bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 6
2 Chronicles 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
1
Ipapo Soromoni akati: Jehova wakati, ndinoɗa kugara mukati merima guru.
2
Asi ndakakuʋakirai imba pamuŋgagara, nenɀimbo yamuŋgagara nokusiŋgaperi.
3
Ɀino mambo akatendeʋudza ciso cake, akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri; ʋuŋgano yose yaIsraeri ikasimuka.
4
Akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, akaɀizadzisa noruʋoko rwake, aciti:
5
Kubva pazuʋa randakaɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri paEgipita, handina‐kutsaura guta rimŋe pamarudzi ose aIsraeri, paʋaŋgandiʋakira imba, kuti zita raŋgu rigare’po; ʋuye handina‐kutsaura munhu mumŋe aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri;
6
asi ndakatsaura Jerusarema, kuti zita raŋgu rigare’po; ʋuye ndakatsaura Davidi kuti aɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
7
Ɀino Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri imba.
8
Asi Jehova wakati kunaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu: Wakaita ɀakanaka, ɀawakaŋga uciɗa kuʋakira zita raŋgu imba;
9
kunyaŋge ɀakaɗaro iwe hauŋgaʋaki imba iyo; asi mŋanakomana wako waucaɓereka, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba.
10
Ɀino Jehova wakaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapika Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri imba.
11
Imomo ndakaisa areka, munesuŋgano yaJehova, yaakaita naʋana ʋaIsraeri.
12
Akamira pamberi peartari yaJehova, pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudza maʋoko ake;
13
(nokuti Soromoni wakaŋga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureɓa kwapo kwakaȿika makubiti mashanu, noʋupamhi makubiti mashanu, nokukwirira makubiti matatu, akaɀiisa pakati poruʋazhe; akamira pamsoro paɀo, akafugama pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudzira maʋoko ake kuɗeŋga;)
14
akati: Jehova Mŋari waIsraeri, hakunomumŋe Mŋari wakafanana nemi kuɗeŋga kumsoro kana panyika pasi; munoraŋgarira suŋgano nenyasha kuʋaranda ʋenyu, ʋanofamba pamberi penyu nomŋoyo waʋo wose.
15
Imi makaitira muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukaɀiita noruʋoko rwenyu, seɀaɀakaita nhasi.
16
Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, itirai muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira, muciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri pamberi paŋgu, kana ʋana ʋako ʋakaŋgwarira kufamba kwaʋo, ʋakafamba pamberi paŋgu seɀawakafamba iwe pamberi paŋgu.
17
Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, shoko renyu ŋgariitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu.
18
Ko mukati Mŋari uŋgagara panyika here? Tarira, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga haɀiŋgamuriŋgani; ndoɗa imba ino yandakaʋaka!
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro, iʋai nehanya nomunyeŋgetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehova Mŋari waŋgu, munzwe kuɗanidzira nokunyeŋgetera kwomuranda wenyu, kwaanonyeŋgetera pamberi penyu nhasi;
20
meso enyu ŋgaarambe acirindira imba ino masikati noʋusiku, nɀimbo iyi yamakataura pamsoro payo, muciti mucagarisa zita renyu’po; inzwai munyeŋgetero womuranda wenyu waanozonyeŋgetera akatarira kunɀimbo ino.
21
Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana ʋacizonyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo iyi; ɗonzwai iko kuɗeŋga, kwamunogara; ɀino kana mukanzwa, muʋakaŋganwire henyu.
22
Kana munhu aciŋge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akaʋuya akapika pamberi peartari yenyu muimba ino;
23
inzwai iko kuɗeŋga, muite, mururamisire ʋaranda ʋenyu, mupe wakaipa mhoȿa, arobge pamsoro pomufambire wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe ɀakafanira kururama kwake.
