bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 36
2 Chronicles 36
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
1
Ipapo ʋanhu ʋenyika iyo ʋakatora Jehoahazi mŋanakomana waJosia, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake paJerusarema.
2
Joahazi wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namatatu, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu.
3
Mambo weEgipita akamubvisa paʋushe paJerusarema, akaripisa nyika matarenta esirveri anezana, netarenta rimŋe rendarama.
4
Mambo weEgipita akagadza Eriyakimi munuŋuna wake aʋe mambo waJuda neJerusarema, akashandura zita rake, rikazoʋa Jehoyakimi. Neko akatora munuŋuna wake Joahazi, akaenda naye Egipita.
5
Jehoyakimi wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe; akaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wake.
6
Ɀino Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika kuzorwa naye, akamusuŋga namaketani, kundomuisa Babironi.
7
Nebukadnezari akaenda ʋo nedzimŋe nhumbi dzeimba yaJehova akadziisa Babironi, akadziisa mutembere yake paBabironi.
8
Ɀino mamŋe maɓasa aJehoyakimi, neɀinonyaŋgadza ɀake ɀaakaita, neɀakawanikwa maari, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aIsraeri naJuda; Jehoyakini mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
9
Jehoyakini wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore masere, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu namazuʋa anegumi; akaita ɀakaipa pamberi paJehova.
10
Ɀino gore rakati rapera mambo Nebukadnezari akatuma nhume ʋakamuisa Babironi, pamŋe cete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehova, akaita munuŋuna wake Zedekia mambo waJuda neJerusarema.
11
Zedekia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri nerimŋe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe.
12
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wake; haana‐kuɀininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, waitaura mashoko aibva pamuromo waJehova.
13
Wakamukira ʋo mambo Nebukadnezari, wakaŋga amupikisa naMŋari; asi wakawomesa mutsipa wake, nokuwomesa mŋoyo wake, akarega kutendeʋukira kunaJehova Mŋari waIsraeri.
14
Ʋuye ʋakuru ʋose ʋaprista naʋanhu ʋakaɗarika ɀikuru kwaɀo, ʋakateʋera ɀinonyaŋgadza ɀose ɀaʋahedeni, ʋakaȿiɓisa imba yaJehova yaakaŋga atsaura paJerusarema.
15
Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo akatuma mashoko kwaʋari nenhume dzake, acifumira maŋgwanani acituma; nokuti wakaŋga anetsitsi naʋanhu ʋake ʋuye nenɀimbo yake;
16
asi ʋakaseka nhume dzaMŋari, ʋakaɀidza mashoko ake, ʋakaɗaɗira ʋaprofita ʋake, kuȿikira Jehova atsamŋira ʋanhu ʋake, kuȿikira ʋasicagoni kurapxa.
17
Saka wakaʋuyisa mambo waʋaKardea kwaʋari, akaʋuraya majaya aʋo nomunondo paimba yaʋo tȿene; haana‐kunzwira tsitsi kunyaŋge jaya, kana musikana, kana mutana, kana wakacena vudzi; wakaʋaisa ʋose muruʋoko rwake.
18
Nhumbi dzose ʋo dzeimba yaMŋari, huru neɗuku, nefuma yeimba yaJehova, nefuma yamambo neyamacinda ake, wakaɀiisa ɀose Babironi.
19
Ʋakapisa imba yaMŋari, ʋakaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, ʋakapisa dzimba dzose dzoʋushe dzaro nomŋoto, ʋakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro.
20
Aʋo ʋakaŋga ʋapukunyuka pamunondo, wakaenda naʋo Babironi; ʋakandoʋa ʋaranda ʋake naʋaʋanakomana ʋake kuȿikira ʋushe ʋuciɓatwa naʋaPersia;
21
kuti shoko raJehova, rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia, riitike; kuȿikira nyika yafarira masaɓata ayo, nokuti paŋguʋa yose yokuparadzwa kwayo yakaceŋgeta masaɓata, ikaȿitsa makore anamakumi manomŋe.
22
Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, aciti:
23
Ɀanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehova Mŋari wokuɗeŋga wakandipa ʋushe bgose bgenyika, akandiraira kuti ndimuʋakire imba paJerusarema riri paJuda. Aninani uri’po pakati penyu waʋanhu ʋake, Jehova Mŋari wake ŋgaaʋe naye, ŋgaakwire hake’ko.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→