda kwaɀo; iɀi ɀose cakaŋga ciri cipiriso cokupisira Jehova.
33
Ɀinhu ɀakatsaurirwa Jehova ɀakaȿika nzombe dzinamazana matanhatu, namakwai aneɀuru ɀitatu.
34
Asi ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgariŋgani, ʋakakoniwa kuviya ɀipiriso ɀose ɀinopiswa; saka ʋaRevi hama dzaʋo, ʋakaʋaɓatsira, kuȿikira ɓasa rapera, ʋuye kuȿikira ʋaprista ʋaɀinatsa; nokuti mŋoyo yaʋaRevi yakaŋga yakarurama pakuɀinatsa kupfuʋura ʋaprista.
35
Ɀipiriso ɀinopiswa ɀakaŋga ɀakawanda ʋo kwaɀo, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa, neɀipiriso ɀaiɗururwa ɀecipiriso cimŋe necimŋe caipiswa. Naiɀoɀo ɓasa reimba yaJehova rakagadzirwa.
36
Ipapo Hezekia akafara, naʋanhu ʋose, nokuɗa kweɀose ɀakaŋga ɀagadzirirwa ʋanhu naMŋari; nokuti cinhu ici cakaitwa nokucimbidzika.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36