bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 22
2 Chronicles 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 23 →
1
Ɀino ʋagere Jerusarema ʋakaita Ahazia, mŋanakomana wake muɗuku, mambo panɀimbo yake, nokuti ɓoka raʋanhu, ʋakaʋuya naʋaArabia, ʋakaŋga ʋaʋuraya ʋakuru ʋake ʋose. Naiɀoɀo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, wakaɓata ʋushe.
2
Ahazia wakaŋga aȿika makore makumi manna namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri.
3
Naiye wakafamba nenzira dzeimba yaAhabi; nokuti mai ʋake ʋaiʋa murairi wake pakuita ɀakaipa.
4
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaitwa naʋeimba yaAhabi; nokuti ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, ndiʋo ʋaiʋa ʋarairi ʋake, ʋakamuisa pakuparadzwa.
5
Akafamba ʋo seɀaʋakamuraira, akaenda naJehorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jehorami.
6
Akadzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga aakatemŋa paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akaenda kundoʋona Jehorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.
7
Ɀino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kunaMŋari, ɀaakaenda kunaJorami; nokuti wakati aȿika’po, akaenda naJehorami kundorwa naJehu mŋanakomana waNishi, wakaŋga azodzwa naJehova kuti aparadze imba yaAhabi.
8
Ɀino Jehu wakati aciitira imba yaAhabi ɀakaŋga ɀatoŋgwa naJehova, akawana macinda aJuda naʋanakomana ʋaʋanuŋuna ʋaAhazia ʋaciɓatira Ahazia, ndokuʋaʋuraya.
9
Akatȿaka Ahazia ʋo, ʋakamuɓata, (nokuti wakaŋga aʋanda paSamaria), ʋakamuisa kunaJehu, ʋakamuʋuraya; ʋakamuʋiga, nokuti ʋakati: Mŋanakomana waJehoshafati, wakatȿaka Jehova nomŋoyo wake wose. Asi kwakaŋga kusinomumŋe weimba yaAhazia wakaŋga anesimba rokuɓata ʋushe.
10
Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo ʋeimba yaJuda.
11
Asi Jehoshabeati mukunda wamambo, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuʋata. Naiɀoɀo Jehoshabeati mukunda wamambo Jehorami, mukadzi waJehoyada muprista, (nokuti waiʋa hanɀadzi yaAhazia,) akamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kumuʋuraya.
12
Akagara naʋo akaʋanzwa mumba maMŋari makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36