bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 3
2 Chronicles 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 4 →
1
Ipapo Soromoni akataŋga kuʋaka imba yaJehova paJerusarema pagomo reMoria, pakaŋga paɀiratidza Jehova kunaDavidi ɓaɓa ʋake, akagadzira ipapo pakaŋga parairwa naDavidi paɓuriro raOrnani muJebusi.
2
Wakataŋga kuʋaka pazuʋa repiri romŋedzi wecipiri, negore recinna rokuɓata kwake ʋushe.
3
Ɀino ndidzo nheyo dzakaʋambga naSoromoni pakuʋaka imba yaMŋari: kureɓa kwayo, kana ʋacienzanisa namakubiti akare, makubiti anamakumi matanhatu, noʋupamhi makubiti makumi maʋiri.
4
Ƃiraʋira, raiʋa pamberi peimba, kureɓa kwaro kwakaŋga kwakafanana noʋupamhi bgeimba, makubiti makumi maʋiri, nokukwirira kwaro makubiti anezana namakumi maʋiri; akaifukidza necomukati nendarama yakaiȿo‐naka.
5
Akafukidza imba huru namatanda omusipresi, akafukidzwa nendarama yakaiȿo‐naka, akaʋezera pamsoro pawo micindwe namaketani.
6
Akashoŋgedza imba ʋukomba bgamabge anokosha; ndarama yakaŋga iri ndarama yeParvaimi.
7
Akafukidza ʋo imba nendarama, namatanda ayo, neɀikumbaridzo ɀayo, namadziro ayo, namagonhi ayo; akaʋeza makerubi pamadziro.
8
Akaʋaka ʋo imba tȿene‐tȿene; kureɓa kwayo kwakaŋga kwakafanana noʋupamhi bgeimba, makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgayo makubiti anamakumi maʋiri; akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka yakaȿika matarenta mazana matanhatu.
9
Kurema kwembambo kwakaȿika mashekeri endarama anamakumi mashanu. Akafukidza makamuri okumsoro nendarama.
10
Paimba tȿene‐tȿene akaita makerubi maʋiri ɀiri ɀifananidzo ɀakaʋezwa; akaafukidza nendarama.
11
Mapapiro amakerubi akaȿika makubiti anamakumi maʋiri pakureɓa kwawo; ɓapiro rerimŋe rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciȿika kumadziro eimba; nerimŋe ɓapiro ʋo rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciȿika kuɓapiro rerimŋe kerubi.
12
Neɓapiro rerimŋe kerubi rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciȿika kumadziro eimba; nerimŋe ɓapiro ʋo rakaŋga rinamakubiti mashanu, riciɓatana neɓapiro rerimŋe kerubi.
13
Mapapiro amakerubi awa akaŋga akatambanudzwa, akaȿika makubiti makumi maʋiri; akaŋga amire namakumbo awo, ɀiso ɀawo ɀakariŋgira kumba.
14
Akaita ʋo cidzitiro ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka; akasonera’po makerubi.
15
Akaita ʋo pamberi peimba mbiru mbiri; kukwirira kwadzo kwakaȿika makubiti anamakumi matatu namashanu, nomusoro wakaŋga uri pamsoro peimŋe neimŋe wakaȿika makubiti mashanu.
16
Akaita ʋo maketani panɀimbo tȿene, akaaisa pamisoro yembiru; akaita matamba anezana, akaaisa pamaketani.
17
Akamisa mbiru mbiri pamberi petembere, imŋe kurudyi, imŋe kuruɓoshwe; yokurudyi akaitumidza zita rinonzi Jakini, neyokuruɓoshwe akaitumidza Boazi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36