bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 25
2 Chronicles 25
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
1
Amazia wakaŋga anamakore makumi maʋiri namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jehoadani weJerusarema.
2
Iye akaita ɀakarurama pamberi paJehova, asi haana‐kuita nomŋoyo wose.
3
Ɀino wakati asimba paʋushe bgake, akaʋuraya ʋaranda ʋake ʋakaʋuraya mambo ɓaɓa ʋake.
4
Asi haana‐kuʋuraya ʋana ʋaʋo, asi wakaita seɀakanyorwa pamurairo pabuku yaMosesi, seɀakarairwa naJehova, aciti: Madziɓaɓa haafaniri kufira ʋana ʋaʋo, naʋana haʋafaniri kufira madziɓaɓa aʋo; asi munhu mumŋe nomumŋe unofanira kufira ɀiʋi ɀake.
5
Amazia akaʋuŋganidza ʋo ʋaJuda, akagadza pamsoro paʋo ʋatariri ʋeɀuru naʋatariri ʋamazana nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, iʋo ʋaJuda ʋose naʋaBenjamini; akaʋaʋereŋga, ʋose ʋamakore anamakumi maʋiri naʋakapfuʋura, akaʋawana ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana matatu ʋakatsaurwa, ʋaigona kurwa, ʋaigona kurwa nepfumo nenhoʋo.
6
Akaripira ʋo ʋarume ʋanesimba noʋumhare ʋaneɀuru ɀinezana ʋaʋaIsraeri, akaʋapa matarenta anezana esirveri.
7
Asi mumŋe munhu waMŋari wakaʋuya kwaari, akati: Haiwa, mambo, hondo yaʋaIsraeri ŋgairege kuenda nemi, nokuti Jehova haa’po panaIsraeri, paʋana ʋaEfraimi ʋose.
8
Asi endai imi moga, shiŋgai murwe nesimba; Mŋari uŋgakukundisai naʋaʋeŋgi here? Nokuti Mŋari unesimba rokuɓatsira nerokukundisa.
9
Ipapo Amazia akati kumunhu waMŋari: Ɀino ticaita seiko pamsoro pamatarenta anezana andakapa pfumo raʋaIsraeri? Munhu waMŋari akapindura, akati: Jehova unogona kukupai ɀinopfuʋura iɀoɀo kwaɀo.
10
Ipapo Amazia akaʋaraʋura, iro pfumo rakaŋga raʋuya kwaari ricibva kwaEfraimi, kuti ʋadzokere ɀe kumusha; nemhaka iyo ʋakatsamŋira Juda kwaɀo, ʋakadzokera kumusha ʋatsamŋa kwaɀo.
11
Ɀino Amazia akatsuŋga mŋoyo, akatuŋgamirira ʋanhu ʋake, akaenda kuMupata woMunyu, akaʋuraya ʋana ʋaSeiri ʋaneɀuru ɀinegumi.
12
Ʋana ʋaJuda ʋakatapa ʋaneɀuru ɀinegumi ʋari ʋapenyu, ʋakaenda naʋo pamsoro peɗombo, ʋakaʋakandira pasi paɗombo, ʋakavunikanya ʋose.
13
Asi ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋadzoswa naAmazia, kuti ʋarege kundorwa naye, ʋakandowira maguta aJuda, kubva paSamaria kuȿikira paBeti‐horoni, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀitatu kwaʋari, ʋakapambara ɀizhinji.
14
Ɀino Amazia wakati acidzoka pakuʋuraya ʋaEdomi, akaʋuya naʋamŋari ʋaʋana ʋaSeiri, akaʋaita ʋamŋari ʋake, akaʋafugamira, nokuʋapisira ɀinonhuwira.
15
Saka Jehova wakatsamŋira Amazia, akatuma muprofita kwaari; iye akati kwaari: Wakabvunzireiko ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakakoniwa kurwira ʋanhu ʋaʋo pamaʋoko ako?
16
Ɀino wakati acataura naye, mambo akati kwaari: Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, ucaʋurayirweiko? Ipapo muprofita akanyarara, asi wakati: Ndinoziʋa kuti Mŋari unofuŋga kukuparadza, nokuti wakaita iɀoɀi, ukasaterera ɀandakakuraira.
17
Ipapo Amazia mambo waJuda akatȿaka zano, akatuma kunaJoashi mŋanakomana waJehoahazi, mŋanakomana waJehu, mambo waIsraeri, akati: Ʋuya, tirwe.
18
Joashi mambo waIsraeri akatuma shoko kunaAmazia mambo waJuda, akati: Rukato rwakaŋga ruri paRebanoni rwakatuma shoko kumusidari wakaŋga uri paRebanoni, rukati: Ipa mŋanakomana waŋgu mukunda wako aʋe mukadzi wake; ɀino imŋe mhuka yakaŋga iri paRebanoni ikapfuʋura’po, ikatsika‐tsika rukato.
19
Iwe unoti: Tarira wakunda Edomi; ɀino mŋoyo wako waʋa namanyawi, woɀikudza; gara hako ɀino kumusha kwako; nokuti ucatȿakireiko njodzi, uwire’mo, iwe naJuda pamŋe cete newe?
20
Asi Amazia wakaramba kunzwa; nokuti ɀakaŋga ɀicibva kunaMŋari, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo; nokuti ʋakaŋga ʋateʋera ʋamŋari ʋaEdomi.
21
Naiɀoɀo Joashi mambo waIsraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJuda ʋakarwa paBeti‐shemeshi riri paJuda.
22
Juda ʋakakundwa naIsraeri, mumŋe nomumŋe akatizira kutente rake.
23
Joashi mambo waIsraeri akasuŋga Amazia mambo waJuda, mŋanakomana waJoashi, mŋanakomana waJehoahazi, paBeti‐shemeshi, akaenda naye Jerusarema, akaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, kubva pasuʋo raEfraimi kusikira pasuʋo rapakona, makubiti anamazana manna.
24
Akatora ndarama yose nesirveri, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMŋari kunaObedi‐edomi, nefuma yomumba mamambo, naʋanhu kuzoʋa ruɓatso, akadzokera Samaria.
25
Ɀino Amazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda wakagara ari mupenyu makore anegumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mŋanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.
26
Ɀino mamŋe maɓasa aAmazia, okutaŋga nookupedzisira, tarirai, haana‐kunyorwa here mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri?
27
Ɀino kubva paŋguʋa yakarega Amazia kuteʋera Jehova, ʋakamuraŋgana, ʋakamumukira paJerusarema; iye ndokutizira Rakishi; asi ʋakatuma ʋanhu Rakishi ʋacimuteʋera, ʋakamuʋurayira’po.
28
Ʋakaʋuya naye pamabiza, ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake muguta raJuda.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→