24
Kana ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri ʋaciŋge ʋakundwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, nemhaka yokuti ʋakakutadzirai; kana ʋakadzokera ɀe kwamuri, ʋakatenda zita renyu, ʋakanyeŋgetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
25
inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, muʋadzosere ɀe kunyika yamakaʋapa iʋo namadziɓaɓa aʋo.
26
Kana kuɗeŋga kuciŋge kwazarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti ʋakakutadzirai; kana ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino, ʋakatenda zita renyu, ʋakatendeʋuka paɀiʋi ɀaʋo, nokuti muneŋge maʋaroʋa;
27
inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋaranda ʋenyu, neɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, nokuti munoʋadzidzisa nzira yakanaka yaʋanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa ʋanhu ʋenyu kuti iʋe nhaka yaʋo.
28
Kana nzara ikaʋa’po panyika, kana ɗenda rikaʋa’po, kana nyunji nokuvuva ɀikaʋa’po, nemhashu nehonye; kana ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋakomba panyika inamaguta aʋo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikaʋa’po;
29
kana munhu upi noupi, kana ʋanhu ʋenyu ʋose ʋaIsraeri ʋakanyeŋgetera kana kukumbira, mumŋe nomumŋe aciziʋa kutambudzika kuri pamŋoyo wake kana kucema kwake, akatambanudzira maʋoko ake kuimba ino;
30
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, mukaŋganwire muripire mumŋe nomumŋe ɀakafanira mufambire wake wose, iye wamunoziʋa mŋoyo wake; (nokuti imi, imi moga, ndimi munoziʋa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu ʋose;)
31
kuti ʋakutyei, ʋafambe munzira dzenyu, ŋguʋa yose yaʋanogara panyika yamakapa madziɓaɓa eɗu.
32
Ɀino kana ari mutorwa, asati ari waʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuɗa kwezita renyu guru, noruʋoko rwenyu runesimba, noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa; kana ʋakaʋuya ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kuimba ino;
33
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, muitire mutorwa ɀose ɀaanokumbira, kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe zita renyu, ʋakutyei, seɀinoita ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋaziʋe kuti imba ino yandakaʋaka yakatumidzwa zita renyu.
34
Kana ʋanhu ʋenyu ʋakandorwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakaenda nenzira ipi neipi yamucaʋatuma nayo, ʋakanyeŋgetera kwamuri ʋakatarira kuguta rino ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu;
35
inzwai henyu iko kuɗeŋga kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo, muʋaruramisire.
36
Kana ʋakakutadzirai, (nokuti hakuno‐munhu usiŋgatadzi), mukaʋatsamŋira, mukaʋaisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakatapxa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, kana kure kana pedyo;
37
kana ʋakazoɀifuŋga panyika kwaʋakatapirwa, ʋakadzoka ɀe, ʋakakumbira kwamuri panyika yokutapxa kwaʋo, ʋakati: Tatadza, taita ɀakaipa, taita ɀisakarurama;
38
kana ʋakadzokera ɀe kwamuri nomŋoyo waʋo wose, nomŋeya wose, panyika yokutapxa kwaʋo, kwaʋakaʋatapira, ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kunyika yaʋo, yamakapa madziɓaɓa aʋo, nokuguta ramakatsaura imi, nokuimba yandakaʋakira zita renyu;
39
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo, muʋaruramisire; mukaŋganwire ʋanhu ʋenyu ʋakakutadzirai.
40
Ɀino Mŋari waŋgu, meso enyu ŋgaaȿinure, nenzeʋe dzenyu ŋgadziterere ɀakanaka munyeŋgetero unonyeŋgeterwa munɀimbo ino.
41
Naiɀoɀo ɀino simukai, Jehova Mŋari, mupinde munɀimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu; ʋaprista ʋenyu, Jehova Mŋari, ŋgaʋafukidzwe noruponeso, naʋatȿene ʋenyu ŋgaʋafarire ɀakanaka.
42
Jehova Mŋari, musafuratira ciso comuzodzwa wenyu; raŋgarirai maɓasa akanaka aDavidi muranda wenyu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36