bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 18
2 Chronicles 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
1
Ɀino Jehoshafati wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawanirana ʋo naAhabi.
2
Ɀino mamŋe makore akati apfuʋura, iye akaɓurukira Samaria kunaAhabi. Ahabi akamuʋurayira iye naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramoti‐gireadi.
3
Ipapo Ahabi mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati mambo waJuda: Mucaenda neni Ramoti‐gireadi here? Iye akapindura, akati: Ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako; ticaenda newe kundorwa.
4
Jehoshafati akati kunamambo waIsraeri: ɗombobvunza hako shoko raJehova nhasi.
5
Ɀino mambo waIsraeri akaʋuŋganidza ʋaprofita, ʋarume ʋaiʋa namazana manna, akati kwaʋari: Tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iʋo ʋakati: Endai, nokuti Mŋari ucariisa mumaʋoko amambo.
6
Asi Jehoshafati akati: Hakucina‐mumŋe muprofita waJehova pano here, timubvunze?
7
Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Mumŋe murume uci’ko, watiŋgabvunza kuɗa kwaJehova naye, asi ini ndinomuʋeŋga, nokuti haatoŋgoprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi mazuʋa ose ɀakaipa; ndiye Mikaya mŋanakomana waImra. Jehoshafati akati: Mambo ŋgaarege kuɗaro.
8
Ɀino mambo waIsraeri akaɗana muranda, akati: Kurumidza undotora Mikaya mŋanakomana waImra.
9
Ɀino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJuda ʋakaŋga ʋagere mumŋe nomumŋe pacigaro cake coʋushe, ʋagere ʋakafuka ŋguʋo dzaʋo dzoʋushe paɗare pasuʋo reSamaria; ʋaprofita ʋose ʋakaprofita pamberi paʋo.
10
Zedekia mŋanakomana waKenaani akaɀiitira nyaŋga dzamatare, akati: Ɀanzi naJehova: Nedzidzi mucatuŋga ʋaSiria, kuȿikira ʋapera.
11
Naʋamŋe ʋaprofita ʋose ʋakaprofita saiɀoɀo, ʋakati: Endai Ramoti‐gireadi, mucakunda, nokuti Jehova ucariisa paruʋoko rwamambo.
12
Ɀino nhume yakaŋga yandoɗana Mikaya yakataura kwaari, ikati: Tarirai, mashoko aʋaprofita anobvumirana acitaura ɀakanaka kunamambo; ɀino ndinokumbira kuti shoko renyu riʋe se shoko romumŋe waʋo, mutaure ʋo ɀakanaka.
13
Ipapo Mikaya akati: NaJehova mupenyu, iɀo ɀinorebga naMŋari waŋgu, ndiɀo ɀandicataura.
14
Ɀino wakati aciȿika kunamambo, mambo akati kwaari: Mikaya, tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iye akati: Endai henyu, mucakunda; ʋacaiswa muruʋoko rwenyu.
15
Mambo akati kwaari: Ndinofanira kukupikisa kaŋgani here, kuti undiʋudze ɀokwaɗi yoga nezita raJehova?
16
Iye akati: Ndakaʋona ʋaIsraeri ʋose ʋakapararira pamakomo samakwai asino‐mufudzi; Jehova akati: Aʋa haʋanatenzi, mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumusha kwake norugare.
17
Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Handina‐kukuʋudza here, kuti haaŋgaprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi ɀakaipa?
18
Mikaya akati: Ɀino cinzwai shoko raJehova: Ndakaʋona Jehova agere pacigaro cake coʋushe, nehondo dzose dzokuɗeŋga dzimire kurudyi rwake nokuruɓoshwe rwake.
19
Ipapo Jehova akati: Ndianiko ucandonyeŋgera Ahabi, aende, andoʋurawa paRamoti‐gireadi? Ɀino mumŋe akataura aciti ɀokuti, nomumŋe ɀe akati ɀokuti.
20
Ɀino mŋeya ukaɓuɗa, ukamira pamberi paJehova, ukati: Ini ndicandomunyeŋgera. Jehova akati kwauri: Neiko?
21
Iwo ukati: Ndicaenda, ndicaʋa mŋeya wenhema mumiromo yaʋaprofita ʋake ʋose. Iye akati: Iwe ndiwe ucamunyeŋgera, ucakunda ʋo; enda hako, undoita saiɀoɀo.
22
Naiɀoɀo ɀino, tarirai Jehova wakaisa mŋeya wenhema mumiromo yaʋaprofita ʋenyu aʋa ʋose, asi Jehova wakataura ɀakaipa pamsoro penyu.
23
Ipapo Zedekia mŋanakomana waKenaani akasweɗera, akaroʋa Mikaya paɗama rake, akati: Mŋeya waJehova wakaenda nepiko ucibva kwandiri kundotaura newe?
24
Mikaya akati: Ucaɀiʋona musi uyo waucandoʋanda nawo mukamuri yomukati.
25
Ipapo mambo waIsraeri akati: Ƃatai Mikaya, mumuise kunaAmoni muɓati weguta, nokunaJoashi mŋanakomana wamambo,
26
muti: Ɀanzi namambo: Pinzai munhu uyu mutoroŋgo, mumupe ɀokudya ɀokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kuȿikira ndicidzoka norugare.
27
Ipapo Mikaya akati: Kana mukatoŋgodzoka norugare, Jehova haana‐kutaura neni. Akati: Inzwai, imi ʋanhu, imi mose.
28
Naiɀoɀo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJuda ʋakaenda Ramoti‐gireadi.
29
Ɀino mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Ini ndicaɀishandura, ndigondorwa; asi iwe cifuka ŋguʋo dzako dzoʋushe. Mambo waIsraeri akaɀishandura, ʋakandorwa.
30
Ɀino mambo weSiria wakaŋga araira ʋatariri ʋeŋgoro dzake, akati: Regai kurwa naʋaɗuku kana naʋakuru, asi namambo waIsraeri oga.
31
Ɀino ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona Jehoshafati, ʋakati: Ndiye mambo waIsraeri. Naiɀoɀo ʋakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehova akamuɓatsira; Mŋari akaʋakurudzira kumurega.
32
Ɀino ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona kuti haazi mambo waIsraeri, ʋakadzoka pakumuteʋera.
33
Ɀino mumŋe murume akawembura ʋuta bgake asiŋgashumbi hake, akafura mambo waIsraeri pakati peɀisuŋgo ɀeŋguʋo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi weŋgoro: Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo.
34
Kurwa kukanyanya kwaɀo nomusi uyo; asi mambo waIsraeri wakaɀitsigira muŋgoro yake akarwa naʋaSiria kuȿikira maɗekwana; ɀino paŋguʋa yokuʋira kwezuʋa akafa.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→